Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 7 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 After this, Jesus traveled around Galilee, not wanting to go into Judea because Jewish leaders there were looking for a chance to kill him. Mumasure mozvakarezvo Jesu adopoterera nomuGaririya, waifamba fambaba muJudhiya nokuti maJudha vaitsvaga kumubaya.
2 But the Jewish Festival of Booths was near. Zvino mutambo wovaJudha woMatumba wanga waakusvika.
3 His brothers told him, "Leave here and go to Judea, so your disciples can also see the works you do. Saka vanin'ina vache vadoti kwaari, “Birika pano uende kuJudhiya kuti vadzidzi vako vaone mabasa yauri kuita.
4 No one seeking public attention hides what he does. If you're doing these things, show yourself to the world." Nokuti hapanai munhu anoshanda kabisira iye achida kuti azikane. Kana uchiita zvinhu zvakarezvi, zvinangidze kunyika.”
5 For not even his brothers believed in him. Nokuti naivo vanin'ina vache vanga vasingamutendewo.
6 So Jesus told them, "My time has not yet come, but for you any time is right. Jesu adoti kwavari, “Nguwa yangu hainati yasvika, asi kwamuri chero nguwa idokodzera.
7 "The world cannot hate you, but it hates me, because I testify that its works are evil. Vanhu vomunyika havagone kukuzondai, asi vanozonda inini ndava ndinopasa upfakazi hwokuti mabasa yavo yadonyangara.
8 You yourselves go up to the festival; I'm not going up to this festival, since my time hasn't yet fully come." Endai kumutambo imimi, inipano ndiri kuendaba kumutambo wakareyu, ndava nguwa yangu inokodzera hainati yasvika.”
9 After saying this, he stayed in Galilee. Mumasure mokunyaira ikoko, adoramba ari muGaririya.
10 After his brothers went up to the festival, he too went up—not openly, but secretly. Asi mumasure mokuenda kwovanin'ina vache kumutambo, iye adozoendawo, asingazviise pachenu, asi achizvisvisva.
11 So the Jewish leaders were looking for him at the festival and asking, "Where is he?" Vatungamiri vovaJudha vanga vachimutsvaga pamutambo, vachiti, “Ari poi?”
12 Much murmuring about him spread among the crowds: some said, "He's good," others, "No, he misleads the crowd." Panga pano kunyaira nyaira kwovanhu kudowanda pamusoro pache. Ukuwo vamwe vaiti, “Munhu adonaka,” vamwe vachiti, “Neye, ari kutsambutsa vanhu.”
13 Yet no one spoke about him openly, for fear of the Jewish leaders. Asi nokucha vatungamiri vovaJudha hapanai adonyaira pachena pamusoro pache.
14 About the middle of the festival, Jesus went up into the temple and began to teach. Panenge pakati pomutambo Jesu adoenda muchivanze choimba yamwari ndokudzidzisa.
15 The Jewish leaders were amazed and asked, "How does this man know so much without training?" MaJudha vadoshamisika nazvo vachiti, “Seiko munhu wakareyu achiziva maninge, asi iye asinai kupfunda?”
16 Jesus answered them, "My teaching isn't mine—it's from the one who sent me. Saka Jesu adovapindura, “Dzidziso yangu njanguba, asi njaiye adondituma.
17 Whoever wants to do our Father's will knows if my teaching is from my Father or I speak on my own. Kana munhu upi zvache achida kuita kuda kwaMwari, achaziva kana kudzidzisa kwangu kuchibva kuna Mwari, kana kuti ndiri kundonyaira zvangu ndega.
18 Whoever speaks on his own seeks his own glory, but whoever seeks the sender's glory is true, with no falsehood in him. Uyo anozvinyaira pachake anotsvaga kukudziwa kwache. Asi anotsvaga kukudziwa kwoadomutuma pachokwadi, munowakareyo hamunai mabhwodo.
19 Didn't Moses give you the law? Yet none of you obeys the law. Why are you trying to kill me?" Mozisi adokupasaiba mutemo? Asi hapanai kana mumwe wenyu anouchengeta. Sei muchitsvaga kundibaya?”
20 The crowd answered, "You have a demon! Who is trying to kill you?" Vanhu vadopindura vachiti, “Unoshave! Mbani ari kuda kukubaya?”
21 Jesus replied, "I did one work, and you are all amazed. Jesu adovapindura achiti, “Ndidoita chishamiso chibodzi, imipa mese mudoshamisika nacho.
22 "Moses gave you circumcision—not from Moses, but the patriarchs—and you circumcise a man on the Sabbath. Mozisi adokurairai kuti muchecheudze vanakomana venyu (aikona kuti zvidobva kwaari, asi zvidobva kumadzibaba yenyu), naimipa munochecheudza munhu paSabata.
23 If a man is circumcised on the Sabbath so the law of Moses isn't broken, why are you angry at me for making a whole man well on the Sabbath? Kana munhu achichecheudziwa paSabata, kuti mutemo waMozisi uregedze kuchohwa, maakundikaripira ndava ndaporesa munhu paSabata?
24 Stop judging by appearances, and judge with right judgment." Regedzai kutongera tsvete, asi tongai zvidorungama.”
25 Then some Jerusalemites said, "Isn't this the man they want to kill? Vamwe vanhu vokuJerusarema vadodzoti, “Iyeyu ndiyeba nai munhu wavanga vachitsvaga kuti vabaye?
26 Yet he speaks openly, and they say nothing to him. Can the rulers truly know this is the Christ? Nguyu ari kunyaira pajekerere, futi hapanai chavari kunyaira kwaari! Zvingave izvo chere kuti vakuru vanonatsa kuziva kuti ndiye Khirisitu?
27 But we know this man's origin. When the Christ comes, no one will know his origin." Manje tinoziva kunobva munhu wakareyu, asi panooneka Khirisitu, hapanai anoziva kwaanobva.”
28 Then Jesus, teaching in the temple, cried out: "You know me, and know where I'm from. Yet I didn't come on my own—the one who sent me is true, and you don't know him. Saka Jesu paanga achidzidzisira muchivanze choimba yaMwari adodaidzira achiti, “Munondiziva, futi munoziva kwandinobva. Asi ndidouyaba nokuda kwangu, uyo adondituma ndiye chokwadi. asi munomuzivaba,
29 I know him, because I am from him, and he sent me." inini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari, futi adondituma.”
30 So they tried to grab him, but no one touched him, because his hour had not yet come. Saka vadotsvaga kumusunga, asi hapanai adomubata, nokuti nguwa yache yanga isati yakwana.
31 But many in the crowd believed in him, asking, "When the Christ comes, will he do more signs than this man did?" Zvidodaipo vanhu vadowanda vadotenda kwaari, vadoti, “Kana Khirisitu wacho wauya, achaita zviratidzo zvizinji kukunda zvidoitiwa nomunhu iyeyu chere?”
32 The Pharisees heard the crowd murmuring these things about him, so the chief priests and Pharisees sent temple guards to seize him. VaFarisi vadonzva mhomho yovanhu ichindonyaira nyaira pamusoro paJesu. Saka vatungamiri vovaphirisita novaFarisi vadotuma varindi voimba yaMwari kuti vamusunge.
33 So Jesus said, "I'm with you a little while longer, and then I go to the one who sent me. Zvino Jesu adoti, “Ndichava nemi kanguwa kapfupi, ndobva ndaenda kuno adondituma.
34 You will search for me and not find me; you cannot come where I am." Muchanditsvaga asi munondiwanaba, kwandinenge ndiri munokonaba kuuya.”
35 So the Jewish leaders asked each other, "Where does he intend to go that we won't find him? Does he intend to go to our people dispersed among the Greeks and teach the Greeks? Vatungamiri vovaJudha vadonyairirana vachiti, “Nghupi kwaari kuda kuenda munhu wakareyu kwatisingadzomuwana? Anoda kuenda koporika muvanhu vedu vari mukati momaguta yomaGiriki kodzidzisa maGiriki chere?
36 What does he mean: 'You will look for me, but you will not find me,' and 'Where I am, you cannot come'?" Anorevei kana achiti, ‘Muchanditsvaga asi munondiwanaba,’ uye kuti, ‘Kwandinenge ndiri munokonaba kuuya?’”
37 On the last, great day of the festival, Jesus stood and called out, "Whoever is thirsty, let him come to me and drink. Pazuva rikuru rokupedzisira kwomutambo, Jesu adosimuka ndokudaidzira achiti, “Kana pano anonyota, mbaauye kwandiri amwe.
38 Whoever believes in me, as Scripture said, rivers of living water will flow from his heart." Uyo anotenda kwandiri, sezvidotauhwa noGwaro, ‘Mumwoyo mache muchaerera tuhwizi twomvura youpenyu.’”
39 He said this about the Holy Spirit, whom believers in him were to receive; the Spirit had not yet been given, since Jesus had not yet been glorified. Manje zvakarezvi wanga achireva Mweya, waidzotambiriwa novaye vadotenda kwaari, nokuti kupasiwa Mweya kwanga kusati kwaitika, ndava Jesu wanga asati wasimudzihwa pakubhwinya.
40 When they heard these words, some of the crowd said, "This really is the Prophet." Pavadonzva mazvi yakareya, vamwe vavo vadoti, “Chokwadi iyeyu ndiye muporofiti uye wataitarisira.”
41 Others said, "This is the Christ." But others asked, "How can the Christ come from Galilee? Vamwe vadoti, “Iyeyu ndiye Khirisitu.” Asi vamwe vadoti, “Ko Khirisitu angauye achibva kuGaririya chere?
42 Doesn't Scripture say the Christ comes from David's line and from Bethlehem, David's village?" Ko Gwaro harina kuti Khirisitu waidzova nzvahwa yaDhavhiti, achibva kuBheterehema, musha waigara Dhavhiti?”
43 So the crowd was divided over him. Saka padova nokupesana pakati povanhu nondava yache.
44 Some of them wanted to seize him, but no one laid a hand on him. Vamwe vavo vaida kumusunga, asi hapanai adomubata.
45 So the temple guards returned to the chief priests and Pharisees, who asked, "Why didn't you bring him?" Varindi voimba yaMwari vadodzoka kuvatungamiri vovaphirisita nokuvaFarisi, ndokubva vavabvunza vachiti, “Sei musina kuuya naye?”
46 The guards answered, "No one ever spoke the way this man does." Varindi voimba yaMwari vadopindura vachiti, “Hapanai munhu adombonyaira kunge munhu wakareyu!”
47 "Have you also been deceived?" the Pharisees answered. VaFarisi vadobva vavapindura vachiti, “Ko naimimiwo matsambutsiwa nai?
48 "Has any of the rulers or of the Pharisees believed in him? Pano umwe pakati povatungamiri kana pakati povaFarisi watenda kwaari chere?
49 But this crowd, who knows nothing of the law—they are under a curse." Aiwa! Asi gurusvusvu rakareri, risingazivi mutemo ridoshurikidziwa.”
50 Nicodemus, who had gone to Jesus earlier and was one of their own number, asked them, Nikodhimo, uyo adomboenda kuna Jesu, uku ari umwe wavo, adoti kwaari,
51 "Does our law condemn a man without first hearing him and finding out what he does?" “Ko mutemo wedu unopomera mhosva munhu asinati wanzviwa nokuzikana kuti anoitei chere?”
52 They replied, "Are you from Galilee too? Search, and see: no prophet arises from Galilee." Vadopindura vachiti, “Naiwewe unobva kuGaririya chere? Zvitsvage mumaGwaro, uchaona kuti hapanai muporofiti achabva kuGaririya.”
53 Then they all went home. Ipopo munhu wese adobva waenda kumba kwache.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]