Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 6 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 After this, Jesus crossed the Sea of Galilee, also called the Sea of Tiberias. Mumasure mozvakarezvi Jesu adoenda kumhiri kwogungwa roGaririya raidaidziwawo kuti Taibheriyasi.
2 A large crowd followed him, because they saw the signs he performed on the sick. Manje vanhu vadowanditsavo vadomutevera nondava yokuti vadoona zviratidzo zvaadoita pano vaye vanga vanomatenda.
3 Jesus went up on the mountainside and sat down there with his disciples. Jesu adokwira pagomo, ndokugarikika novadzidzi vache.
4 Now the Passover, the feast of the Jews, was near. Ipopo Phasika, unova mutambo wovaJudha yanga yaakusvika.
5 Looking up, Jesus saw a large crowd approaching and asked Philip, "Where can we buy bread for these people to eat?" Paadonangara ndokuona gurusvusvu raiuya kwaari, ndokuti kuna Firipi, “Tichatenga poi mazingwa kuti vanhu ivova vaje?”
6 He said this to test Philip, for he himself already knew what he was going to do. Adonyaira zvakarezvo kuti amuedze, nokuti Jesu pachake waiziva zvaanga achidzoita.
7 Philip answered him, "200 days' wages of bread isn't enough for each of them to get a little." Firipi adomupindura achiti, “Muhoro womwedzi mitanhatu unokwanaba kutenga mazingwa yanoita kuti munhu wese awane kachimepfu.”
8 One of his disciples, Andrew, Simon Peter's brother, said to him, Umwe mudzidzi wache, Andireya anova mukoma nomunin'ina naSimoni Pita adoti kwaari,
9 "A boy here has five barley loaves and two fish—but what's that for so many?" “Panomukomana pano ano mazingwa yobhaari mashano nohove dziiri, asi izvozvi zvingave chii pavanhu vadowanditsa zvidodai?”
10 Jesus said, "Have the people sit down." Much grass grew there, so about 5,000 men sat down. Jesu adoti kwavari, “Itai kuti vanhu vagarikike pasi.” Zvino panzvimbo yakareyo panga panousva huzinji, vanhurume vadogarikika pakarepo vaitosvika zviuru zvishano.
11 Jesus then took the loaves, gave thanks, and distributed them to those seated; likewise with the fish, as much as they wanted. Jesu adodzotora mazingwa, ndokuita munamato wokukomborera, adodzoyakovanisa vanhu vanga vadogarikika, ndokuita zvakarezvo nohove, achivapasa zvidoenderana nozvavaida.
12 When they were full, he told his disciples, "Gather the leftover pieces, so nothing is lost." Pavadoja vachiguta, adoudza vadzidzi vache achiti, “Unganidzai zvimepfu zvasara kuti pareke kuva nochinotaiwa.”
13 So they gathered the fragments left over from the five barley loaves after the people ate, filling twelve baskets. Saka vadodzozviunganidza ndokuzaza tsvanda gumi nodziiri dzozvimepfu zvidosiiwa novadoja kubva pamazingwa mashano yobhaari.
14 So when the people saw the sign he did, they said, "This really is the Prophet coming into the world!" Vanhu pavadoona chiratidzo chaadoita, vadoti, “Chokwadi uyu muporofiti waidzouya munyika!”
15 Knowing they meant to come and seize him to make him king, Jesus withdrew again to the mountain alone. Jesu paadoziva kuti vanga vaakutouya komutora nochisimba kuti vamusukumidze kuita mambo, Jesu adobirika pakare kuti ave wega kugomo.
16 When evening came, his disciples went down to the sea, Pakwanga kwadoka vadzidzi vache vadoenda kugungwa,
17 got in a boat and headed across the sea to Capernaum. It was already dark, and Jesus had not yet reached them. vadopinda mukamwadiya ndokuthanga kuyambukira kuKaperenaume. Kwanga kwatodoka, Jesu asati wadzoka kwavari.
18 A strong wind was blowing, and the sea grew rough. Masaisai yogungwa yadosumuka nokuti duthu ridosimba ranga richivhuvhuta.
19 After rowing three or four miles, they saw Jesus walking on the water, approaching the boat, and were afraid. Pavanga vafambisa kamwadiya makhiromita yanenge mashano kana matanhatu, vadoona Jesu achitekaira pamusoro pomvura mugungwa achitonyedza kukamwadiya. Vadocha,
20 But he said to them, "It is I; do not be afraid." asi iye adoti kwavari, “Ndini, rekai kucha.”
21 So they were glad to take him into the boat, and instantly it reached the shore they were heading toward. Saka vadoda kumutora kuti apinde mukamwadiya, ipopo kamwadiya kadobva kasvika panyika kwavaienda.
22 The next day, the crowd remaining on the far shore saw that only one boat had been there, that Jesus had not boarded it with his disciples, but that his disciples had gone off alone. Mangwana yacho vanhu vadosara kumhiri kwogungwa vadoziva kuti kwanga kwandova nokamwadiya kabodzi, futi Jesu wanga asinai kupinda mukamwadiya novadzidzi vache, asi kuti vadzidzi vache vadoenda vega.
23 Other boats came from Tiberias near the place where they ate bread after the Lord gave thanks. Zvisinei, tumwadiya tudobva kuTaibheriyasi tudonyedza panzvimbo yavadojira mazingwa musure mokunamata kudoitiwa naJesu.
24 So when the crowd saw Jesus and his disciples weren't there, they got in boats and went to Capernaum to look for Jesus. Saka vanhu pavadoona kuti Jesu kana vadzidzi vache vanga vasiri pakarepo, ivo pachavo vadopinda mutumwadiya ndokuenda kuKaperenaume vachimutsvaga.
25 Finding him across the sea, they asked, "Rabbi, when did you get here?" Pavadomuwana kuimwe kumhiri yogungwa, vadomuti, “Mudzidzisi, mauya riniko kuno?”
26 Jesus answered them, "Truly, truly, I tell you: you seek me not because you saw signs, but because you ate the loaves and were filled. Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, munonditsvaga isiri ndava yokuti mudoona zviratidzo, asi nondava yokuti mudoja mazingwa muchiguta.
27 Don't work for food that spoils, but for food that lasts to eternal life, which the Son of Man will give you. For on him our Father has set his seal." Rekai kushandira kuti muwane zvokuja zvinoparara, asi zvokuja zvinogara kusvikira kuupenyu husingapere. Ndizvo zvamunopasiwa noMwanakomana woMunhu nokuti paari Mwari Baba vadoisa chisimbiso.”
28 Then they said to him, "What must we do to be doing the works of our Father?" Zvino vadoti kwaari, “Tingaitei kuti tiite mabasa yanodiwa naMwari?”
29 Jesus answered them, "This is our Father's work: that you believe in the one he sent." Jesu adovapindura achiti, “Basa raMwari ndorokuti mutende uyo waadotuma.”
30 So they asked him, "What sign will you give, so we may see and believe you? What work will you do? Saka vadoti kwaari, “Nyhipi chiratidzo chaunoita, kuti tione tikutende? Ibasa ripi rauchaita?
31 Our ancestors ate manna in the wilderness, as it is written: 'He gave them bread from heaven to eat.'" Madzibaba yedu vadoja mana musango, sekunyohwa kwazvidoitiwa, ‘Adovapasa zingwa ridobva kudenga kuti vaje.’”
32 Jesus told them, "Truly, truly, I tell you: Moses didn't give you the bread from heaven—my Father gives you the true bread from heaven. Jesu adoti kwavari, “Chokwadi ndinokunyepai, ndiMozisiba adokupasai zingwa ridobva kudenga, asi Baba vangu vanokupasai zingwa rochokwadi kubva kudenga.
33 For the bread of our Father is he who comes down from heaven and gives the world life." Ndava zingwa raMwari ndiro rinouya kubva kudenga, ropasa upenyu kunyika.”
34 So they said to him, "Lord, give us this bread always." Vadoti kwaari, “Ishe, tipasei zingwa rakareri nguwa dzese.”
35 Jesus told them, "I am the bread of life. Whoever comes to me will never hunger; whoever believes in me will never thirst. Jesu adoti kwavari, “Ndini zingwa roupenyu, uyo anouya kwandiri anodzonzvaba nzara, noanotenda kwandiri anodzonzvaba nyota.
36 But as I told you, you have seen me and still do not believe. Asi sekukuudzai kwandidoita, mudondiona asi nanasi hamusati manditenda.
37 All the Father gives me will come to me, and the one who comes to me I will never drive away. Vese vandinopasiwa naBaba vachauya kwandiri, nouyo anouya kwandiri ndinomutairaba kunze.
38 For I came down from heaven not to do my own will, but the will of him who sent me. Ndava ndidoburuka kudenga, aikona kudzoita zvandinoda, asi kuda kwaiye adondituma.
39 This is the will of him who sent me: that I lose none of all he has given me, but raise them up on the last day. Kwakareku ndiko kuda kwoadondituma, kuti ndireke kurasikihwa kana nomubodzi panovese vaadondipasa, asi kudzozvimutsa pazuva rokupedzisira.
40 For this is the will of my Father: that everyone who looks to the Son and believes in him should have eternal life, and I will raise them up on the last day." Nokuti uku ndiko kuda kwaBaba wangu, kuti wese anonangara Mwanakomana nokutenda kwaari anofanira kuva noupenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira.”
41 So the Jews grumbled about him because he said, "I am the bread that came down from heaven." Zvino vaJudha vadon'un'uzika ndava wanga wati, “Ndini zingwa ridoburuka kubva kudenga.”
42 They said, "Isn't this Jesus, Joseph's son, whose father and mother we know? How can he now say, 'I have come down from heaven'?" Vadobva vati, “NdiJesuba uyu mwanakomana waJosefa, anababa namai vatinoziva? Sei waakuti, ‘Ndidobva kudenga?’”
43 Jesus answered them, "Stop grumbling among yourselves. Jesu adovapindura achiti, “Rekai kun'un'uzika pakati penyu megamega.
44 "No one can come to me unless the Father who sent me draws him, and I will raise him on the last day. Hapanai angakone kuuya kwandiri kunze kwokutoti Baba vadondituma vamukwezvera kwandiri, futi ndichamumutsa pazuva rokupedzisira.
45 It is written in the Prophets: 'And they will all be taught by our Father.' Everyone who has heard and learned from the Father comes to me. Zvidonyohwa mumabhuku yovaporofiti kuti, ‘Futi vese vachafundisiwa naMwari.’ Wese adonzva achidzidza kubva kuna Baba anouya kwandiri.
46 Not that anyone has seen the Father except the one from him; he has seen the Father. Hapanai adoona Baba kusiya kwouyo basi adobva kuna Mwari, ndiye adoona Baba.
47 Truly, truly, I tell you, whoever believes has eternal life. Chokwadi ndinoti kwamuri, uyo anotenda anoupenyu husingapere.
48 I am the bread of life. Ndini zingwa roupenyu.
49 Your ancestors ate the manna in the wilderness, yet they died. Madzibaba yenyu yadoja mana musango, asi vadopfa.
50 This is the bread that comes down from heaven, so anyone may eat it and not die. Iri ndiro zingwa ridoburuka kubva kudenga, kuti munhu arije areke kupfa.
51 I am the living bread come down from heaven. Whoever eats this bread will live forever. The bread I will give is my flesh, for the life of the world." Ndini zingwa ripuma ridoburuka kubva kudenga, wese zvache anoja zingwa rakareri, anochira nokusingapere, futi zingwa randichapasa, kuitira kuti nyika iwane upenyu ndiwo muviri wangu.”
52 Then the Jews argued sharply among themselves, "How can this man give us his flesh to eat?" VaJudha vadozvipikisa pakati pavo, vachiti, “Ko murume wakareyu angatipase sei muviri wache kuti tije?”
53 Jesus told them, "Truly, truly, I tell you, unless you eat the flesh of the Son of Man and drink his blood, you have no life in yourselves. Saka Jesu adoti kwavari, “Chokwadi ndinokunyepai kuti, kusiya kwokuti matoja muviri woMwanakomana woMunhu nokumwa gazi rache, hamunai upenyu mamuri,
54 Whoever feeds on my flesh and drinks my blood has eternal life, and I will raise him on the last day. uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu ano upenyu husingapere, futi ndichamumutsa nozuva rokupedzisira,
55 For my flesh is true food, and my blood is true drink. nokuti muviri wangu chikafu chaicho, pakare gazi rangu nyhokumwa chaicho.
56 Whoever feeds on my flesh and drinks my blood remains in me, and I in him. Uyo anoja muviri wangu nokumwa gazi rangu anogara mandiri, nainini maari.
57 As the living Father sent me and I live because of the Father, so whoever feeds on me will live because of me. Fanike Baba vapenyu vadondituma, inini ndinorarama nokuda kwaBaba, saka uyo anondija achararama nokuda kwangu.
58 This is the bread that came down from heaven. It is not like the bread your ancestors ate and still died. Whoever feeds on this bread will live forever." Iri ndiro zingwa ridouya kubva kudenga, risinai kufanana noridojiwa nomadzibaba vadodzopfa, uyo anoja zingwa rakareri anochira nokusingapere.”
59 He said these things while teaching in the synagogue at Capernaum. Izvozvi adozvinyairira musinagoge, paanga achidzidzisa kuKaperenaume.
60 On hearing it, many of his disciples said, "This is a hard teaching. Who can accept it?" Vadzidzi vache vazinji pavadozvinzva, vadoti, “Kunyaira kwakareku kudooma, mbani angakutambire?”
61 Aware that his disciples were grumbling about this, Jesus said to them, "Does this offend you? Asi Jesu paadoziva mukati mache kuti vadzidzi vache vadonyunyuta nozvakarezvi, adoti kwavari, “Ko magumbuhwa nozvakarezvi nai?
62 "Then what if you see the Son of Man ascending to where he was before? Ko kana mukadzoona Mwanakomana woMumhu achikwira kuenda kwanga ari kare?
63 The Spirit gives life; the flesh helps nothing. The words I have spoken to you are spirit and life. Mweya ndiye anopasa upenyu, nyama inobatsiraba chinhu, mashoko yandidonyaira kwamuri, ndiyo mweya noupenyu.
64 But some of you don't believe." For Jesus knew from the start who didn't believe, and who would betray him. Asi pano vamwe venyu vasingatende.” Nokuti Jesu waiziva kubva pakuthanga kuti mbapi vasinai kutenda, futi kuti mbani waidzomupandukira.
65 And he said, "This is why I told you: no one can come to me unless the Father enables him." Adodzoti pakare, “Ndosaka ndakunyepai kuti hapanai angauye kwandiri kusiya kwokunge wazvigonesewa naBaba vangu.”
66 From this time many of his disciples turned back and no longer walked with him. Mumasure mozvakarezvo vadzidzi vache vazinji vadoita chinepfu ndokurega kumutevera.
67 So Jesus asked the Twelve, "Do you want to leave too?" Jesu adoti kuno vanogumi novairi, “Naimipa munoda kuendawo chere?”
68 Simon Peter answered him, "Lord, to whom should we go? You have the words of eternal life. Simoni Pita adomupindura, “Ishe, tingaende kunani? Ndimi munomazvi youpenyu husingapere.
69 We have believed and known you are the Holy One of our Father." Futi tidotenda, ndokuziva kuti ndimi Mutsvene waMwari.”
70 Jesus answered them, "Have I not chosen you, the Twelve? Yet one of you is a devil." Jesu adovapindura, “Handinai kukusarudzai imipa gumi novairi? Manje mumwe wenyu ndijabhurosi!”
71 He meant Judas, son of Simon Iscariot, one of the Twelve, who was about to betray him. Adotaura achireva Judhasi mwanakomana waSimoni Sikariyoti, ndava wanga ari umwe wovanogumi novairi, waidzomupandukira.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]