Skip to content
The Believer's Library

KoreKore Bible Translation

John 8 KBT

Show KBT only
Verse × ×
1 But Jesus went to the Mount of Olives. Jesu adoenda kugomo roMiorivhi.
2 At dawn he came again to the temple; all the people came to him, and he sat down and taught them. Adopinda futi muimba yaMwari mambakwedza, vanhu vese vadouya kwaari, saka adogarikika ndokuvadzidzisa.
3 The scribes and Pharisees brought a woman caught in adultery and stood her in the middle. Vadzidzisi vomutemo novaFarisi vadounza mukadzi wanga awanikidziwa achiita zvobonde, ndokubva vamumisa pakati pavo
4 They said to him, "Teacher, this woman was caught in the act of adultery. vadobva vati, “Mudzidzisi, mukadzi iyeyu wawanikidziwa achihura.
5 Now in the Law, Moses commanded us to stone such women. So what do you say? Manje pamutemo, Mozisi adotiraira kuti titeme nomatombo mukadzi adodaroyo. Munoti chii naye?”
6 They said this to test him, seeking grounds to accuse him. But Jesus bent down and wrote on the ground with his finger." Vadonyaira zvakarezvo kumuedza, kuti vawane mhosva yokumutonga nayo, asi Jesu adokotama ndokuthanga kunyora pasi nokakumo kache.
7 When they kept questioning him, he stood up and said to them, "Whichever of you has no sin, cast the first stone at her." Pavadoramba vachimubvunza, adokotamuka ndokuti kwavari, “Wakareyo asinai chitadzo pakati penyu mbaave wokuthanga kumukhuva nodombo.”
8 And once more he bent down and wrote on the ground. Adokotama pakare ndokunyora pasi nokakumo kache.
9 Hearing this, they left one by one, starting with the oldest, until Jesus was left alone with the woman standing there. Asi pavadonzva zvakarezvo, vadobirika mubodzi mubodzi, zvichithanga nomukuru wacho, vadosiya Jesu wega nomukadzi adomira pamberi pache.
10 Jesus stood up and said to her, "Woman, where are they? Has no one condemned you?" Jesu adokotamuka ndokumubvunza achiti, “Nai amai, vari poi? Hapanai wakunenedzerai mhoka chere?”
11 She said, "No one, Lord." Jesus said, "I don't condemn you either. Go, and from now on, don't sin anymore." Adopindura achiti, “Hapanai Ishe.” Jesu adobva wati, “Nainini ndinokupaiba mhosva, endai zvenyu, mureke kudzotadza pakare.”
12 Jesus spoke to them again: "I am the world's light. Whoever follows me will never walk in darkness but will have the light of life." Jesu adotaura kwavari pakare achiti, “Ndini chiedza chonyika, uyo anonditevera anofambaba murima, asi achawana chiedza choupenyu.”
13 So the Pharisees said to him, "You are bearing witness about yourself; your testimony is not true." VaFarisi vadobva vati kwaari, “Uri kuzviitira upfakazi, kupupura kwako hakunai chokwadi.”
14 Jesus replied, "Even if I testify about myself, my testimony is true, because I know where I came from and where I'm going; but you don't know where I come from or where I'm going. Jesu adopindura achiti, “Kana dai ndikazviitira upfakazi, upfakazi hwangu ngwochokwadi, ndava ndinoziva kwandidobva nokwandiri kuenda. Asi munozivaba kwandidobva nokwandiri kuenda.
15 You judge according to the flesh; I judge no one. Imimi munotonga nomutoo wovanhu, inini hapanai wandinotonga.
16 Even if I judge, my judgment is true, since I do not judge alone, but I and the Father who sent me. Kana zvazvene ndikatonga, kutonga kwangu ndokwochokwadi, ndava handitonge ndega, asi ndinaBaba vadondituma.
17 In your Law it is written that the testimony of two people is true. Mumutemo wenyu mudonyohwa kuti upfakazi hwovairi ichokwadi,
18 I testify about myself, and the Father who sent me testifies about me." ndinozvipa upfakazi, futi Baba vadondituma vanopawo upfakazi pamusoro pangu.”
19 They asked, "Where is your Father?" Jesus answered, "You know neither me nor my Father. If you knew me, you would know my Father also." Saka vadoti kwaari, “Vari poi Baba vakovo?” Jesu adovapindura achiti, “Munondizivaba kana naBaba vangu, dai maindiziva maizivawo Baba vangu.”
20 He said this while teaching in the temple, in the treasury; no one seized him—his hour had not yet come. Adonyaira mazvi yakareya ari paiisihwa zvipo, paanga achidzidzisa muimba yaMwari, asi hapanai adomusunga, nokuti nguwa yache yanga isinati yasvika.
21 So he told them again, "I am going away. You will look for me and die in your sin. Where I am going, you cannot come." Pakare Jesu adoti kwavari, “Ndinobirika ndichienda, muchanditsvaga futi muchapfira muzvitadzo zvenyu, kwandiri kuenda munokonaba kuuya.”
22 So the Jews said, "Will he kill himself, since he says, "You can't come where I'm going"?" Vatungamiri vovaJudha vadobva vati, “Achazvibaya chere, asi ndicho chikonzero chaanonyairira kuti, ‘Kwandiri kuenda munokonaba kuuya?’”
23 He said to them, "You're from below; I'm from above. You're of this world; I'm not of this world. Adoti kwavari, “Muri vopasi pano, inini handisi wopano, ndinobva kumusoro.
24 I told you that you'll die in your sins; if you don't believe I AM, you'll die in your sins." Ndakunyepai kuti muchatopfira muzvitadzo zvenyu ndipo. Kusiya kwokunge matenda kuti ndini iye, chokwadi muchapfira muzvitadzo zvenyu.”
25 So they said to him, "Just who are you?" Jesus said to them, "Exactly what I've said from the start. Vadomubvunza vachiti, “Ndiwe yani?” Jesu adovapindura achiti, “Ndiri iye wandaikuudzai kubvira pakuthanga.
26 I have much to say and judge about you, but the One who sent me is true; what I heard from him, I tell the world." Ndinozvidowanda zvokutaura pamusoro penyu zvokukutongai, asi adondituma ngwochokwadi, futi zvandidonzva kwaari ndinozvinyaira pachena kuvanhu vonyika.”
27 They did not understand that he had been speaking to them about the Father. Havanai kunzvitsitsa kuti wainyaira kwavari nozvaBaba vache.
28 So Jesus told them, "When you lift up the Son of Man, then you'll know that I AM, and that I do nothing on my own, but say these things as the Father taught me. Saka Jesu adoti, “Kana masumudza Mwanakomana woMunhu, pakarepo ndopamuchaziva kuti ndini iye, futi kuti ndinoitaba chinhu mumasimba yangu ndega asi ndinotaura sezvandidodzidzisiwa naBaba.
29 The one who sent me is with me; he hasn't left me alone, because I always do what pleases him." Adondituma aneni, haanai kundisiya ndega, ndava ndinombondoita zvinomufadza.”
30 As he was saying these things, many believed in him. Paanga achitaura daipo vazinji vadotenda kwaari.
31 Jesus then told the Jews who had believed him, "If you remain in my word, you are truly my disciples, Jesu adodzoti kuvaJudha vadotenda kwaari, “Kana mukaramba muri mudzidziso yangu, muri vadzidzi vangu zvochokwadi,
32 and you will know the truth, and the truth will set you free." futi muchaziva chokwadi, chokwadi chichakuitai vadosununguka.”
33 They answered him, "We are Abraham's descendants, never enslaved to anyone. How can you say, 'You will become free'?" Vadomupindura vachiti, “Tiri nzvahwa dzaAbhurahamu, futi hapanai adombotiita varanda vache. Unodzotaura tini uchiti, ‘Muchasununguhwa?’”
34 Jesus answered them, "Truly, truly, I tell you: everyone who keeps sinning is sin's slave. Jesu adovapindura achiti, “Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anoita chitadzo muranda wochitadzo.
35 The slave does not remain in the house forever; the son remains forever. Muranda haagari mumba nokusingapere, mwanakomana anopfuurira nokusingapere.
36 So if the Son sets you free, you will be free indeed. Saka kana Mwanakomana achikusunungurai muchasununguka chaizvo izvo.
37 I know you are Abraham's descendants; yet you seek to kill me because my word has no space in you. Ndinoziva kuti muri nzvahwa dzaAbhurahamu, asi muri kuda kundibaya, ndava mamuri hamunai nzvimbo yoshoko rangu.
38 I speak what I've seen with my Father, and you do what you heard from your father." Ndiri kukunyairirai zvandidoona kuna Baba vangu, naimimi munoita zvamudonzva kuna baba venyu.”
39 They answered, "Abraham is our father." Jesus said, "If you were Abraham's children, you'd do the works Abraham did, Vadomupindura vachiti, “Abhurahamu ndivo baba vedu.” Jesu adoti kwavari, “Dai manga muri vana vaAbhurahamu maiita zvidoitiwa naAbhurahamu.
40 but now you want to kill me—a man who told you the truth I heard from my Father. Abraham didn't do this. Asi manje muri kuda kundibaya, inini munhu adokunyairirai chokwadi chandidonzva kuna Mwari, zvakarezvi ndizvoba zvidoitiwa naAbhurahamu.
41 You do your father's works." They said to him, "We weren't born of sexual sin. We have one Father—God himself." Munoita zvidoitiwa nababa venyu.” Vadoti kwaari, “Hatisi vana vouhure, tina Baba mubodzi, iye Mwari.”
42 Jesus said to them, "If God were your Father, you'd love me, for I came from God and am here. I didn't come on my own—he sent me. Jesu adoti kwavari, “Dai Mwari waiva Baba venyu, maindida, ndava ndidobva kuna Mwari, handinai kuzviuyira, asi adondituma saka ndiri pano.
43 Why don't you understand my speech? Because you cannot bear to hear my word. Nondava yei musiri kunzvitsitsa zvandinonyaira? Chikonzero nyhokuti munotambiraba kudzidzisa kwangu.
44 You belong to your father, the devil, and want to carry out his desires. He was a murderer from the beginning, not standing in truth, since no truth is in him. When he lies, he speaks from his own nature, since he's a liar and the lie's father. Muri vababa venyu jabhurosi, futi chido chenyu nyhokuita zvinodiwa nababa venyu. Anga ari mhondi kubvira pakuthanga, futi haanai chokuita nochokwadi, nokuti haanai chokwadi maari. Paanobhwodoka anonyaira zvache chaizvo, ndava ndinyamabhwodo futi ndibaba wayene.
45 But because I tell the truth, you do not believe me. Asi nondava yokuti ndinonyaira chokwadi, hamunditende.
46 Who among you convicts me of sin? If I speak truth, why don't you believe me? Mbani wenyu angandikomwese kuti ndaita chitadzo? Ndikakunyairirai chokwadi, sei musinganditende?
47 Whoever is from our Father hears his words; you don't hear because you're not from our Father." WaMwari, anonzva mashoko yaMwari, chikonzero chokureka kunzva kwenyu indava yokuti hamuzi vaMwari.”
48 The Jews replied, "Aren't we right in saying that you are a Samaritan and have a demon?" Vatungamiri vovaJudha vadomupindura vachiti, “Hatisi kunyaira zvidokohoroka chere patiri kuti uri muSamariya futi unoshave?”
49 Jesus answered, "I do not have a demon, but I honor my Father, and you dishonor me. Jesu adopindura kuti, “Handinai shave, asi ndinoremekedza Baba vangu, asi munondizvidza.
50 But I'm not seeking my own glory; our Father seeks it, and he judges. Handizvitsvagire kuremekedzewa, asi aripo anotsvaga kuremekedzewa wakareyo ndiyewo mutongi.
51 Truly, truly, I say to you, if anyone keeps my word, he will never see death." Chokwadi ndinoti kwamuri, wese anochengeta shoko rangu anodzopfaba.”
52 The Jews said to him, "Now we know you have a demon. Abraham died, as did the prophets, yet you say, 'Whoever keeps my word will never taste death.' VaJudha vadoti kwaari, “Manje taakuziva kuti unoshave. Abhurahamu adopfa, kunge zvidoitawo vaporofiti, iwewe waakuti, ‘Wese anochengeta shoko rangu, anopfaba!’
53 Are you greater than our father Abraham, who died? The prophets died too! Who do you claim to be?" Uri mukuru kuna baba vedu Abhurahamu? Ivo vadopfa, novaporofiti vadopfawo! Unozviti ndiwe yani?”
54 Jesus answered, "If I glorify myself, my glory is nothing. It is my Father who glorifies me, of whom you say, 'He is our God.' Jesu adovapindura achiti, “Kana ndikazvirumbidza, kuzvirumbidza kwangu hakureve chinhu, Baba vangu vamunoti ndivo Mwari wenyu ndivo vanondirumbidza.
55 You don't know him, but I know him. If I said I didn't know him, I'd be a liar like you. But I know him and keep his word. Asi hamunai kumuziva, inini ndinomuziva. Ndikati, handimuzive, ndingavewo womabhwodo kunge imimi, asi ndinomuziva, futi ndinoteerera kudzidzisa kwache.
56 Your father Abraham rejoiced that he would see my day. He saw it and was glad." Baba venyu Abhurahamu vadokondwa kuti vaidzoona zuva rangu, vadoriona ndokupfara.”
57 So the Jews said to him, "You're not yet fifty years old, and you've seen Abraham?" Vatungamiri vovaJudha vadodzoti kwaari, “Hausati wasvika makore makumi mashano, manje udoona Abhurahamu iwewe?”
58 Jesus said to them, "Truly, truly, I say to you, before Abraham was, I AM." Jesu adopindura kuti, “Ndinokuudzai chokwadi, Abhurahamu asati wavapo, Ndiripo.”
59 So they grabbed stones to throw at him, but Jesus hid himself and slipped out of the temple. Saka vadohwenga matombo kuti vamuteme nayo, asi Jesu adoverera kubva muimba yaMwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

KBT

The Word for The World International
KoreKore Bible Translation · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]