Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ruth 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Boaz went up to the town gate and sat. When the family redeemer he'd mentioned came by, Boaz said, "Come sit here, friend." So he came and sat. Zvichakadaro, Bhoazi akakwira akaenda pasuo reguta akandogarapo. Hama yapedyo mudzikinuri uya waaireva akati asvika, Bhoazi akati kwaari, “Douya napano, shamwari yangu, ugogara pasi.” Naizvozvo akaenda akandogara pasi.
2 Then he took ten of the town elders and said, "Sit here." So they sat down. Bhoazi akatora vakuru veguta gumi akati kwavari, “Garai pano apa,” ivo vakaita saizvozvo.
3 He told the family redeemer, "Naomi, back from Moab's country, is selling the parcel of land that belonged to our brother Elimelech. Ipapo akati kuhama yapedyo, mudzikinuri, “Naomi uya akadzoka kumusha kubva kuMoabhu, ari kutengesa munda waiva waErimereki hama yedu.
4 So I decided to tell you: buy it before those sitting here and my people's elders. If you'll redeem it, redeem it. If not, tell me so I know, since no one but you can redeem, and I'm after you." He said, "I will redeem it." Ndafunga kuti ndiise nyaya kwauri nokukupa zano rokuti utenge pamberi paavo vagere pano uye napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikinura, ita hako izvozvo. Asi kana usingadi, ndiudze, kuti ndigoziva. Nokuti hapana mumwe ane mvumo yokuzviita kunze kwako, uye ini ndini ndinokutevera.” Iye akati, “Ndichautenga.”
5 Boaz said, "The day you buy the field from Naomi, you also acquire Ruth the Moabite, the dead man's widow, to raise up his name on his inheritance." Ipapo Bhoazi akati, “Pazuva raunotenga munda uyu kubva kuna Naomi naRute muMoabhu, unotorawo chirikadzi yomushakabvu, kuitira kuti mumutse zita romufi nenhaka yake.”
6 Then the redeemer said, "I can't redeem it myself, or I'd ruin my own inheritance. You take my right of redemption; I cannot redeem it." Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.”
7 Earlier in Israel, to make any deal for redeeming or exchanging property binding, a man would take off his sandal and give it to the other. This confirmed agreements in Israel. (Zvino pamazuva akare muIsraeri, pakutenga nokutsinhana midziyo uye kuti zvisimbiswe, mumwe aibvisa shangu yake oipa kuno mumwe. Iyi ndiyo yaiva nzira yokuita chibvumirano zviri pamutemo muIsraeri.)
8 So when the family redeemer said to Boaz, "Buy it for yourself," he took off his sandal. Naizvozvo hama yapedyo, mudzikinuri akati kuna Bhoazi, “Chiutenga iwe.” Uye akabvisa shangu yake.
9 Then Boaz told the elders and all the people, "You are witnesses today that I have bought from Naomi all that belonged to Elimelech, Chilion, and Mahlon. Ipapo Bhoazi akazivisa vakuru navanhu vose akati, “Nhasi muri zvapupu zvokuti ndatenga kubva kuna Naomi zvake zvose nazvose zvaiva zvaErimereki, zvaKirioni nezvaMaroni.
10 I have also taken Ruth the Moabite, Mahlon's widow, as my wife, to preserve the dead man's name with his inheritance, so his name won't vanish from his family or his hometown's records. You are witnesses today." Ndatorawo Rute muMoabhu, chirikadzi yaMaroni, kuti ave mukadzi wangu kuti ndimutse zita romushakabvu pamwe chete nenhaka yake, kuitira kuti zita rake rirege kurova mumhuri yake kana mumabhuku eguta. Nhasi ndimi zvapupu!”
11 Then all the people at the gate and the elders said, "We are witnesses. May our Father make the woman entering your house like Rachel and Leah, who together built the house of Israel. Prosper in Ephrathah and be famous in Bethlehem. Ipapo vakuru navose vaiva pasuo vakati, “Tiri zvapupu isu. Jehovha ngaaite kuti mukadzi ari kuuya mumusha mako ave saRakeri naRea, avo vakavaka pamwe chete imba yaIsraeri. Iwe dai ukasimudzirwa muEfurata uye ukava nomukurumbira muBheterehema.
12 May your house be like Perez's, whom Tamar bore to Judah, through the children our Father gives you by this young woman." Kubudikidza navana vaunopiwa naJehovha nomukadzi wechidiki uyu, mhuri yako ngaive seyaPerezi, uyo akaberekerwa Judha naTamari.”
13 So Boaz took Ruth as his wife. He slept with her, and our Father let her conceive, and she gave birth to a son. Naizvozvo Bhoazi akatora Rute akava mukadzi wake. Zvino akapinda kwaari Jehovha akamuita kuti abate pamuviri, iye akabereka mwanakomana.
14 Then the women said to Naomi, "Praise our Father, who has not left you today without a family redeemer—may his name become famous in Israel! Vakadzi vakati kuna Naomi, “Jehovha ngaarumbidzwe, uyo asina kukusiya usina hama yapedyo, mudzikinuri. Ngaave nomukurumbira pakati peIsraeri yose!
15 He will renew your life and sustain your old age, for your daughter-in-law who loves you, worth more to you than seven sons, has borne him." Achavandudza upenyu hwako nokukuchengeta pamazuva okuchembera kwako. Nokuti muroora wako, uyo anokuda uye anokunda vanakomana vanomwe, ndiye amubereka.”
16 Then Naomi took the child, held him on her lap, and cared for him. Ipapo Naomi akatora mwana, akamuisa pamakumbo ake akamurera.
17 The neighbor women named him: "A son is born to Naomi!" They called him Obed, father of Jesse, father of David. Vakadzi vaigarako vakati, “Naomi ava nomwana womukomana.” Zvino vakamutumidza kuti Obhedhi. Ndiye aiva baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
18 Now these are the generations of Perez: Perez fathered Hezron, Iyi ndiyo imba yaPerezi: Perezi akabereka Hezironi,
19 Hezron fathered Ram, Ram fathered Amminadab, Hezironi akabereka Ramu, Ramu akabereka Aminadhabhi,
20 Amminadab fathered Nahshon, Nahshon fathered Salmon, Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni,
21 Salmon fathered Boaz, Boaz fathered Obed, Sarimoni akabereka Bhoazi, Bhoazi akabereka Obhedhi,
22 Obed fathered Jesse, and Jesse fathered David. Obhedhi akabereka Jese, uye Jese akabereka Dhavhidhi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]