Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Ruth 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then her mother-in-law Naomi said, "My daughter, shouldn't I seek a home for you, so it goes well for you? Rimwe zuva Naomi, vamwene vake vakati kwaari, “Mwanasikana wangu, handingaedzi kukuwanira musha here, paungawana zvinokuriritira zvakakwana?
2 Isn't Boaz, whose young women you were with, our relative? Tonight he winnows barley at the threshing floor. Ko, Bhoazi ane vasikana vawanga uchishanda navo haasi hama yedu yapedyo here? Achange ari paburiro achirudza bhari nhasi manheru.
3 Wash, perfume yourself, put on your cloak, and go down to the threshing floor. Don't reveal yourself to the man until he finishes eating and drinking. Shamba ugozora mafuta anonhuhwira, ugopfeka nguo dzako dzakaisvonaka. Ipapo ugodzika kuburiro, asi usaite kuti azive kuti iwe uripo kusvikira apedza kudya nokunwa.
4 When he lies down, note the place; go uncover his feet and lie down—he'll tell you what to do." Kana orara, ucherechedze nzvimbo yaanorara. Ipapo ugoenda ufukure tsoka dzake ugorara pasi. Achakuudza zvaunofanira kuita.”
5 And Ruth said to her, "All that you say I will do." Rute akapindura akati, “Ndichaita zvose zvamareva.”
6 So she went down to the threshing floor and did everything her mother-in-law had told her. Naizvozvo akadzika kuburiro akaita zvose zvaakataurirwa navamwene vake.
7 Boaz ate, drank, and felt good, then lay down at the end of the grain heap. She came secretly, uncovered his feet, and lay down. Bhoazi akati apedza kudya nokunwa uye mwoyo wake wafara, akaenda akandorara kumuchetocheto kwomurwi wezviyo. Rute akaswedera kwaari chinyararire, akafukura tsoka dzake akarara pasi.
8 At midnight the man was startled, turned over, and there lay a woman at his feet! Pakati pousiku chimwe chinhu chakavhundutsa murume, akashanduka akaona mukadzi akarara kumakumbo kwake.
9 "Who are you?" he asked. "I am Ruth, your servant," she said. "Spread your cloak's corner over your servant, for you are a redeemer." Akamubvunza akati, “Ndiwe aniko?” Iye akati, “Ndini murandakadzi wenyu Rute. Tambanudzai chikamu chenguo yenyu muchiise pamusoro pangu, sezvo muri hama yapedyo nomudzikinuri.”
10 He said, "Blessed are you by our Father, my daughter. This last kindness is better than the first, since you didn't chase young men, poor or rich. Akapindura akati kwaari, “Jehovha akuropafadze, mwanasikana wangu. Tsitsi idzi dzakakura kupinda zvawakaratidza pakutanga. Hauna kumhanyira majaya, hazvinei kuti varombo kana vapfumi.
11 Now, my daughter, don't be afraid. I'll do all you ask, for my whole town knows you're a worthy woman. Naizvozvo zvino, mwanasikana wangu, usatya. Ndichakuitira zvose zvawakakumbira. Varume vose vagere neni muguta vanoziva kuti uri mukadzi akatsiga.
12 Now it is true that I am a redeemer, yet there is a redeemer nearer than I. Kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti ndiri hama yapedyo, pane imwe hama yapedyo ari pedyo kupfuura ini.
13 Stay tonight. In the morning, if he'll redeem you—good, let him redeem. If not, as our Father lives, I will redeem you. Lie down until morning." Chigara hako usiku huno, uye mangwanani kana achida kudzikinura, zvakanaka, ngaadzikinure hake. Asi kana asingadi, naJehovha mupenyu ini ndichazviita. Chivata pano kusvikira mangwanani.”
14 She lay at his feet until morning, rose before anyone was recognizable, for he said, "No one may know a woman came to the threshing floor." Naizvozvo akarara kumakumbo ake kusvikira mangwanani, asi akamuka mambakwedza pasina aigona kuzivikanwa kuti ndiani; uye Bhoazi akati, “Usaita kuti zvizivikanwe kuti pane mukadzi akauya paburiro.”
15 He said, "Bring the shawl you're wearing; hold it out." She held it out. He measured six portions of barley, put it on her, and went into the city. Akati kwaarizve, “Ndipe kuno mucheka wawakamonera ugoutambanudza.” Akati aita izvozvo, Bhoazi akadururira zviyero zvebhari zvitanhatu mauri akamutakudza pamusoro. Ipapo akadzokera kuguta.
16 When Ruth came to her mother-in-law, Naomi asked, "How did it go, my daughter?" She told her all the man had done for her. Zvino Rute akati asvika kuna vamwene vake, Naomi akamubvunza akati, “Zvaita mafambiroi mwanasikana wangu?” Ipapo iye akamuudza zvose zvaakanga aitirwa naBhoazi,
17 She said, "He gave me these six measures of barley, saying, 'Don't return to your mother-in-law empty-handed.'" uye akatizve, “Andipa zviyero zvitanhatu izvi zvebhari, akati, ‘Usadzokera kuna vamwene vako usina chinhu.’ ”
18 Naomi said, "Wait, my daughter, until you know the outcome, for the man won't rest until he settles it today." Ipapo Naomi akati, “Chimira, mwanasikana wangu, kusvikira waona zvinoitika. Nokuti murume uyu haangazorori kusvikira agadzirisa nyaya iyi nhasi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]