Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

1 Samuel 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 There was a man from Ramathaim-zophim in the hill country of Ephraim named Elkanah son of Jeroham, son of Elihu, son of Tohu, son of Zuph, an Ephraimite. Zvino kwakanga kuno mumwe murume weRamataimu, muZufi, wenyika yamakomo yaEfuremu, ainzi Erikana, mwanakomana waJerohamu, mwanakomana waErihu, mwanakomana waTohu, mwanakomana waZufi muEfuremu.
2 He had two wives, Hannah and Peninnah. Peninnah had children, but Hannah had none. Aiva navakadzi vaviri; mumwe ainzi Hana mumwe achinzi Penina. Penina akanga ana vana asi Hana akanga asina.
3 Each year he went up from his town to worship and sacrifice to the Father of heaven's armies at Shiloh, where Eli's two sons, Hophni and Phinehas, were priests of our Father. Gore negore murume uyu aibuda achibva muguta rake kuti andonamata nokubayira zvibayiro kuna Jehovha Wamasimba Ose paShiro, Hofini naFinehasi, vanakomana vaEri, vari vaprista vaJehovha.
4 When Elkanah sacrificed, he gave portions to his wife Peninnah and all her sons and daughters. Nguva dzose zuva rokuti Erikana abayire chibayiro raiti kana rasvika, aipa migove yenyama kumukadzi wake Penina nokuvanakomana vake navanasikana vake vose.
5 But to Hannah he gave a double portion, because he loved her, though our Father had closed her womb. Asi aipa Hana mugove wakapetwa kaviri nokuti aimuda, uye Jehovha akanga azarira chibereko chake.
6 Because our Father had closed her womb, her rival kept provoking her bitterly to make her miserable. Zvino nokuti Jehovha akanga azarira chibereko chake, muvengi wake Penina akaramba achingomudenha kuti amutsamwise.
7 Year after year, whenever Hannah went up to the house of our Father, Peninnah provoked her, so she wept and would not eat. Izvi zvakaitika gore negore. Nguva dzose Hana paaienda kuimba yaJehovha, muvengi wake aimudenha kusvikira achema obva atadza kudya.
8 Her husband Elkanah asked her, "Hannah, why are you crying? Why won't you eat? Why is your heart sad? Am I not more to you than ten sons?" Murume wake Erikana aibva ati kwaari, “Hana, uri kuchemei? Sei usingadyi? Wakasuwa neiko? Handikoshi here kwauri kudarika vanakomana gumi?”
9 After they ate and drank at Shiloh, Hannah rose. Eli the priest sat on the seat by the doorpost of our Father's temple. Vakati vachangopedza kudya nokunwa muShiro, Hana akasimuka. Zvino Eri muprista akanga akagara pachigaro pamukova wetemberi yaJehovha.
10 Deeply distressed, she prayed to our Father and wept bitterly. Nokurwadziwa kwomwoyo, Hana akachema zvikuru akanamata kuna Jehovha.
11 She vowed, "Father of heaven's armies, if you will only see your servant's suffering, remember me, not forget your servant, and give her a son, I will give him to our Father all his life, and no razor will touch his head." Uye akaita mhiko achiti, “Jehovha Wamasimba Ose, dai mukangotarira bedzi pamusoro pokutambura kwomuranda wenyu mugondirangarira, mugorega kukanganwa muranda wenyu asi mumupe mwanakomana, ipapo ndichamupa kuna Jehovha kwamazuva ose oupenyu hwake, uye hakuna chisvo chichashandiswa pamusoro wake.”
12 As she kept on praying before our Father, Eli watched her mouth. Zvaakaramba achinamata kuna Jehovha, Eri akacherechedza muromo wake.
13 Hannah was praying in her heart; her lips moved but no voice was heard. So Eli thought she was drunk. Hana akanga achinamata mumwoyo make uye miromo yake yakanga ichifamba asi inzwi rake rakanga risinganzwiki. Eri akafunga kuti akanga akadhakwa,
14 He said to her, "How long will you stay drunk? Put away your wine." akati kwaari, “Ucharamba uchidhakwa kusvika riniko? Siyana newaini yako.”
15 "No, my lord," Hannah answered. "I'm a woman deeply troubled in spirit. I've drunk no wine or strong drink but have poured out my soul before our Father. Hana akapindura akati, “Kwete, ishe wangu, ndiri mukadzi ane shungu pamweya. Ndanga ndisinganwi waini kana doro; ndanga ndichidurura mwoyo wangu kuna Jehovha.
16 Don't take your servant for a worthless woman; I've been praying here from my deep anguish and grief." Musatora muranda wenyu somukadzi akaipa; ndanga ndichinyengetera pano zvichibva mukushushikana nokutambudzika kwangu kukuru.”
17 Eli answered, "Go in peace, and may the Father of Israel grant what you asked of him." Eri akapindura achiti, “Enda norugare, uye Mwari waIsraeri ngaakupe zvawakumbira kwaari.”
18 She said, "May your servant find favor in your eyes." Then the woman went her way and ate, her face no longer downcast. Akati, “Murandakadzi wenyu ngaawane nyasha pamberi penyu.” Ipapo akaenda hake akandodya, uye uso hwake hahuna kuzoramba hwakasuruvara.
19 Early next morning they rose, worshiped before our Father, and returned home to Ramah. Elkanah was intimate with Hannah his wife, and our Father remembered her. Mangwanani omusi waitevera vakamuka vakanamata pamberi paJehovha vakadzokera kumusha kwavo kuRama. Erikana akasangana naHana mukadzi wake, Jehovha akamurangarira.
20 In time Hannah conceived and bore a son. She named him Samuel, saying, "Because I asked our Father for him." Naizvozvo nokufamba kwenguva, Hana akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Akamutumidza zita rokuti Samueri, achiti, “Nokuti ndakamukumbira kuna Jehovha.”
21 When Elkanah and all his household went up to offer the yearly sacrifice to our Father and fulfill his vow, Zvino murume uyu Erikana paakaenda nemhuri yake yose kundopa zvibayiro zvapagore kuna Jehovha nokundozadzisa mhiko yake,
22 Hannah didn't go. She told her husband, "When the boy is weaned, I'll bring him to appear before our Father, and he'll stay there forever." Hana haana kuenda. Akati kumurume wake, “Mushure mokunge mukomana uyu ndamurumura, ndichamutora ndigomupa kuna Jehovha, uye achagara ikoko nguva dzose.”
23 "Do what seems best to you," her husband Elkanah said. "Stay until you have weaned him; only may our Father keep his word." So Hannah stayed and nursed her son until she weaned him. Erikana murume wake akati kwaari, “Ita zvaunoona zvakakunakira. Gara pano kusvikira wamurumura; dai Jehovha asimbisa shoko rake bedzi.” Naizvozvo mukadzi uyu akagara kumba akarera mwanakomana wake kusvikira amurumura.
24 After weaning him, she took the boy up with her, with a three-year-old bull, about twenty-five pounds of flour, and a jug of wine, and brought him to the house of our Father at Shiloh; and the child was young. Mushure mokunge arumurwa, akatora mukomana uyu, ari mudiki sezvaaiva, pamwe chete nehando yamakore matatu neefa youpfu hwakatsetseka nedende rewaini, uye akaenda naye kuimba yaJehovha kuShiro.
25 They slaughtered the bull and brought the boy to Eli. Vakati vauraya hando, vakaenda nomukomana kuna Eri,
26 Hannah said, "Oh, my lord, as surely as you live, my lord, I am the woman who stood here beside you, praying to our Father. uye Hana akati kwaari, “Zvirokwazvo noupenyu hwenyu ishe wangu, ndini mukadzi uya akamira parutivi penyu ndichinyengetera kuna Jehovha.
27 I prayed for this child, and our Father has granted me what I asked of him. Ndakakumbira mwana uyu, uye Jehovha andipa zvandakamukumbira.
28 So I give him to our Father. His whole life he is given to him." And he worshiped our Father there. Saka iye zvino ndinomupa kuna Jehovha. Kwoupenyu hwake hwose achapiwa kuna Jehovha.” Uye akanamata Jehovha ipapo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]