Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Philippians 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 So, my dear, longed-for brothers and sisters, my joy and crown, stand firm in the Lord this way, dear ones. Naizvozvo, hama dzangu, iyemi vandinoda uye vandinoshuva, mufaro wangu nekorona yangu, ndiko kuti mumire nesimba muna She, hama dzinodiwa!
2 I urge Euodia and I urge Syntyche to agree with each other in the Lord. Ndinokumbira zvikuru kuna Yudhia uyewo ndinokumbira zvikuru Sindike kuti vatenderane muna She.
3 Yes, I ask you too, true partner: help these women—they struggled with me for the gospel, along with Clement and my other coworkers, whose names are in the book of life. Hongu, uye ndinokukumbira iwe wakatendeka, musungwa pamwe chete neni pajoko, batsira vakadzi ava vakarwa pamwe chete neni mubasa revhangeri, pamwe chete naKiremenzi uye navamwe vose vakabata basa pamwe chete neni, mazita avo ari mubhuku roupenyu.
4 Rejoice in the Lord always; again I will say, rejoice. Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai!
5 Show your gentleness to everyone. The Lord is near. Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo.
6 Worry about nothing; instead, in everything, through prayer and petition with thanksgiving, make your requests known to our Father. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga.
7 The peace of our Father, beyond all understanding, will guard your hearts and your minds in Christ Jesus. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
8 Finally, brothers, fix your minds on whatever is true, honorable, right, pure, lovely, admirable, excellent, and praiseworthy—and keep dwelling on these things. Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai.
9 What you have learned and received and heard and seen in me—do these things, and our Father of peace will be with you. Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi.
10 I rejoiced greatly in the Lord that at last you renewed your concern for me—you were indeed concerned, but lacked opportunity. Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze.
11 Not that I speak from need—I've learned to be content in any circumstance. Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo.
12 I know how to be brought low, and I know how to overflow. In any and every circumstance I've learned the secret: full and hungry, overflowing and lacking. Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa.
13 I can do all things through Christ who strengthens me. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba.
14 Yet it was kind of you to share my trouble. Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
15 You Philippians know too: when the gospel began, when I left Macedonia, no church shared with me in giving and receiving except you alone. Pamusoro paizvozvo, sezvamunoziva imi vaFiripi, pamazuva enyu okutanga kundiziva nevhangeri, pandakasimuka kubva kuMasedhonia, hakuna kereke yakagovana neni panyaya yokupa nokugamuchira, kunze kwenyu chete;
16 Even in Thessalonica you sent me help for my needs more than once. nokuti kunyange pandakanga ndiri muTesaronika, makanditumira rubatsirozve uye mukapamha pandainge ndiri pakushayiwa.
17 Not that I seek the gift, but I seek the fruit that increases to your credit. Handirevi kuti ndinotsvaka chipo, asi ndinotsvaka izvo zvamungazopfumiswa nazvo.
18 I have received full payment, and more—filled, having received from Epaphroditus your gifts, a fragrant offering, a sacrifice acceptable and pleasing to our Father. Ndakagamuchira mubayiro uzere uye kunyange zvizhinji; ndava nezvakakwana, zvino zvandagamuchira kubva kuna Epafrodhitasi zvipo zvamakanditumira. Zvakaita sechipiriso chinonhuhwira, chibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
19 And my Father will supply all your needs according to his riches in glory in Christ Jesus. Uye Mwari wangu achazadzisa zvamunoshayiwa zvose maererano nokubwinya kwepfuma yake muna Kristu Jesu.
20 Now to our Father be glory forever and ever. Amen. Mwari naBaba vedu ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
21 Greet every saint in Christ Jesus. The brothers who are with me greet you. Kwazisai vatsvene vose muna Kristu Jesu. Hama dzandinadzo dzinokukwazisai.
22 All the saints greet you, especially those of Caesar's household. Vatsvene vose vanokukwazisai, kunyanya avo veimba yaKesari.
23 The grace of the Lord Jesus Christ be with your spirit. Amen. Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu. Ameni.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]