Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Philippians 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Finally, brothers and sisters, rejoice in the Lord. Writing the same things again is no trouble for me, and it protects you. Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna She! Harisi dambudziko kwandiri kuti ndinyore zvinhu zvimwe chetezvo zvakare kwamuri, uye zvinokuchengetedzai imi.
2 Watch for the dogs, watch for the evil workers, watch for those who mutilate the flesh. Chenjererai imbwa dziya, vanhu vanoita zvakaipa, vaya vanoremadza nyama nokucheka.
3 We are the circumcision—worshiping by the Spirit of our Father, boasting in Christ Jesus, trusting nothing in the flesh, Nokuti tisu vokudzingiswa, tisu tinonamata noMweya waMwari, vanozvirumbidza muna Kristu Jesu, uye vasingavimbi nenyama,
4 though I too could have confidence in the flesh. If anyone else thinks he has grounds for confidence in the flesh, I have more: kunyange zvangu ini ndine chikonzero chokuvimba kwakadaro. Kana pano munhu zvake anofunga kuti ane chikonzero chokuvimba nenyama, ini ndinazvo zvakawanda:
5 Circumcised the eighth day; Israelite by birth, from Benjamin's tribe; Hebrew of Hebrews; a Pharisee under the law. ndakadzingiswa pazuva rorusere, ndiri mumwe wavanhu veIsraeri, worudzi rwaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurayiro, ndiri muFarisi;
6 In zeal, persecuting the church; in righteousness under the law, blameless. kana kuri kushingaira, ndichitambudza kereke; kana kuri kuchengetedza murayiro, handina mhosva.
7 But whatever was gain to me, I now count as loss for the sake of Christ. Asi zvose zvakanga zviri pfuma kwandiri, ndakaona kuri kurasikirwa nokuda kwaKristu.
8 Yes, I count everything as loss because of the priceless worth of knowing Christ Jesus my Lord. For his sake I've lost all things, and count them garbage, so I may gain Christ, Chimwezve ndakati zvinhu zvose kurasikirwa hako kana zvichienzaniswa noukuru hunopfurikidza hwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, nokuti nokuda kwake ndakarasikirwa nezvinhu zvose. Ndakazviita marara, kuti ndiwane Kristu.
9 and be found in him, not having my own righteousness from the law, but that through faith in Christ—the righteousness from our Father based on faith, Uye kuti ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kunobva pamurayiro, asi uko kunouya kubudikidza nokutenda kuri muna Kristu, iko kururama kunobva kuna Mwari uye kuri kwokutenda.
10 so I may know him, his resurrection's power, sharing his sufferings, becoming like him in death, Ndinoda kuziva Kristu nesimba rokumuka kwake uye nokuwadzana kwokugovana naye mumatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake,
11 if somehow I may attain to the resurrection from the dead. uye kuti, zvimwe, ndiwane kumuka kubva kuvakafa.
12 Not that I have already obtained it, or am already perfected, but I press on to grasp that for which Christ Jesus grasped me. Kwete kuti ndatowana zvose izvi kare, kana kuti ndatokwana pakururama, asi ndinoshingaira kuti ndichibate icho chandakabatirwa naKristu Jesu.
13 Brothers, I don't count myself as having grasped it yet. But one thing: forgetting what's behind, reaching for what's ahead, Hama dzangu, handisi kuti ndatochibata. Asi ndinoita chinhu chimwe: Ndinokanganwa zviri shure ndichivavarira zviri mberi,
14 I press toward the goal for the prize of our Father's heavenward call in Christ Jesus. ndinoshingairira kuchinangwa chokupedzisira kuti ndiwane mubayiro wandakadanirwa naMwari kudenga muna Kristu Jesu.
15 Let all of us who are mature think this way; if you think differently on anything, our Father will reveal that to you too. Isu tose takura tinofanira kuva nepfungwa iyoyo. Uye kana pane dzimwe nguva imi muchifunga zvakasiyana, izvozvowo Mwari achazvijekesa kwamuri.
16 Only let us hold true to what we have already attained. Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana.
17 Brothers, imitate me together, and watch those who live by the pattern you have in us. Batanai navamwe mukutevera muenzaniso wangu, hama, uye mucherechedze avo vanorarama zviri maererano netsika dzatakakudzidzisai.
18 Many live as enemies of Christ's cross—I've told you this often, and now say it in tears. Nokuti, sezvandaimbokuudzai kare uye ndinodarozve kunyange zvino nemisodzi kuti, vazhinji vanorarama savavengi vomuchinjikwa waKristu.
19 Their end is destruction, their god the stomach, their glory their shame, minds fixed on earthly things. Magumo avo ndiko kuparadzwa kwavo, Mwari wavo idumbu ravo, uye kuzvirumbidza kwavo ndiko kunyadziswa kwavo. Pfungwa dzavo dzinofunga zvinhu zvenyika.
20 But our citizenship is in heaven; from there we eagerly await a Savior, the Lord Jesus Christ, Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,
21 who will transform our lowly body to match his glorious body, by the power that subjects all things to himself. uyo ane simba rinomugonesa kuti auyise zvinhu zvose pasi pesimba rake, achavandudza miviri yedu yakazvidzika kuti ifanane nomuviri wake wokubwinya.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]