Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 8 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When he came down from the mountain, great crowds followed him. Akati aburuka kubva mugomo, vanhu vazhinji vakamutevera.
2 A man with leprosy approached, knelt before him, saying, "Lord, if you're willing, you can make me clean." Mumwe murume aiva namaperembudzi akauya akasvikopfugama paari akati, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”
3 Jesus reached out his hand and touched him: "I am willing; be clean." His leprosy vanished at once. Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo akabva aporeswa maperembudzi ake.
4 Jesus told him, "Tell no one, but go show yourself to the priest and offer the gift Moses commanded, as testimony to them." Ipapo Jesu akati kwaari, “Ona kuti hapana waunotaurira uye ugopa chipo chakarayirwa naMozisi sechapupu kwavari.”
5 When he entered Capernaum, a centurion came to him, appealing to him, Jesu akati apinda muKapenaume, mukuru wezana akauya kwaari achikumbira rubatsiro.
6 and saying, "Lord, my servant is lying at home paralyzed, suffering terribly." Akasvikoti, “Ishe, muranda wangu arere kumba, akafa mitezo, uye ari kurwadziwa zvikuru.”
7 He said to him, "I will come and heal him." Jesu akati kwaari, “Ndichauya kuzomuporesa.”
8 The centurion replied, "Lord, I'm not worthy for you to come under my roof; just say the word, and my servant will be healed. Mukuru wezana akapindura akati, “Ishe, handina kukodzera kuti imi mupinde mumba mangu. Asi ingotaurai henyu shoko, uye muranda wangu achapora.
9 For I too am a man under authority, with soldiers under me. I tell one, 'Go,' and he goes; another, 'Come,' and he comes; my servant, 'Do this,' and he does it." Nokuti ini pachangu ndiri munhu anorayirwa, ndine varwi pasi pangu. Ndinoudza uyu kuti, ‘Enda,’ achienda; neuyo ndichimuti, ‘Uya,’ achiuya. Ndinoti kumuranda wangu, ‘Ita izvi,’ achizviita.”
10 Hearing this, Jesus was amazed and told his followers, "Truly, I tell you, I have found no one in Israel with such faith. Jesu akati anzwa izvi, akashamiswa akati kuna avo vaimutevera, “Ndinokuudzai chokwadi, handisati ndaona munhu ane rutendo rwakadai muIsraeri.
11 I tell you, many will come from east and west and sit at the table with Abraham, Isaac, and Jacob in our Father's kingdom, Ndinoti kwamuri, vazhinji vachabva kumabvazuva nokumadokero uye vachagara panzvimbo dzavo pamutambo pamwe chete naAbhurahama, Isaka naJakobho muumambo hwokudenga.
12 but the kingdom's sons will be thrown into the outer darkness, where there will be weeping and grinding of teeth." Asi vadyi venhaka youshe vachakandwa kunze, kurima uko kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
13 Jesus told the centurion, "Go, let it be done for you as you believed." His servant was healed that hour. Ipapo Jesu akati kumukuru wezana, “Enda! Zvichaitika sokutenda kwawaita.” Muranda wake akabva apora panguva iyoyo.
14 When Jesus entered Peter's house, he saw Peter's mother-in-law lying in bed with a fever. Jesu akati apinda mumba maPetro, akasvikowana mai vomukadzi waPetro varere vachirwara nefivha.
15 He touched her hand; the fever left her, and she rose and served him. Akabata ruoko rwavo fivha ndokubva yapera, uye vakasimuka ndokubva vatanga kumushandira.
16 That evening they brought him many oppressed by demons; he expelled the spirits with a word and healed everyone sick. Ava madekwana, vazhinji vakanga vakabatwa namadhimoni vakauyiswa kwaari, uye akadzinga mweya iyoyo neshoko akaporesa vose vairwara.
17 This fulfilled the prophet Isaiah's words: "He took our weaknesses and carried our diseases." Izvi zvaizadzisa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Akatakura utera hwedu hwose uye akatakura zvirwere zvedu zvose.”
18 When Jesus saw a crowd around him, he ordered them to cross to the other side. Jesu akati aona vanhu vazhinji vakamukomberedza akarayira kuti vayambuke vaende kune rimwe divi regungwa.
19 And a scribe came up and said to him, "Teacher, I will follow you wherever you go." Ipapo mumwe mudzidzisi womurayiro akauya kwaari akati, “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
20 Jesus told him, "Foxes have dens and birds of the sky have nests, but the Son of Man has nowhere to lay his head." Jesu akapindura achiti, “Makava ane mwena yawo, shiri dzina matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
21 Another of the disciples said to him, "Lord, let me first go and bury my father." Mumwewo mudzidzi akati, “Ishe chimboregai nditange ndambonoviga baba vangu.”
22 But Jesus said to him, "Follow me, and leave the dead to bury their own dead." Asi Jesu akati kwaari, “Nditevere, rega vakafa vavige vakafa vavo.”
23 When he got into the boat, his disciples followed him. Ipapo akapinda muigwa uye vadzidzi vake vakamutevera.
24 Suddenly a great storm arose on the sea, so waves covered the boat—but he was asleep. Pakarepo, dutu guru rakamuka pagungwa zvokuti mafungu egungwa akapfachukira pamusoro peigwa. Asi Jesu akanga avete.
25 So they woke him: "Lord, save us! We're dying!" Vadzidzi vakaenda vakandomumutsa vachiti, “Ishe, tiponesei! Tava kunyura!”
26 He said to them, "Why are you afraid, you of little faith?" Then he stood and rebuked the winds and sea, and a great calm followed. Akavapindura achiti, “Imi vorutendo ruduku, munotyireiko kudai?” Ipapo akasimuka akatsiura mhepo namafungu uye kukadzikama kwazvo.
27 The men were amazed: "What kind of man is this—even winds and sea obey him?" Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
28 Crossing to the other side, to the region of the Gadarenes, two demon-possessed men came out of the tombs to meet him, so violent no one could pass that way. Akati asvika mhiri kunyika yavaGadhara, akasangana navarume vaviri vakanga vakabatwa namadhimoni. Varume ava vaiva nehasha zvokuti hapana munhu aigona kupfuura naikoko.
29 They shouted, "What do you want with us, Son of God? Have you come here to torment us before the time?" Vakadanidzira vachiti, “Munodeiko kwatiri, Mwanakomana waMwari? Mauya kuzotirwadzisa here iyo nguva yakatarwa isati yasvika?”
30 Now a herd of many pigs was feeding at some distance from them. Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura.
31 And the demons begged him, "If you cast us out, send us into the herd of pigs." Madhimoni akakumbirisa Jesu achiti, “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”
32 He told them, "Go." They came out and entered the pigs, and the whole herd rushed down the cliff into the sea and died in the waters. Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura.
33 The herdsmen fled into the city and reported everything, including what had happened to the demon-possessed men. Vaya vakanga vachifudza nguruve vakamhanya vakandopinda muguta vakandotaura zvose izvi, kusanganisira nezvakanga zvaitika kuvarume vaya vakanga vane madhimoni.
34 The whole city came out to meet Jesus; seeing him, they begged him to leave their region. Ipapo guta rose rakabuda rikandosangana naJesu. Uye vakati vamuona, vakamukumbirisa kuti abve munyika yavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]