Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus stepped into a boat, crossed over, and came to his own town. Jesu akapinda mugwa akayambuka ndokusvika kuguta rokwake.
2 Some brought him a paralyzed man lying on a mat. Seeing their faith, Jesus told the paralyzed man, "Take heart, son; your sins are forgiven." Vamwe varume vakauya nomunhu akanga akafa mitezo, avete pabonde. Jesu akati aona kutenda kwavo akati kumunhu uya akafa mitezo, “Tsunga mwoyo, mwana, zvivi zvako zvaregererwa.”
3 At this, some of the teachers of the law said to themselves, "This man is blaspheming." Vachinzwa izvi, vamwe vadzidzisi vemirayiro vakati mumwoyo yavo, “Munhu uyu ari kumhura Mwari!”
4 Knowing their thoughts, Jesus said, "Why do you harbor evil in your hearts? Achiziva pfungwa dzavo Jesu akati, “Sei muchifunga zvakaipa mumwoyo yenyu?
5 Which is easier: to say, 'Your sins are forgiven,' or to say, 'Get up and walk'? Ndezvipi zvakareruka, kuti, ‘Zvivi zvako waregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’?
6 But so you know the Son of Man has authority on earth to forgive sins"—then he told the paralyzed man, "Get up, take your mat, and go home." Asi kuti mugoziva kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Ipapo akati kumunhu uya akanga akafa mitezo, “Simuka, tora bonde rako uende kumba.”
7 And the man got up and went home. Uye murume uya akasimuka akaenda kumba kwake.
8 Seeing this, the crowds were awed and praised our Father, who gave people such authority. Vanhu vazhinji pavakazviona, vakazadzwa nokutya uye vakarumbidza Mwari uyo akanga apa simba rakadai kuvanhu.
9 Moving on from there, Jesus saw a man named Matthew sitting at the tax booth. "Follow me," he said. Matthew got up and followed him. Jesu akati achipfuurira mberi achibva ikoko, akaona mumwe murume ainzi Mateo agere pahofisi yomuteresi. Akati kwaari, “Nditevere,” uye Mateo akasimuka akamutevera.
10 As Jesus ate in Matthew's house, many tax collectors and sinners joined him and his disciples at the table. Jesu akati agere mumba maMateo vachidya kudya kwamanheru, vateresi vazhinji navatadzi vakauya vakadya naye navadzidzi vake.
11 Seeing this, the Pharisees asked his disciples, "Why does your teacher eat with tax collectors and sinners?" VaFarisi vakati vaona izvi, vakabvunza vadzidzi vake vachiti, “Sei mudzidzisi wenyu achidya navateresi navatadzi?”
12 On hearing this, Jesus said, "It is not the healthy who need a doctor, but the sick. Achinzwa izvi, Jesu akati, “Vasingarwari havatsvagi chiremba, asi vanorwara.
13 But go and learn what this means: 'I want mercy, not sacrifice.' For I didn't come to call the righteous, but sinners." Asi endai munodzidza kuti izvi zvinorevei zvinoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete chibayiro.’ Nokuti handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi.”
14 Then John's disciples came, asking him, "Why do we and the Pharisees fast often, but your disciples don't?" Vadzidzi vaJohani vakauya kuzomubvunza vachiti, “Ko, sei isu navaFarisi tichitsanya asi vadzidzi venyu vasingatsanyi.”
15 Jesus replied, "Can the groom's friends mourn while he's with them? But days are coming when the groom is taken from them—then they'll fast. Jesu akapindura achiti, “Zvingaitawo here kuti shamwari dzechikomba dzicheme iye achiinavo? Nguva ichasvika iyo chikomba chichabviswa kwavari, ipapo vachatsanya.
16 No one sews an unshrunk patch on an old garment; the patch pulls away from it, leaving a worse tear. “Hapana munhu anosonera chigamba chitsva panguo tsaru, nokuti chigamba chichabvarura nguo iya, buri racho richizobva ranyanya.
17 People don't pour new wine into old wineskins; otherwise the skins burst, the wine spills, and they're ruined. Instead, new wine goes into new wineskins, so both are kept." Uye vanhu havangadiri waini itsva muhombodo tsaru. Kana vakadaro, hombodo dzichaputika, waini ichateuka uye hombodo dzichaparara. Kwete, vanodira waini itsva muhombodo itsva uye zvose zviri zviviri zvinochengetedzeka.”
18 While he spoke, a synagogue leader came, knelt before him, and said, "My daughter just died. But come, lay your hand on her, and she will live." Akati achiri kutaura izvi, mumwe mutongi akauya akasvikomupfugamira uye akati, “Mwanasikana wangu afa izvozvi. Asi uyai muzoisa ruoko rwenyu paari agorarama.”
19 Jesus got up and went with him, and so did his disciples. Jesu akasimuka akaenda naye pamwe chete navadzidzi vake.
20 Just then a woman bleeding twelve years came up behind and touched his cloak's edge. Pakarepo mumwewo mudzimai aitambudzwa nechirwere chokubuda ropa kwamakore gumi namaviri akauya shure kwake akasvikobata mupendero wenguo yake.
21 She kept saying to herself, "If I only touch his cloak, I will be healed." Akati nechomumwoyo, “Ndikangobata chete nguo yake, ndichaporeswa.”
22 Jesus turned, saw her. "Courage, daughter," he said, "your faith has healed you." The woman was healed at that moment. Jesu akatendeuka akamuona ndokubva ati kwaari, “Tsunga mwoyo mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa.” Mudzimai uyu akabva aporeswa pakarepo.
23 When Jesus entered the synagogue leader's house and saw the flute players and the noisy crowd, Jesu akati apinda mumba momutongi uya, akawana varidzi venyere navazhinji vaiita mheremhere
24 he said, "Go away. The girl is not dead but asleep." But they laughed at him. akati, “Budai panze. Mwanasikana uyu haana kufa asi avete.” Asi vakamuseka.
25 When the crowd was sent out, he went in, took her hand, and the girl got up. Mushure mokunge vanhu vazhinji ava vabudiswa panze, akapinda akasvikobata mwanasikana uya ruoko achibva amuka.
26 News of this spread through all that region. Nhau dzezvakaitika izvi, dzakapararira nedunhu rose.
27 As Jesus left there, two blind men followed, shouting, "Have mercy on us, Son of David!" Jesu akati achibvapo, akateverwa navarume vaviri vakanga vari mapofu, vaishevedzera vachiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwireiwo ngoni!”
28 Entering the house, the blind men came to him. He asked, "Do you believe I am able to do this?" "Yes, Lord," they said. Akati apinda mumba, mapofu aya akauya kwaari, uye Jesu akavabvunza achiti, “Munotenda here kuti ndinogona kukuitirai izvi?” Vakapindura vakati, “Hongu, Ishe.”
29 Then he touched their eyes and said, "Let it be done to you according to your faith". Ipapo akabata meso avo uye akati, “Maererano nokutenda kwenyu, ngazviitwe kwamuri.”
30 Their eyes opened. Jesus warned them sternly, "See that no one knows about this." Uye meso avo akabva asvinudzwa. Jesu akavayambira chaizvo achiti, “Onai kuti hapana achazviziva izvi.”
31 But they went out and spread the news about him all over that region. Asi ivo vakaenda vakataura nezvake mudunhu rose iri.
32 As they went out, a mute, demon-possessed man was brought to Jesus. Vakati vachibuda, mumwe murume akanga ari mbeveve uye akabatwa nedhimoni akauyiswa kuna Jesu.
33 Once the demon was driven out, the mute man spoke. The crowds were amazed and said, "Nothing like this has ever appeared in Israel." Dhimoni rakati radzingwa, munhu uya akanga ari mbeveve akataura. Vanhu vazhinji vakashamiswa uye vakati, “Zvakadai hazvisati zvamboonekwa muIsraeri.”
34 But the Pharisees said, "He drives out demons by the prince of demons." Asi vaFarisi vakati, “Anodzinga madhimoni nomukuru wamadhimoni.”
35 Jesus traveled every town and village, teaching in their synagogues, announcing the good news of our Father's kingdom, and healing every disease and sickness. Jesu akafamba nomumaguta ose nemisha yose, achidzidzisa mumasinagoge avo achiparidza nhau dzakanaka dzoumambo uye achiporesa zvirwere zvose nehosha dzose.
36 Seeing the crowds, he felt compassion for them, because they were troubled and helpless, like sheep without a shepherd. Akati achiona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi nokuti vaishushwa uye vakanga vasina simba, vakaita samakwai asina mufudzi.
37 Then he said to his disciples, "The harvest is plentiful but the workers are few. Ipapo akati kuvadzidzi vake, “Kukohwa kukuru asi vashandi vashoma.
38 So ask the Father of the harvest to send out workers into his harvest field." Naizvozvo kumbirai kuna Ishe wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]