Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 "Do not judge, so that you may not be judged. “Usatonga kuti newewo urege kutongwa.
2 For you'll be judged by the judgment you use, and measured by the measure you give. Nokuti nzira yaunotonga nayo vamwe ndiyo yauchatongwa nayo, uye chiero chaunoshandisa ndicho chichashandiswa kwauri.
3 Why look at the speck in your brother's eye but miss the log in your own? “Unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usina hanya nepuranga riri muziso rako?
4 Or how can you tell your brother, 'Let me remove the speck from your eye,' when a log is in yours? Ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe nguva dzose uine puranga riri muziso rako?
5 Hypocrite, first remove the log from your own eye; then you'll see clearly to remove the speck from your brother's eye. Iwe munyengeri, tanga wabvisa puranga riri muziso rako, ipapo unozoona zvakanaka kuti ukwanise kubvisa kabanzu kari muziso rehama yako.
6 "Don't give dogs what is holy, or throw your pearls before pigs—they'll trample them underfoot, then turn and tear you apart. “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene, uye musakanda maparera enyu kunguruve. Kana mukadaro, dzinogona kuatsika-tsika pasi petsoka, uye ipapo dzikazokutendeukirai dzokubvambura-bvamburai.
7 "Ask, and you'll receive it; seek, and you'll find; knock, and it'll open for you. “Kumbirai mugopiwa, tsvakai mugowana, gogodzai mugozarurirwa.
8 For everyone who asks receives, whoever seeks finds, and whoever knocks, it will be opened. Nokuti munhu wose anokumbira anopiwa, anotsvaka anowana; uye anogogodza anozarurirwa musiwo.
9 Or what person among you, if his son asks him for bread, will give him a stone? “Ndiani pakati penyu angati kana mwanakomana wake akamukumbira chingwa, omupa ibwe?
10 Or if he asks for a fish, will give him a snake? Kana kuti akakumbira hove iye omupa nyoka?
11 So if you, being evil, know how to give your children good gifts, how much more will your Father in heaven give good things to those who ask him? Zvino imi, kunyange zvenyu makaipa, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvipo zvakanaka sei kuna avo vanokumbira!
12 "So in everything, treat people the way you want them to treat you; for this is the Law and the Prophets. Saka muzvinhu zvose itirai vamwe zvamunoda kuti vakuitirei imi, nokuti izvi ndizvo Murayiro naVaprofita.
13 "Enter through the narrow gate, for the gate is wide, the road broad, leading to destruction, and many enter through it. “Pindai napasuo rakamanikana nokuti suo rakafara nenzira yakapamhama zvinotungamirira kukuparadzwa, uye vazhinji vanopinda naro.
14 But the gate is narrow, the road narrow, that leads to life; few find it. Asi suo duku nenzira yakamanikana ndizvo zvinotungamirira kuupenyu, uye vashoma chete, ndivo vanozviwana.
15 "Beware false prophets: they come to you in sheep's clothing but are ravenous wolves inside. “Chenjererai vaprofita venhema, vanouya kwamuri vakapfeka matehwe emakwai asi mukati mavo vari mapere anoparadza.
16 By their fruit you will recognize them. Are grapes gathered from thornbushes, or figs from thistles? Muchavaziva nemichero yavo. Vanhu vanganhonga mazambiringa pamuti weminzwa here, kana maonde parukato?
17 In the same way, every good tree bears good fruit, but the bad tree bears bad fruit. Saizvozvo muti wose wakanaka unobereka michero yakanaka, muti wakaipa unobereka michero yakaipa.
18 A good tree cannot bear bad fruit, nor can a bad tree bear good fruit. Muti wakanaka haungabereki michero yakaipa, nemuti wakaipa haungabereki michero yakanaka.
19 Every tree that does not bear good fruit is cut down and thrown into the fire. Muti wose usingabereki michero yakanaka unotemwa uye ugokandwa mumoto.
20 So then, by their fruit you will recognize them. Naizvozvo muchavaziva nemichero yavo.
21 "Not everyone who says to me, 'Lord, Lord,' will enter the kingdom of our Father, but the one who does the will of my Father in heaven. “Havasi vose vanoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe’ vachapinda muushe hwokudenga, asi uyo chete anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga.
22 Many will say to me on that day, 'Lord, Lord, didn't we prophesy in your name, drive out demons in your name, do many miracles in your name?' Vazhinji pazuva iro vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe, ko, hatina kuprofita muzita renyuwo here, uye muzita renyu tikadzinga madhimoni, tikaita zvishamiso?’
23 Then I will tell them plainly: 'I never knew you; get away from me, you lawbreakers.' Ipapo ndichavaudza pachena kuti, ‘Handina kutombokuzivai. Ibvai zvenyu pandiri, imi vaiti vezvakaipa!’
24 "So anyone who hears these words of mine and does them will be like a wise man whose house was built on the rock. “Naizvozvo munhu anonzwa mashoko angu aya, uye akaaita, akafanana nemurume akachenjera uyo akavaka imba yake paruware.
25 Rain fell, floods came, winds blew and beat against that house, but it didn't fall, because it was founded on rock. Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya, asi haina kuputsika, nokuti hwaro hwayo hwaiva paruware.
26 And everyone who hears these words of mine and doesn't do them is like a foolish man who built his house on sand. Asi munhu wose anonzwa mashoko angu aya akasaaita, akafanana nomurume benzi akavakira imba yake mujecha.
27 The rain fell, floods came, winds blew and hit that house, and it fell—and its fall was great." Mvura yakanaya, nzizi dzikazara, uye dutu remhepo rakauya rikarova imba iya ikawa nokuwa kukuru.”
28 When Jesus had finished saying these words, the crowds were astonished at his teaching, Jesu akati apedza kutaura zvinhu izvi vazhinji vaivapo vakashamiswa nokudzidzisa kwake,
29 because he was teaching them as one who had authority, and not as their scribes. nokuti akadzidzisa somurume aiva nesimba kwete samadzidzisiro aiitwa navadzidzisi vavo vomurayiro.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]