Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 On that day Jesus went out of the house and sat down beside the sea. Musi mumwe chetewo, Jesu akabuda mumba akandogara nechokugungwa.
2 Large crowds gathered around him, so he got in a boat and sat, while the whole crowd stood on the shore. Vanhu vazhinji vakamuunganira zvokuti akapinda mugwa akagaramo, vanhu vose vakamira kumahombekombe.
3 And he told them many things in parables, saying: "Look, a sower went out to sow. Ipapo akavaudza zvinhu zvizhinji nemifananidzo, achiti, “Murimi akabuda kundokusha mbeu dzake.
4 And as he sowed, some seed fell along the path, and the birds came and devoured it. Paakanga achikusha mbeu, dzimwe dzakawira munzira, shiri dzikauya dzikadzidya.
5 Other seed fell on rocky ground with little soil, and sprang up quickly since the soil lacked depth. Dzimwe dzakawira parukangarahwe, padzakashaya ivhu rakakwana. Dzakamera nokukurumidza nokuti ivhu rakanga risina kudzika.
6 When the sun rose, the plants were scorched; since they had no root, they withered. Asi zuva rakati rabuda, mbeu dzakatsva dzikaoma nokuti dzakanga dzisina midzi.
7 Other seed fell among thorns, and the thorns grew up and choked it. Dzimwe mbeu dzakawira muminzwa, minzwa ikakura ikadzivhunga.
8 Other seed fell on good soil, producing grain: some a hundredfold, some sixty, some thirty. Dzimwewo mbeu dzakawira pavhu rakanaka, dzikabereka zvakapetwa kazana, kana zvakapetwa makumi matanhatu kana makumi matatu pane dzainge dzakushwa.
9 Whoever has ears, let them hear." Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
10 Then the disciples came to him and asked, "Why do you speak to them in parables?" Vadzidzi vakauya kwaari vakasvikomubvunza vachiti, “Ko, munotaurirei kuvanhu nemifananidzo?”
11 He said, "You've been given to know the secrets of the kingdom of our Father; they have not. Akapindura achiti, “Ruzivo rwezvakavanzika zvoumambo hwokudenga rwakapiwa kwamuri imi, asi kwete kwavari.
12 Whoever has will be given more and have plenty; whoever has none loses even what he has. Kune anazvo achapiwazve zvimwe, uye achava nezvakawanda. Asi ani naani asina kunyange nezvishoma zvaanazvo achazvitorerwa.
13 This is why I speak to them in parables: they look but don't see; they listen but don't hear or understand. Ndokusaka ndichitaura kwavari nemifananidzo: “Kunyange vachiona asi havaoni, kunyange vachinzwa asi havanzwi kana kunzwisisa.
14 In them Isaiah's prophecy is fulfilled: 'You will hear and hear, yet never understand; you will see and see, yet never perceive.' Mavari munozadzisa chiprofita chaIsaya chinoti: “ ‘Muchangoramba muchinzwa asi musinganzwisisi; muchangoramba muchiona asi musingaonesesi.
15 For this people's heart has grown calloused; they hardly hear with their ears, and they have closed their eyes—otherwise they might see with their eyes, hear with their ears, understand with their heart, and turn, and I would heal them.' Nokuti mwoyo yavanhu ava mikukutu, havatombonzwi nenzeve dzavo, uye vakatsinzina meso avo. Zvichida vangaona nameso avo, vakanzwa nenzeve dzavo, vakanzwisisa nemwoyo yavo, vakapinduka, uye ndikavaporesa.’
16 But blessed are your eyes, for they see, and your ears, for they hear. Asi akaropafadzwa meso enyu nokuti anoona nenzeve dzenyu nokuti dzinonzwa.
17 I assure you: many prophets and righteous people longed to see what you see, and didn't; to hear what you hear, and didn't. Nokuti, ndinokuudzai chokwadi kuti vaprofita vazhinji navanhu vakarurama vaida kuona zvinhu zvamuri kuona asi havana kuzviona, nokunzwa zvamuri kunzwa asi havana kuzvinzwa.
18 Listen, then, to the parable of the sower. “Teererai zvino munzwe zvinorehwa nomufananidzo womukushi:
19 Everyone who hears the kingdom's word and doesn't grasp it—the evil one comes and snatches what was sown in his heart. This is the seed sown beside the path. Kana munhu akanzwa shoko roumambo, akasarinzwisisa, akaipa anouya osvikobvuta zviya zvanga zvadyarwa mumwoyo make. Iyi ndiyo mbeu yakakushwa munzira.
20 Seed sown on rocky ground is the one who hears the word, immediately receiving it with joy, Uyo akagamuchira mbeu yakawira parukangarahwe, ndiye munhu anonzwa shoko, pakarepo origamuchira norufaro.
21 but having no root in themselves, they don't last; when trouble or persecution comes because of the word, they quickly fall away. Asi nokuti haana mudzi, anongorarama naro kwechinguva chipfupi. Kana nhamo kana kutambudzwa zvauya nokuda kweshoko, anokurumidza kugumburwa.
22 The one sown among thorns hears the word, but worry over this age and wealth's deceit choke it, making it unproductive. Uyo akagamuchira mbeu yakawira muminzwa, munhu anonzwa shoko asi kufunganya kwenyika nokunyengera kwepfuma zvinorivhunga robva rashaya zvibereko.
23 But the seed sown on good soil hears the word and understands it. It bears fruit—100, sixty, or thirty times what was sown." Asi uyo anogamuchira shoko rakawira muvhu rakanaka ndiye munhu anonzwa shoko orinzwisisa. Ndiye anobereka mbeu inoburitsa zana, kana makumi matanhatu kana makumi matatu ezvakakushwa.”
24 He gave them another parable: "The kingdom of our Father is like a man who sowed good seed in his field. Jesu akavaudza mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hunofananidzwa nomunhu akakusha mbeu yakanaka mumunda make.
25 But while everyone slept, his enemy came, sowed weeds among the wheat, and left. Asi munhu wose avete, muvengi wake akauya akakusha sawi pakati pegorosi, ndokubva aenda.
26 When the wheat sprouted and produced grain, then the weeds appeared as well. Asi kuzoti gorosi ramera rikatumbuka, ipapo sawi rakaonekwawo.
27 The owner's servants came saying, 'Master, didn't you sow good seed in your field? Where then did the weeds come from?' “Varanda vomuridzi womunda vakauya kwaari vakasvikoti, ‘Ishe, hamuna kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Ko, zvino sawi rakazobvepi?’
28 'An enemy did this,' he replied. 'So do you want us to go pull them up?' the servants asked him. “Akavapindura achiti, ‘Muvengi ndiye akaita izvi.’ “Varanda vakamubvunza vakati, ‘Munoda kuti tiende kunoridzura here?’
29 'No,' he said, 'because while you are pulling the weeds, you may uproot the wheat with them. “Akapindura akati, ‘Kwete, nokuti paya pamunodzura sawi, mungazodzura pamwe chete nezviyo.
30 Let both grow together until harvest. At harvest time I'll tell the reapers: Gather the weeds first, bind them in bundles to burn; then gather the wheat into my barn.'" Regai zvikurirane pamwe chete, tozozviona pakukohwa. Panguva iyoyo ndinozoudza vakohwi kuti: Tangai kuunganidza sawi murisunge muzvisote zvichazopiswa. Mushure mozounganidza gorosi mugoriisa mudura rangu.’ ”
31 He told them another parable: "The kingdom of our Father is like a mustard seed a man took and planted in his field. Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembeu yemasitadhi iyo yakatorwa nomunhu akaidyara mumunda make.
32 Though the smallest of all seeds, when grown it becomes the largest of garden plants, a tree where birds come to nest in its branches." Kunyange zvazvo iri iyo mbeu dukusa pambeu dzenyu, asi painokura ndiyo huru kwazvo pambeu dzose dzomubindu uye inova muti wokuti shiri dzedenga dzinouya dzichimhara pamapazi awo.”
33 He gave them another parable: "The kingdom of our Father is like yeast a woman took and mixed into about twenty-five pounds of flour, until it spread through all the dough." Akavaudzazve mumwe mufananidzo achiti, “Umambo hwokudenga hwakafanana nembiriso, iyo inotorwa nomunhukadzi oisanganisa nefurawa yakawanda, kusvikira yapinda muchikanyiwa chose.”
34 Jesus said all these things to the crowds in parables; he said nothing to them without a parable. Jesu akataura zvinhu izvi zvose kuvanhu nemifananidzo. Haana chaakataura kwavari asingashandisi mifananidzo.
35 This fulfilled what was spoken through the prophet: "I will open my mouth in parables; I will utter what's been hidden since the world was founded." Saizvozvo zvakazadziswa zvakanga zvataurwa kubudikidza nomuprofita zvichinzi: “Ndichataura nemifananidzo, ndichataura zvinhu zvakavanzika kubva pakusikwa kwenyika.”
36 Then he left the crowds and entered the house. His disciples approached him and said, "Explain to us the parable of the weeds in the field." Ipapo akasiya vanhu vazhinji akapinda mumba. Vadzidzi vake vakauya kwaari vakasvikoti, “Titsanangurirei zvinorehwa nomufananidzo wamasawi mumunda.”
37 He answered, "The one who sowed the good seed is the Son of Man. Akapindura akati, “Uyo akadyara mbeu yakanaka ndiye Mwanakomana woMunhu.
38 The field is the world. The good seed is the kingdom's children; the weeds are the evil one's children. Munda ndiyo nyika, uye mbeu yakanaka inomirira vanakomana voumambo. Masawi ndiwo vanakomana vowakaipa,
39 The enemy who sowed them is the devil; the harvest is the end of the age; the harvesters are angels. muvengi anoadyara ndiye dhiabhori. Kukohwa ndiko kuguma kwenyika, uye vakohwi ndivo vatumwa.
40 As the weeds are gathered and burned in fire, so it will be at the end of the age. “Sokudzurwa kunoitwa masawi achipiswa mumoto, ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika.
41 The Son of Man will send his angels to weed out of his kingdom everything that causes sin and all who do evil. Mwanakomana woMunhu achatuma vatumwa vake uye vachadzura kubva muumambo hwake zvose zvinokonzera chivi navose vanoita zvakaipa.
42 They will throw them into the blazing furnace, where there is weeping and grinding of teeth. Vachavakanda muvira romoto umo muchava nokuchema nokurumanya kwameno.
43 Then the righteous will shine like the sun in their Father's kingdom. The one with ears should listen." Ipapo vakarurama vachapenya sezuva vari muumambo hwaBaba vavo. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
44 The kingdom of our Father is like treasure hidden in a field. A man found it, hid it again, then joyfully sold all he had to buy that field. “Umambo hwokudenga hwakafanana nepfuma yakavigwa mumunda. Mumwe murume akati aiwana, akaivigazve, uye ipapo mukufara kwake, akaenda akandotengesa zvose zvaaiva nazvo ndokutenga munda iwoyo.
45 "Again, the kingdom of our Father is like a merchant searching for fine pearls. “Umambo hwokudenga hwakafananazve nomutengesi wezvinhu anotsvaka maparera akaisvonaka.
46 Finding one priceless pearl, he went and sold all he had and bought it. Akati awana rimwe rawo rinokosha akaenda akandotengesa zvose zvaakanga anazvo uye akaritenga.
47 Again, our Father's kingdom is like a net cast into the lake, gathering fish of every kind. “Zvakare umambo hwokudenga hwakafanana nousvasvi hwakakandwa mugungwa uye hukabata marudzi ose ehove.
48 When full, the fishermen pulled it ashore, sat down, and collected the good fish in baskets, throwing out the bad. Pahwakanga hwazara vabati vehove vakahukwevera kunze kumahombekombe. Ipapo vakagara pasi vakasarudza hove dzakanaka vakadziisa mumidziyo, asi dzakaipa vakadzirasa.
49 So it will be at the age's end: angels will go out and separate the wicked from among the righteous, Izvi ndizvo zvazvichaita pakuguma kwenyika. Vatumwa vachauya vagotsaura vakaipa kubva kune vakarurama,
50 and throw them into the blazing furnace, where they will weep and grind their teeth." uye vagovakanda muvira romoto, kuchava nokuchema nokurumanya kwameno.”
51 "Have you understood all these things?" "Yes," they replied. Jesu akabvunza akati, “Manzwisisa zvinhu izvi zvose here?” Vakapindura vakati, “Hongu.”
52 He said to them, "Every teacher of the law trained for our Father's kingdom is like a homeowner who brings treasures new and old out of his storeroom." Akati kwavari, “Naizvozvo mudzidzisi mumwe nomumwe womurayiro akadzidziswa nezvoumambo hwokudenga akafanana nomuridzi weimba anoburitsa pfuma itsva netsaru muimba yake yokuchengetera zvinhu.”
53 When Jesus had finished these parables, he moved on from there. Jesu akati apedza mifananidzo iyi, akabvapo.
54 Returning to his hometown, he taught in their synagogue, and they were amazed: "Where does this man get this wisdom and these mighty works? Akapinda muguta rokwake akatanga kudzidzisa vanhu musinagoge ravo, uye vakashamiswa nazvo. Vakabvunza vachiti, “Murume uyu akawanepi uchenjeri uhu namasimba ezvishamiso aya?
55 Isn't this the carpenter's son? Isn't his mother named Mary, and his brothers James, Joseph, Simon, and Judas? Ko, haasi mwanakomana womuvezi here? Mai vake havasi Maria here, navanunʼuna vake havasi Jakobho, Josefa, Simoni naJudhasi?
56 Aren't all his sisters here with us? Where then did this man get all these things?" Uye hanzvadzi dzake hadzisi pakati pedu dzose here? Ko, zvino murume uyu akawanepi zvinhu zvose izvi?”
57 They took offense at him. But Jesus said to them, "A prophet is honored everywhere except in his hometown and in his own household." Vakagumburwa naye. Asi Jesu akati kwavari, “Muprofita haashayiwi kukudzwa asi munyika yake nomumba make.”
58 He didn't do many miracles there because of their lack of faith. Uye haana kuzoita zvishamiso zvizhinji imomo nokuda kwokusatenda kwavo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]