Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 14 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At that time Herod the tetrarch heard the reports about Jesus. Panguva iyoyo mambo Herodhi akanzwa nezvaJesu
2 He told his attendants, "This is John the Baptist, raised from the dead—that's why these powers are at work in him." uye akati kuvaranda vake, “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi; amuka kubva kuvakafa! Ndokusaka masimba ezvishamiso achishanda maari.”
3 For Herod had arrested John, chained him, and locked him in prison over Herodias, his brother Philip's wife, Zvino Herodhi ainge abata Johani akamusunga achibva amuisa mutorongo nokuda kwaHerodhiasi mudzimai waFiripi, mununʼuna wake,
4 because John had been telling him, "It is not lawful for you to have her." sezvo Johani ainge ati kwaari, “Hautenderwi kutora mukadzi uyu.”
5 Herod wanted to kill him but feared the crowd, since they held John as a prophet. Herodhi aida kuuraya Johani asi aitya vanhu nokuti vaimuona somuprofita.
6 But when Herod's birthday came, the daughter of Herodias danced before them and pleased Herod, Asi zuva rokupemberera kuberekwa kwaHerodhi rakati rasvika, mwanasikana waHerodhiasi akatamba pamberi pavo uye zvikafadza Herodhi kwazvo,
7 so he promised with an oath to give her whatever she asked. zvokuti akamuvimbisa nemhiko kuti aizomupa chipi nechipi chaaizokumbira.
8 Prompted by her mother, she said, "Give me John the Baptist's head here, on a platter." Arayirwa namai vake mwanasikana akati, “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”
9 The king was grieved, but because of his oaths and his dinner guests, he gave the order, Mambo akasuwiswa nazvo, asi nokuda kwemhiko yake uye navaainge agere navo pakudya, akarayira kuti upiwe kwaari,
10 and he sent and had John beheaded in the prison. ndokutuma vanhu kundogura musoro waJohani mutorongo.
11 His head was brought on a platter, given to the girl, who brought it to her mother. Uye musoro wake wakauyiwa nawo uri mundiro ukapiwa kumusikana, iye akaenda nawo kuna mai vake.
12 Then John's disciples came, took the body, and buried it; and they went and told Jesus. Vadzidzi vaJohani vakauya vakatora mutumbi wake vakandouviga. Vakazoenda vakandoudza Jesu.
13 Hearing this, Jesus withdrew by boat to a remote place alone. But the crowds heard and followed him on foot from the towns. Jesu paakanzwa zvakanga zvaitika, akabvapo negwa zvisingazivikanwi nevazhinji akaenda kurenje. Vachinzwa izvi, vanhu vazhinji vakamutevera netsoka vachibva kumaguta.
14 When he went ashore, he saw a big crowd, felt compassion for them, and healed their sick. Paakabuda mugwa, Jesu akaona vanhu vazhinji, akavanzwira tsitsi uye akaporesa varwere vavo.
15 When evening came, the disciples said to him, "This is an isolated place, and the hour is already late. Send the crowds away to go into the villages and buy themselves food." Zvino ava madekwana, vadzidzi vake vakauya kwaari vakati, “Tiri musango, uye kwava kusviba. Endesai vanhu ava, kuti vaende mumisha vandozvitengera zvokudya.”
16 But Jesus told them, "They don't need to leave. You feed them." Jesu akapindura achiti, “Havafaniri kuenda. Imi vapei chavangadye.”
17 They said to him, "We have nothing here but five loaves and two fish." Ivo vakapindura vakati, “Pano tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri.”
18 He said, "Bring them here to me." Akati, “Uyai nazvo kuno kwandiri.”
19 He told the crowds to sit on the grass. Taking the five loaves and two fish, he looked up to heaven, gave thanks, broke the loaves, and gave them to the disciples, who gave them to the crowds. Uye akarayira kuti vanhu vagare pasi pauswa. Akatora zvingwa zvishanu nehove dziya mbiri akatarira kudenga akavonga, akazviropafadza uye akazvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi, vadzidzi vakapa vanhu.
20 They all ate and were satisfied, and they picked up twelve baskets full of the leftover pieces. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakaunganidza zvimedu zvainge zvasara zvikazadza matengu gumi namaviri.
21 Those who ate were about 5,000 men, besides women and children. Vanhu vakadya vaisvika varume zviuru zvishanu pasingaverengwi vakadzi navana.
22 Immediately he made the disciples board the boat and go ahead of him to the other side, while he sent the crowds away. Pakarepo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vapinde mugwa vafanotungamira kuenda kune rimwe divi, iye ndokusara achiendesa vanhu vazhinji ava.
23 After sending the crowds away, he went up the mountain privately to pray. When evening came, he was there alone. Mushure mokuendesa vanhu vazhinji ava, akakwira mugomo ari oga kundonyengetera. Madekwana akasvika iye achingovako ari oga,
24 The boat was already far from land, battered by waves, the wind against them. asi igwa rakanga rava chinhambwe chikuru kwazvo kubva kunyika asi richitambudzwa namasaisai nokuti mhepo yairwisana naro.
25 About three o'clock in the morning he came to them, walking on the sea. Panguva yechina yousiku Jesu akaenda kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.
26 Seeing him walking on the sea, the disciples were terrified, saying, "A ghost!" and cried out in fear. Vadzidzi pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa vakatya kwazvo. Vakaridza mhere nokutya vakati, “Hero dzangaradzimu!”
27 But Jesus spoke to them at once: "Take courage! It is I; do not be afraid." Asi pakarepo Jesu akati kwavari, “Musatya, ndini!”
28 Peter answered him, "Lord, if it is you, command me to come to you on the water." Petro akapindura akati, “Ishe, kana murimi ndirayirei kuti ndiuye kwamuri ndichifamba pamusoro pemvura.”
29 He said, "Come." Peter got out of the boat, walked on water, and went toward Jesus. Iye akati, “Uya.” Ipapo Petro akabuda mugwa akafamba pamusoro pemvura akananga kuna Jesu.
30 But seeing the strong wind, he was afraid, and beginning to sink, he cried out, "Lord, save me!" Asi akati achiona mhepo ine simba, akatya, ndokubva atanga kunyura, achibva adanidzira achiti, “Ishe, ndiponesei!”
31 Jesus immediately reached out his hand, caught him, and said, "You of little faith, why did you doubt?" Pakarepo Jesu akatambanudza ruoko rwake akamubata, uye akati kwaari, “Iwe wokutenda kuduku, sei wakahadzika?”
32 And when they got into the boat, the wind died down. Uye pavakapinda mugwa, mhepo yakanyarara.
33 Then those in the boat worshiped him, saying, "Truly you are the Son of our Father." Ipapo vaya vaiva mugwa vakamunamata vachiti, “Chokwadi muri Mwanakomana waMwari.”
34 When they had crossed over, they came to land at Gennesaret. Kuzoti vayambukira mhiri, vakaburukira paGenesareti.
35 When the men of that place recognized him, they sent word through that whole region and brought him all who were sick. Uye varume venzvimbo iyoyo vakati vamuziva, vakatumira shoko mudunhu rose rakapoteredza. Vanhu vakauya navarwere vavo vose kwaari
36 They begged him to let them just touch the fringe of his robe, and all who touched it were healed. vakamukumbira zvikuru kuti abvumire varwere kuti vangobata mupendero wenguo yake uye vose vakamubata vakaporeswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]