Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 At that time Jesus went through the grainfields on the Sabbath. His disciples were hungry and began to pluck heads of grain and eat them. Panguva iyoyo Jesu akapfuura nomuminda yaiva nezviyo uri musi weSabata. Vadzidzi vake vakanga vava nenzara ndokubva vatanga kupurura hura hwezviyo zviya vachidya.
2 Seeing this, the Pharisees said to him, "Look—your disciples are doing what's unlawful on the Sabbath." VaFarisi pavakazviona, vakati kwaari, “Tarirai, vadzidzi venyu vari kuita zvisingabvumirwi nomusi weSabata.”
3 He said to them, "Haven't you read what David did when he and his companions were hungry?" Akati kwavari, “Ko, hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi navamwe vake pavakanga vava nenzara?
4 how he entered the house of our Father and ate the Presence bread, unlawful for him and his companions, reserved only for priests? Akapinda muimba yaMwari iye nevamwe vake vakadya chingwa chitsvene chavaisabvumirwa kudya, asi chaingodyiwa navaprista chete.
5 "Or haven't you read in the Law that on the Sabbath, priests in the temple break the Sabbath and are guiltless? Kana kuti hamuna kuverenga here muMurayiro kuti nomusi weSabata vaprista mutemberi vanosvibisa zuva iri asi vasingapiwi mhosva?
6 I tell you, something greater than the temple is here. Ndinokuudzai kuti mukuru kupfuura temberi ari pano.
7 If you knew what 'I want mercy, not sacrifice' means, you wouldn't have condemned the blameless. Dai maiziva zvinorehwa namashoko anoti, ‘Ndinoda ngoni, kwete zvibayiro,’ hamaizopa mhosva vasina mhosva.
8 For the Son of Man is Lord of the Sabbath." Nokuti Mwanakomana woMunhu ndiye Ishe weSabata.”
9 He went on from there and entered their synagogue. Achipfuurira mberi kubva panzvimbo iyoyo, akapinda musinagoge ravo,
10 A man with a withered hand was there. They asked him, "Is it lawful to heal on the Sabbath?"—hoping to accuse him. uye makanga muno murume akanga ano ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vachitsvaka mhosva yokupomera Jesu vakamubvunza vakati, “Zviri pamutemo here kuporesa nomusi weSabata?”
11 He said to them, "Who among you with a sheep, if it falls in a pit on the Sabbath, won't grab and pull it out? Akati kwavari, “Kana mumwe wenyu aine gwai, rikawira mugomba nomusi weSabata, haangatambanudzi ruoko rwake akaribudisa here?
12 How much more is a person worth than a sheep! So it's lawful to do good on the Sabbath." Ko, zvino munhu anokosha zvakadini pane gwai! Naizvozvo zviri pamutemo kuita zvakanaka nomusi weSabata.”
13 Then he told him, "Stretch out your hand." He stretched it out, and it was restored, healthy like the other. Akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza rukapora rukava sorumwe.
14 But the Pharisees went out and plotted how to destroy him. Asi vaFarisi vakabuda kundorangana kuti vangamuuraya sei.
15 Jesus, aware of this, withdrew from there. And many followed him, and he healed them all, Achiziva izvi, Jesu akabva panzvimbo iyi. Vazhinji vakamutevera, akaporesa varwere vavo vose.
16 and he ordered them not to tell anyone about him. Akavayambira kuti vasafamba vachitaura kuti iye ndiye ani.
17 This was to fulfill what was spoken by the prophet Isaiah: Izvi zvakanga zvichizadzisa zvainge zvataurwa nomuprofita Isaya achiti:
18 "Look, my servant—Jesus—whom I have chosen, my beloved in whom my soul delights. I will put my Spirit upon him, and he will proclaim justice to the nations. “Houno muranda wangu wandakasarudza, wandinoda, anondifadza; ndichaisa Mweya wangu paari, iye achazivisa nyika kutonga kwakarurama.
19 He will not quarrel or shout, nor will anyone hear his voice in the streets. Haazokakavari kana kuridza mhere; hakuna anozonzwa inzwi rake mumigwagwa.
20 A bruised reed he will not break, and a smoldering wick he will not quench, until he brings justice to victory; Rutsanga rwakapwanyika haangarutyori, nomwenje unopfuta zvishoma haangaudzimi, kusvikira atungamirira kutonga kwakarurama mukukunda.
21 and in his name the nations will put their hope." Marudzi ose achaisa tariro yawo muzita rake.”
22 Then someone brought him a blind, mute demon-oppressed man, and he healed him so the man could speak and see. Ipapo vakauya kwaari nomurume akanga akabatwa nedhimoni ari bofu uye ari mbeveve, uye Jesu akamuporesa, zvokuti akagona zvose kutaura nokuona.
23 And all the crowds were amazed and said, "Can this be the Son of David?" Vanhu vose vakashamiswa uye vakati, “Kuti uyu angava Mwanakomana waDhavhidhi here?”
24 But hearing this, the Pharisees said, "This man drives out demons only by Beelzebul, prince of demons." Asi vaFarisi pavakanzwa izvi, vakati, “NdiBheerizebhubhi chete, muchinda wamadhimoni, waanodzinga naye madhimoni.”
25 Knowing their thoughts, he said to them, "Every kingdom divided against itself is ruined, and no city or house divided against itself will stand. Jesu akaziva pfungwa dzavo akati kwavari, “Umambo hwose hunozvipesanisa huchaparara, uye guta ripi neripi kana imba ipi neipi inozvipesanisa haingamiri.
26 And if Satan casts out Satan, he is divided against himself. How then will his kingdom stand? Zvino kana Satani achibudisa mumwe Satani, zvinoreva kuti anozvipesanisa. Saka umambo hwake hungamira sei?
27 If I drive out demons by Beelzebul, by whom do your sons drive them out? So they will be your judges. Zvino kana ini ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani?
28 But if I drive out demons by the Spirit of our Father, then the kingdom of our Father has reached you. Asi kana ndichibudisa madhimoni noMweya waMwari zvinoreva kuti umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
29 Or how can someone enter a strong man's house and carry off his goods, unless he first restrains the strong man? Then he can loot his house. “Uyezve, munhu angapinda sei mumba momunhu ane simba agoenda nezvinhu zvake asina kutanga asunga munhu uyu ane simba? Ipapo anogona kuzopamba imba yake.
30 Whoever is not with me is against me, and whoever does not gather with me scatters. “Uyo asineni anopesana neni, nouyo asingaunganidzi neni anoparadza.
31 So I tell you, every sin and blasphemy will be forgiven people, but blasphemy against the Spirit will not be forgiven. Uye naizvozvo ndinokuudzai kuti, vanhu vacharegererwa zvivi zvose nokumhura kwose asi kumhura Mweya hakuzoregererwi.
32 Whoever speaks against the Son of Man will be forgiven; whoever speaks against the Holy Spirit won't be forgiven—neither in this age nor the age to come. Ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMwanakomana woMunhu acharegererwa, asi ani naani achataura zvakaipa pamusoro poMweya Mutsvene haazoregererwi, kunyange panguva ino kana inouya.
33 Make the tree good and its fruit good, or the tree bad and its fruit bad, for a tree is known by its fruit. “Itai kuti muti uve wakanaka uye michero yawo ichava yakanaka kana kuti itai kuti muti uve wakaipa, uye michero yawo ichava yakaipa, nokuti muti uchazivikanwa nemichero yawo.
34 You brood of vipers! How can you speak good things since you're evil? For the mouth speaks the heart's overflow. Imi vana venyoka, zvingaitike here kuti imi makaipa kudai mutaure chipi zvacho chakanaka? Nokuti muromo unotaura zviri mumwoyo.
35 A good person produces good from a good treasure; an evil person produces evil from an evil treasure. Munhu akanaka anobudisa zvakanaka zvagara zviri mudura romwoyo wake, uye munhu akaipa anobudisa zvakaipa zvagara zviri mudura romwoyo wake.
36 I tell you, on judgment day people will answer for every careless word they speak, Asi ndinokuudzai kuti vanhu vachazvidavirira pamusi wokutongwa pamusoro peshoko rimwe nerimwe ravakataura risina maturo.
37 for by your words you will be justified, and by your words you will be condemned." Nokuti namashoko ako ucharuramisirwa, uye namashoko ako uchawanikwa une mhosva.”
38 Then some scribes and Pharisees said, "Teacher, we want a sign from you." Ipapo vamwe vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakati kwaari, “Mudzidzisi, tinoda kuona chiratidzo chechishamiso kubva kwamuri.”
39 He answered, "This evil, adulterous generation demands a sign. None will be given it except the sign of the prophet Jonah. Akavapindura akati, “Rudzi rwakaipa nerwoupombwe runokumbira chiratidzo! Asi hapana chiratidzo chichapiwa kwarwuri kunze chete kwechiratidzo chomuprofita Jona.
40 As Jonah was three days and three nights in the great fish's belly, so the Son of Man will be three days and three nights in the earth's heart. Nokuti Jona sezvaakaita mazuva matatu nousiku hutatu ari mudumbu rehove huru, saizvozvo Mwanakomana woMunhu achava mumwoyo wenyika kwamazuva matatu nousiku hutatu.
41 Ninevites will rise at the judgment with this generation and condemn it, for they repented at Jonah's preaching, and something greater than Jonah is here. Vanhu veNinevhe vachamira pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye vacharupa mhosva; nokuti vakatendeuka pakuparidza kwaJona, uye zvino mukuru kuna Jona ari pano.
42 The queen of the South will rise at the judgment with this generation and condemn it, for she came from earth's ends to hear Solomon's wisdom—and look, something greater than Solomon is here. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa pamwe chete norudzi urwu uye acharupa mhosva, nokuti akabva kumagumo enyika kuti azoteerera kuuchenjeri hwaSoromoni, uye zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
43 When an unclean spirit leaves a person, it travels through dry places seeking rest, and finds none. “Kana mweya wakaipa wabva pano munhu, unofamba-famba nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo asi unorishaya.
44 Then it says, 'I will return to my house I left.' Coming, it finds it empty, swept, and put in order. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’ Kana wasvika, unosvikowana imba iya isina ageremo, asi yakanyatsotsvairwa zvakachena nokunyatsorongedzwa zvakanaka.
45 Then it goes and brings along seven other spirits more evil than itself; they enter and settle there, and that person ends up worse off than before. So it will be with this evil generation." Ipapo unobva waenda kundotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kukunda iwo, uye inopinda igogaramo. Uye kupedzisira kwomunhu uyu kwakaipa kupfuura kutanga kwake. Ndizvo zvazvichaita kurudzi urwu rwakaipa.”
46 While he was still speaking to the crowds, his mother and brothers stood outside, wanting to speak with him. Jesu paakanga achiri kutaura kuvanhu vazhinji, mai vake navanunʼuna vake vakamira panze vachida kutaura naye.
47 Someone told him, "Look, your mother and your brothers are standing outside, wanting to speak to you." Mumwe akati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vamire panze, vari kuda kutaura nemi.”
48 He answered the one who told him, "Who is my mother, and who are my brothers?" Akamupindura akati, “Ko, mai vangu ndiani, navanunʼuna vangu ndivanaani?”
49 And stretching out his hand toward his disciples, he said, "Here are my mother and my brothers! Achinongedzera vadzidzi vake akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu.
50 For whoever does the will of my Father in heaven is my brother and sister and mother." Nokuti ani naani anoita kuda kwaBaba vangu vari kudenga ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi yangu, namai vangu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]