Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Matthew 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After Jesus finished instructing his twelve disciples, he left there to teach and preach in their towns. Jesu akati apedza kurayira vadzidzi vake gumi navaviri, akabvapo akandodzidzisa nokuparidza mumaguta omuGarirea.
2 John, hearing in prison of the Christ's works, sent word through his disciples, Zvino Johani ari mutorongo, paakanzwa nezvamabasa aJesu, akabva atuma vadzidzi vake
3 and asked him, "Are you the one who is to come, or should we look for another?" kundobvunza vachiti, “Ko, ndimi iye akanzi achauya here, kana kuti totarisira mumwe?”
4 Jesus answered them, "Go and report to John what you hear and see: Jesu akavapindura achiti, “Dzokerai mundoudza Johani zvamuri kunzwa nezvamuri kuona:
5 "Blind eyes see, the lame walk, those with leprosy are made clean, the deaf hear, the dead are raised, and good news is preached to the poor. Mapofu ava kuona, zvirema zvava kufamba, vana maperembudzi vanoporeswa, matsi dzonzwa, vakafa vari kumutswa, uye kuti nhau dzakanaka dziri kuparidzirwa varombo.
6 And blessed is the one who does not stumble on account of me." Akaropafadzwa munhu asingagumburwi nokuda kwangu.”
7 As they left, Jesus began telling the crowds about John: "What did you go out into the wilderness to see? A reed shaken by the wind? Vadzidzi vaJohani pavakanga voenda, Jesu akatanga kuudza vanhu vazhinji nezvaJohani achiti, “Makaenda kurenje kundoonei? Rutsanga rwaizungunuswa nemhepo here?
8 But why go out—to see a man dressed in soft clothes? Look, those who wear soft clothes are in royal palaces. Kana zvisizvo, makabuda kundoonei? Maindoona murume akanga akapfeka nguo dzakanaka here? Kwete, avo vanopfeka nguo dzakanaka vari mumizinda yamadzimambo.
9 But why did you go out? To see a prophet? Yes, I tell you, far more than a prophet. Zvino makabuda kundooneiko? Muprofita here? Hongu, ndinoti kwamuri anopfuura muprofita.
10 This is the one written about: 'Look, I send my messenger ahead of you, who will prepare your way before you.' Iyeyu ndiye akanyorwa nezvake zvichinzi: “Ndinotuma nhume yangu mberi kwako uye achakugadzirira nzira yako mberi kwako.”
11 Truly I tell you: among those born of women, none greater than John the Baptist has arisen; yet the least in our Father's kingdom is greater than he. Ndinokuudzai chokwadi kuti: Pavanhu vose vakaberekwa navakadzi, hapana mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi. Asi mudukusa muushe hwokudenga mukuru kwaari.
12 From John the Baptist's days until now, the kingdom of our Father endures violence, and the violent seize it. Kubva pamazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino, umambo hwokudenga hwanga huchipfuurira mberi nechisimba, uye varume vechisimba vanohutora.
13 For all the Prophets and the Law prophesied until John, Nokuti Vaprofita vose neMirayiro vakaprofita kusvikira pana Johani.
14 and if you are willing to accept it, he is the Elijah who was to come. Kana muchida kuzvigamuchira, ndiye Eria akanga achizouya.
15 Whoever has ears, let him hear. Uyo ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.
16 To what can I compare this generation? It's like children sitting in the marketplaces, calling out to others: “Rudzi urwu ndingaruenzanisa nei? Vakafanana navana vari mumisika vari kudanidzira kuna vamwe vachiti:
17 'We played the flute for you, and you did not dance; we sang a funeral song, and you did not mourn.' “ ‘Takakuridzirai hwamanda, asi hamuna kutamba; takaimba rwiyo rworufu, uye hamuna kuchema.’
18 For John came neither eating nor drinking, and they say, 'He has a demon.' Nokuti Johani akanga asingadyi kana kunwa asi vakati, ‘Ane dhimoni.’
19 The Son of Man came eating and drinking, and they say, 'A glutton and drunkard, a friend of tax collectors and sinners!' Yet wisdom is proved right by her deeds." Mwanakomana woMunhu akanga achidya uye achinwa, zvino vanoti, ‘Houno wamakaro nomunwi, shamwari yavateresi na“vatadzi”.’ Asi uchenjeri hunozviratidza kuti hwakarurama namabasa ahwo.”
20 Then he began denouncing the towns where he'd done most of his miracles, because they hadn't repented. Ipapo Jesu akatanga kutuka maguta akanga aitwa zvishamiso zvake zvizhinji, nokuti akanga asina kutendeuka.
21 "Woe to you, Chorazin! Woe to you, Bethsaida! For if the miracles done in you had been done in Tyre and Sidon, they'd have turned back long ago in mourning clothes and ashes. “Une nhamo iwe Korazini! Une nhamo iwe Bhetisaidha! Kudai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muTire neSidhoni vangadai vakatendeuka kare vakapfeka masaga uye vakazvizora dota.
22 But I tell you: judgment day will be more bearable for Tyre and Sidon than for you. Asi ndinokuudzai kuti Tire neSidhoni zvicharerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura imi.
23 And you, Capernaum—will you be lifted to heaven? You'll be brought down to the grave. If the miracles done in you had been done in Sodom, it would still stand today. Uye iwe Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, asi uchaiswa pakadzikadzika. Dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvainge zvakaitwa muSodhomu, ringadai richiripo nanhasi.
24 But I tell you: Sodom's land will fare better on judgment day than you." Asi ndinokuudza kuti guta reSodhomu richarerukirwa pazuva rokutongwa kupfuura iwe.”
25 At that time Jesus said, "I praise you, Father, Sovereign of heaven and earth, for hiding this from the wise and discerning, and revealing it to infants. Panguva iyoyo Jesu akati, “Ndinokurumbidzai Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanza zvinhu izvi kuna vakachenjera navakadzidza, uye mukazvizarurira kuvana vaduku.
26 Yes, Father, for this pleased you. Hongu, Baba nokuti izvi ndizvo zvakakufadzai.
27 Everything was entrusted to me by my Father. Only the Father knows the Son, only the Son knows the Father, and anyone the Son chooses to reveal the Father to. “Zvinhu zvose zvakapiwa kwandiri naBaba vangu. Hakuna anoziva Mwanakomana kunze kwaBaba, uye hakuna anoziva Baba kunze kwoMwanakomana naavo chete Mwanakomana vaanenge asarudza kuti avazarurire.
28 "Come to me, all you who are weary and burdened, and I will give you rest. “Uyai kwandiri, imi mose makaneta makaremerwa, uye ndichakupai zororo.
29 Put my yoke on you and learn from me, since I'm gentle and humble in heart, and you'll find rest for your souls. Takurai joko rangu, mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.
30 For my yoke is easy, and my burden is light." Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]