Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 9 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jesus called the twelve together, gave them power and authority over all the demons and to heal diseases. Jesu akati aunganidza vane Gumi naVaviri vake pamwe chete, akavapa simba nechikuriri kuti vadzinge madhimoni uye vaporese vakanga vane zvirwere,
2 And he sent them out to proclaim the kingdom of our Father and to heal the sick. akavatuma kuti vandoparidza umambo hwaMwari uye vandoporesa vairwara.
3 He said to them, "Take nothing for the road: no staff, bag, bread, or money, and don't take two tunics each. Akavarayira achiti, “Musatakura chinhu parwendo, mudonzvo, kana hombodo, kana chingwa, kana mari, kana imwe nguo.
4 Whatever house you enter, stay there, and leave from there. Muimba ipi neipi yamunopinda, mugaremo kusvikira mabva muguta imomo.
5 Wherever they won't welcome you, shake the dust off your feet as you leave that town, as a testimony against them." Kana vanhu vasingakugamuchiriyi, muzunze guruva retsoka dzenyu pamunenge mabuda muguta ravo, chive chapupu pamusoro pavo.”
6 So they set out and went from village to village, proclaiming the good news and healing everywhere. Saka vakasimuka vakabuda vakaenda kumusha nomusha, vachiparidza vhangeri nokuporesa vanhu kwose kwose.
7 Herod the tetrarch heard all that was happening, and was puzzled, because some said John had been raised from the dead, Zvino Herodhi mubati akanzwa pamusoro pezvose zvakanga zvichiitika. Akakanganisika, nokuti vamwe vakanga vachiti Johani akanga amutswa kubva kuvakafa,
8 others that Elijah had appeared, and still others that one of the prophets of old had risen. vamwe vachiti Eria akanga aonekwa, uyezve vamwe vachiti mumwe wavaprofita vakare akanga amuka.
9 Herod said, "I beheaded John—so who is this I hear such things about?" He kept seeking to see him. Asi Herodhi akati, “Johani ndakamugura musoro. Zvino, ndianiko uyu wandinonzwa zvinhu zvakadai pamusoro pake?” Akaedza kuti amuone.
10 When the apostles returned, they told Jesus all they had done. He took them and withdrew privately to a town called Bethsaida. Vapostori vakati vadzoka, vakarondedzera kuna Jesu zvavakanga vaita. Ipapo akavatora vakabva muchivande vakaenda kuguta rainzi Bhetisaidha,
11 But the crowds found out and followed him. He welcomed them, spoke to them of our Father's kingdom, and healed those who needed it. asi vazhinji vakazviziva vakamutevera. Akavagamuchira akataura kwavari nezvoumambo hwaMwari, akaporesa avo vakanga vachida kuporeswa.
12 As the day was ending, the Twelve came and said to him, "Send the crowd away to find lodging and food in the villages and countryside around us—we're in a remote place here." Zuva rovira, vane Gumi Navaviri vakauya kwaari vakati, “Endesai vanhu vazhinji ava kuitira kuti vaende kumisha nokumaruwa akapoteredza kuti vandozvitsvakira zvokudya nepokurara, nokuti tiri musango muno.”
13 He said, "You give them something to eat." They said, "We have only five loaves and two fish—unless we go and buy food for this whole crowd." Akavapindura akati, “Vapei imi zvokudya.” Ivo vakati, “Tinongova nezvingwa zvishanu nehove mbiri, kunze kwokunge tandotenga zvokudya zvavanhu vazhinji vose ava.”
14 For there were about 5,000 men. He told his disciples, "Seat them in groups of about fifty each." Pakanga pane varume vangasvika zviuru zvishanu. Asi iye akati kuvadzidzi vake, “Vagarisei pasi vari mumapoka avanhu vangasvika makumi mashanu paboka rimwe nerimwe.”
15 They did so, and had everyone sit down. Vadzidzi vakaita saizvozvo, uye munhu wose akagara pasi.
16 He took the five loaves and two fish, looked up to heaven, blessed and broke them, then kept giving them to the disciples to serve the crowd. Akati atora zvingwa zvishanu nehove mbiri akatarisa kudenga, akavonga ndokuzvimedura. Ipapo akazvipa kuvadzidzi kuti vaise pamberi pavanhu.
17 All ate and were satisfied; the leftover pieces filled twelve baskets. Vose vakadya vakaguta, uye vadzidzi vakanonga matengu azere gumi namaviri ezvimedu zvakanga zvasara.
18 Once, while praying alone with his disciples nearby, Jesus asked them, "Who do the crowds say I am?" Rimwe zuva Jesu akati achinyengetera ari oga uye vadzidzi vake vakanga vanaye, akavabvunza akati, “Vanhu vazhinji vanoti ndini aniko?”
19 They answered, "John the Baptist. Others say Elijah. Still others, that an ancient prophet has risen." Vakapindura vakati, “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti Eria, uye vamwezve vachiti, mumwe wavaprofita vakare akamuka kubva kuvakafa.”
20 "But who do you say that I am?" he asked. Peter answered, "The Christ of our Father." Akati kwavari, “Asi, ko, imi munoti ndini ani?” Petro akapindura akati, “Ndimi Kristu waMwari.”
21 Jesus strictly warned them, ordering them to tell no one this, Jesu akavayambira zvikuru kuti varege kutaura izvi kuna ani zvake.
22 saying, "The Son of Man must suffer many things and be rejected by the elders, chief priests, and scribes, and be killed, and on the third day be raised." Akatizve, “Mwanakomana woMunhu anofanira kutambudzika pazvinhu zvizhinji agorambwa navakuru, vaprista vakuru navadzidzisi vomurayiro, uye anofanira kuurayiwa agomuka pazuva retatu.”
23 Then he told them all, "Whoever wants to come after me must deny himself and take up his cross daily and follow me. Ipapo akati kwavari vose, “Kana munhu achida kunditevera, anofanira kuzviramba atore muchinjikwa wake zuva rimwe nerimwe agonditevera.
24 For whoever intends to save his life will lose it, but whoever loses his life because of me will save it. Nokuti ani naani anoda kuponesa upenyu hwake acharasikirwa nahwo, asi ani naani anorasikirwa noupenyu hwake nokuda kwangu achahuponesa.
25 For what use is it if someone gains the whole world, yet loses or forfeits himself? Ko, munhu achabatsirwei kana akawana nyika yose, asi agorasikirwa noupenyu hwake.
26 Whoever is ashamed of me and my words, the Son of Man will be ashamed of him when he comes in his own glory and the glory of the Father and the holy angels. Kana munhu akanyara pamusoro pangu namashoko angu, Mwanakomana woMunhu achanyarawo pamusoro pake paanouya mukubwinya nomukubwinya kwaBaba nokwavatumwa vatsvene.
27 But I tell you truly, some standing here will not taste death before they see the kingdom of our Father." Ndinokuudzai chokwadi, kuti vamwe vamire pano havazofi vasati vaona umambo hwaMwari.”
28 About eight days after these words, Jesus took Peter, John, and James up a mountain to pray. Mazuva angasvika masere akati apera, shure kwokunge Jesu ataura izvozvo, akatora Petro naJohani naJakobho pamwe chete naye akakwira mugomo kundonyengetera.
29 As he was praying, the appearance of his face changed, and his clothing became dazzling white. Akati achinyengetera, kuonekwa kwechiso chake kwakashanduka, nguo dzake dzikachena dzikapenya sokupenya kwemheni.
30 And there were two men talking with him—Moses and Elijah, Varume vaviri, Mozisi naEria,
31 who appeared in glory, speaking of his departure, which he was about to fulfill in Jerusalem. vakaonekwa vari mukubwinya, vachitaura naJesu. Vakataura pamusoro pokuzoenda kwake, kwaakanga ondozadzisa paJerusarema.
32 Peter and his companions were weighed down with sleep; fully awake, they saw his glory and the two men standing with him. Petro navaaiva navo vakanga vava kubatwa nehope, asi vakati vanyatsomuka, vakaona kubwinya kwake uye varume vaviri vamire naye.
33 As they were leaving him, Peter said to Jesus, "Master, it's good we're here. Let's make three shelters—one for you, one for Moses, one for Elijah." He didn't know what he was saying. Varume ava vakati vobva pana Jesu, Petro akati kwaari, “Tenzi, zvakanaka kuti isu tigare pano. Ngativakei matumba matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi uye rimwe raEria.” Akanga asingazivi zvaaireva.
34 As he spoke, a cloud came and covered them in shadow; entering it, they were afraid. Akati achiri kutaura izvi, gore rakasvika rikavafukidza, uye vakatya pavakapinda mugore.
35 A voice from the cloud said, "This is my Son, my Chosen One—listen to him!" Inzwi rakabva mugore, rikati, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, musanangurwa wangu; muteererei.”
36 When the voice ended, Jesus was found alone. They stayed silent, telling no one in those days what they had seen. Inzwi rakati rataura izvozvo, vakaona Jesu ava oga. Vadzidzi vakanyarara, vakasaudza munhu zvavakanga vaona panguva iyoyo.
37 The next day, when they came down from the mountain, a large crowd met him. Fume mangwana, pavakaburuka mugomo, vazhinji zhinji vakasangana naye.
38 A man from the crowd shouted, "Teacher, please look at my son, because he's my only child. Mumwe murume akanga ari pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Mudzidzisi, ndinokukumbirai kuti muonewo mwanakomana wangu, nokuti ndiye oga mwana wangu.
39 A spirit seizes him, and suddenly he cries out; it convulses him until he foams, scarcely leaving him, battering him. Mweya wakaipa unomubata pakarepo oridza mhere; wobva womubvundisa achipupuma furo pamuromo. Haudi kumuregedza uye unomuparadza.
40 I begged your disciples to drive it out, but they could not." Ndakakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vakasagona.”
41 Jesus answered, "Distrustful, twisted generation, how long must I stay with you and endure you? Bring your son here." Jesu akapindura akati, “Haiwa rudzi rusingatendi, rwakatsauka, ndichagara nemi kusvikira riniko ndichikuitirai mwoyo murefu? Uyai pano nomwanakomana wenyu.”
42 As the boy was coming, the demon threw him down and convulsed him. But Jesus rebuked the unclean spirit, healed the boy, and returned him to his father. Kunyange pakanga pachiuya mukomana, dhimoni rakamuwisira pasi rikamubvundisa. Asi akarayira mweya wakaipa, akaporesa mukomana ndokubva amudzosera kuna baba vake.
43 All were astonished at our Father's majesty. While everyone was amazed at everything Jesus did, he said to his disciples, Uye vose vakashamiswa noukuru hwaMwari. Vanhu vose pavakanga vachakashamiswa nezvose zvakanga zvaitwa naJesu, akati kuvadzidzi vake,
44 "Store these words in your ears: the Son of Man will soon be delivered into human hands." “Teereresai kune zvandiri kuda kukutaurirai: Mwanakomana woMunhu ava kuzopandukirwa agoiswa mumaoko avanhu.”
45 But they didn't understand this word—hidden from them so they couldn't grasp it—and they were afraid to ask him about it. Asi havana kunzwisisa kuti zvairevei. Zvakanga zvakavanzika kwavari, naizvozvo havana kuzvibata, uye vakanga vachitya kumubvunza pamusoro pazvo.
46 Now an argument arose among them as to which of them was the greatest. Nharo dzakatanga pakati pavadzidzi dzokuti mukuru ndiani.
47 But Jesus, knowing their hearts' thoughts, took a child and stood him beside himself, Jesu, achiziva kufunga kwavo, akatora mwana muduku ndokumumisa parutivi rwake.
48 and told them, "Whoever receives this child in my name receives me, and whoever receives me receives the one who sent me. For the least among you all—that one is great." Ipapo akati kwavari, “Ani naani anogamuchira mwana muduku uyu muzita rangu anondigamuchira; uye ani naani anondigamuchira, anogamuchira uyo akandituma. Nokuti muduku pakati penyu mose ndiye mukuru.”
49 John said, "Master, we saw someone driving out demons in your name and tried to stop him, because he doesn't follow with us." Johani akati, “Tenzi, takaona mumwe murume achidzinga madhimoni muzita renyu uye tikaedza kumudzivisa, nokuti haazi mumwe wedu.”
50 "Do not stop him," Jesus said to him, "for whoever is not against you is for you." Jesu akati, “Musamudzivisa, nokuti ani naani asingapesani nemi ndowenyu.”
51 When the days neared for him to be taken up to heaven, Jesus resolutely set his face to go to Jerusalem. Nguva yakati yasvika yokuti akwidzwe kudenga, Jesu akafunga zvokuenda kuJerusarema.
52 He sent messengers ahead of him. They went and entered a Samaritan village to prepare for him, Uye akatuma nhume pamberi pake, dzikapinda mumusha weSamaria kundofanomugadzirira zvinhu;
53 but the people there did not welcome him, because he was heading for Jerusalem. asi vanhu voko havana kumugamuchira, nokuti akanga ava kuenda kuJerusarema.
54 Seeing this, the disciples James and John said, "Lord, do you want us to call down fire from heaven to consume them?" Vadzidzi Jakobho naJohani vakati vaona izvi, vakabvunza vakati, “Ishe, munoda here kuti tidane moto uburuke kubva kudenga kuti uvaparadze?”
55 But he turned and rebuked them. Asi Jesu akatendeuka akavatsiura,
56 And they went on to another village. uye akabva akaenda kuno mumwe musha.
57 As they walked the road, someone said to him, "I'll follow you wherever you go." Vakati vachifamba mumugwagwa, mumwe murume akati, “Ndichakuteverai kwose kwamunoenda.”
58 Jesus said, "Foxes have dens, birds of the sky have nests, but the Son of Man has nowhere to lay his head." Jesu akapindura akati, “Makava ane mwena yawo uye shiri dzedenga dzine matendere adzo, asi Mwanakomana woMunhu haana paangatsamidza musoro wake.”
59 To another he said, "Follow me." He replied, "Lord, first let me go bury my father." Akati kuno mumwe murume, “Nditevere.” Asi murume uyu akapindura akati, “Ishe, nditenderei kuti ndinoviga baba vangu.”
60 But Jesus told him, "Let the dead bury their own dead, but you go proclaim the kingdom of our Father." Jesu akati kwaari, “Rega vakafa vavige vakafa vavo, asi iwe enda undoparidza umambo hwaMwari.”
61 Another also said, "I'll follow you, Lord, but first let me say goodbye to those at my house." Mumwezve akati, “Ndichakuteverai, Ishe; asi kutanga regai ndimbondoonekana nemhuri yangu.”
62 Jesus replied, "No one who puts a hand to the plow and looks back is fit for our Father's kingdom." Jesu akapindura akati, “Hakuna munhu anoti kana akaisa ruoko rwake pagejo akacheuka angafanirwa nokushumira muumambo hwaMwari.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]