Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 10 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this, the Lord appointed seventy-two more, sending them ahead of him two by two, into every town and place he himself intended to go. Shure kwaizvozvo Ishe akagadza vamwe makumi manomwe akavatuma achiita vaviri vaviri pamberi pake kumaguta nokunzvimbo dzose kwaakanga achizoenda.
2 He told them, "The harvest is plentiful, but workers are few. So ask the Father of the harvest to send out workers into his harvest. Akati kwavari, “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo kumbirai kuna She wokukohwa, kuti atume vashandi mumunda wake wokukohwa.
3 Go! Look, I am sending you out like lambs among wolves. Endai! Ndiri kukutumai samakwayana pakati pamapere.
4 Carry no purse, no bag, no sandals, and greet no one on the road. Musatora chikwama, kana hombodo, kana shangu; uye musakwazisa munhu panzira.
5 Whatever house you enter, first say, 'Peace to this house.' “Pamunopinda mumba, mutange namashoko okuti, ‘Rugare ngaruve muimba ino.’
6 If a person of peace is there, your peace will rest on them; if not, it will return to you. Kana munhu worugare arimo, rugare rwenyu ruchazorora pamusoro pake; kana zvikasadaro, ruchadzokera kwamuri.
7 Stay in that house, eating and drinking what's offered, for the worker deserves his wage. Don't move from house to house. Garai muimba iyoyo muchidya nokunwa zvose zvavanokupai nokuti mubati akafanirwa nomubayiro wake. Musapota-pota nedzimba.
8 Whenever you enter a town and they welcome you, eat what is set before you. “Pamunopinda muguta uye vakakugamuchirai, mudye zvose zvinoiswa pamberi penyu.
9 Heal the sick there and tell them, 'The kingdom of our Father has come near to you.' Poresai vanorwara varimo mugovaudza kuti, ‘Umambo hwaMwari hwaswedera.’
10 But when you enter a town that doesn't welcome you, go out into its streets and say, Asi pamunopinda muguta uye mukasagamuchirwa, muende munzira dzaro mugoti,
11 'Even your town's dust stuck to our feet, we wipe off against you. Yet know this: the kingdom of our Father has come near.' ‘Kunyange neguruva reguta renyu rakanamatira patsoka dzedu tinoripukuta nokuda kwenyu. Asi muzive izvi: Umambo hwaMwari hwaswedera.’
12 I tell you, it will be more bearable on that day for Sodom than for that town. Ndinokuudzai kuti pazuva iro, Sodhomu richarerukirwa kwazvo kupfuura guta iroro.
13 "Woe to you, Chorazin! Woe to you, Bethsaida! Had the miracles done among you happened in Tyre and Sidon, they would have repented long ago, sitting in sackcloth and ashes. “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha! Nokuti dai zvishamiso zvakaitwa mauri zvakanga zvaitwa muTire neSidhoni, vangadai vakatendeuka kare, vakagara mumadota vakafuka masaga.
14 But it will be more bearable for Tyre and Sidon at the judgment than for you. Asi Tire neSidhoni zvicharerukirwa pakutongwa kupfuura imi.
15 And you, Capernaum, will you be lifted to heaven? You'll be brought down to the grave. Uye iwe, Kapenaume, uchasimudzirwa kudenga here? Kwete, uchaburuka kwakadzika.
16 Whoever listens to you listens to me; whoever rejects you rejects me; whoever rejects me rejects the one who sent me." “Anokunzwai imi, anondinzwa ini; uyo anokurambai imi, anondirambawo ini; asi uyo anondiramba, anoramba iye akandituma.”
17 The seventy-two returned with joy and said, "Lord, even the demons submit to us in your name." Vana makumi manomwe vakadzoka nomufaro vakati, “Ishe, kunyange madhimoni anozviisa pasi pedu muzita renyu.”
18 He said to them, "I saw Satan fall like lightning from heaven. Akati kwavari, “Ndakaona Satani achiwa kubva kudenga semheni.
19 Look, I have given you authority to trample on snakes and scorpions, and over all the enemy's power—nothing will harm you. Ndakupai simba rokuti mutsike pamusoro penyoka nezvinyavada uye kuti mukunde simba rose romuvengi; hakuna chichakukuvadzai.
20 But don't rejoice that the spirits submit to you—rejoice that your names are written in heaven." Kunyange zvakadaro hazvo, musafara nokuti mweya yakaipa inozviisa pasi penyu, asi farai kuti mazita enyu akanyorwa kudenga.”
21 At that moment Jesus rejoiced in the Holy Spirit and said, "Father, Sovereign of heaven and earth, I praise you—you hid these things from the wise and clever, and revealed them to little children. Yes, Father, for this pleased you." Panguva iyoyo Jesu azere nomufaro kubudikidza noMweya Mutsvene, akati, “Ndinokuvongai, Baba, Ishe wokudenga nepasi, nokuti makavanzira vakachenjera navakadzidza zvinhu izvi, mukazvizarurira kuvacheche. Hongu, Baba nokuti zvakakufadzai.
22 "All has been given to me by my Father. No one knows who the Son is but the Father, or who the Father is but the Son—and whoever the Son chooses to reveal him to." “Zvinhu zvose ndakazvipiwa naBaba vangu. Hakuna munhu anoziva kuti Mwanakomana ndiani kunze kwaBaba, uye hakuna munhu anoziva kuti Baba ndiani kunze kwoMwanakomana naavo Mwanakomana vaanenge asarudza kuvazarurira.”
23 Then turning to the disciples, he said privately, "Blessed are the eyes that see what you see! Ipapo akatendeukira kuvadzidzi vake vari voga akati, “Akaropafadzwa meso anoona zvamuoona,
24 For I tell you, many prophets and kings wanted to see what you see and never saw it, to hear what you hear and never heard it." nokuti ndinokuudzai kuti vaprofita vazhinji namadzimambo vaida kuona zvamunoona asi havana kuzviona, uye nokunzwa zvamunonzwa asi havana kuzvinzwa.”
25 A lawyer stood and tested him: "Teacher, what must I do to inherit eternal life?" Mumwe musi mududziri womurayiro akasimuka kuti aedze Jesu. Akati, “Mudzidzisi ndinofanira kuiteiko kuti ndiwane nhaka youpenyu husingaperi?”
26 He said to him, "What is written in the Law? How do you read it?" Iye akapindura akati, “Mumurayiro makanyorweiko? Unouverenga seiko?”
27 He answered, "Love your Father with all your heart, with all your soul, with all your strength, with all your mind, and your neighbor as yourself." Akapindura akati, “ ‘Ida Ishe Mwari wako nomwoyo wako wose, uye nomweya wako wose, uye nesimba rako rose nokufunga kwako kwose,’ uye ‘Ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe.’ ”
28 He said to him, "You have answered correctly. Do this and you will live." Jesu akapindura akati, “Wapindura zvakanaka. Ita izvozvo ugorarama.”
29 But wanting to justify himself, he asked Jesus, "And who is my neighbor?" Asi iye akanga achida kuzviruramisa, saka akabvunza Jesu akati, “Muvakidzani wangu ndianiko?”
30 Jesus said, "A man went down from Jerusalem to Jericho and fell among robbers, who stripped and beat him, then left him half dead. Jesu akapindura akati, “Mumwe murume aiburuka achibva kuJerusarema achienda kuJeriko, paakawira mumaoko amakororo. Vakamubvisa nguo dzake, vakamurova ndokuenda zvavo, vachimusiya oda kufa.
31 Now, by chance a priest was going down that road; seeing him, he passed by on the other side. Zvakaitika kuti mumwe muprista akafambawo nenzira iyoyo, uye akati achiona murume uyo, akamunyenyeredza.
32 So too a Levite came to the place, saw him, and passed by on the other side. Saizvozvowo, muRevhi akasvika panzvimbo iyoyo akamuona, akamunyenyeredzawo.
33 But a Samaritan traveling that road found him, and seeing him, was moved with compassion. Asi muSamaria, aiva parwendo, akasvika pakanga pano murume uya; uye akati achimuona, akamunzwira tsitsi.
34 He went to him, bandaged his wounds, poured on oil and wine, put him on his own animal, took him to an inn, and cared for him. Akaenda paari akamusunga maronda ake, akaadira mafuta newaini. Ipapo akamutora akamukwidza pambongoro yake, akamuendesa kuimba yavaeni, akamuchengeta.
35 The next day he took out two silver coins, gave them to the innkeeper, and said, 'Take care of him. Whatever more you spend, I will repay when I return.' Fume mangwana akatora mari yesirivha akaipa kumuchengeti weimba yavaeni. Akati kwaari, ‘Muchengetei uye pandinodzoka, ndichakuripirai zvose zvamunenge mawedzera pane zvandakupai.’
36 Which of these three do you think became a neighbor to the man who fell among the robbers?" “Ndianiko pavanhu vatatu ava waunofunga kuti akanga ari muvakidzani kuna iye akawira mumaoko amakororo?”
37 He said, "The one who showed him mercy." Jesus said to him, "Go and do likewise." Mududziri womurayiro akati, “Uyo akamunzwira tsitsi.” Jesu akati kwaari, “Enda unoita saizvozvo.”
38 As they traveled, Jesus entered a village. A woman named Martha welcomed him into her home. Jesu navadzidzi vake pavakanga vachifamba, vakasvika pano mumwe musha; mumwe mukadzi ainzi Marita akamugamuchira mumba make.
39 She had a sister called Mary, who sat at the Lord's feet and listened to his teaching. Akanga ano mununʼuna wake ainzi Maria, uyo akagara patsoka dzaShe achiteerera kune zvaakanga achitaura.
40 But Martha was distracted by all the serving. She came to him and said, "Lord, don't you care that my sister left me to serve alone? Tell her to help me." Asi Marita akatadziswa kuteerera nokuda kwokugadzirira kwose kwaifanira kuitwa. Akauya kwaari akati, “Ishe hamuna hanya here kuti mununʼuna wangu andisiya ndichingoshanda ndoga? Muudzei kuti andibatsirewo!”
41 But the Lord answered her, "Martha, Martha, you are anxious and troubled about many things, Ishe akapindura akati, “Marita, Marita, uri kufunganya nokugumburwa pamusoro pezvinhu zvizhinji,
42 but one thing is needed. Mary has chosen the good share; it won't be taken from her." asi pane chinhu chimwe chete chinodikanwa. Maria asarudza chinhu chiri nani, uye haazochitorerwi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]