Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Luke 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He was praying in a place; when he finished, one of his disciples said, "Lord, teach us to pray, as John also taught his disciples." Mumwe musi Jesu akanga achinyengetera ari pane imwe nzvimbo. Akati apedza, mumwe wavadzidzi vake akati kwaari, “Ishe, tidzidzisei kunyengetera, saJohani akadzidzisa vadzidzi vake.”
2 He said to them, "When you pray, say: Father, may your name be honored as holy. Your kingdom come. Iye akati kwavari, “Kana muchinyengetera, muti: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
3 Give us each day our daily bread. Tipei zuva nezuva chingwa chedu chamazuva namazuva.
4 And forgive us our sins, for we ourselves also forgive everyone who is indebted to us. And do not lead us into temptation." Uye mutiregerere zvivi zvedu; nokuti nesuwo tinoregerera vose vanotitadzira. Musatitungamirira mukuedzwa; uye mutinunure pane zvakaipa.’ ”
5 He said to them, "Which of you has a friend and will go to him at midnight and say to him, 'Friend, lend me three loaves,' Ipapo akati kwavari, “Kana mumwe wenyu ane shamwari, uye akaenda kwaari pakati pousiku akati, ‘Shamwari, ndikweretesewo zvingwa zvitatu,
6 "because a friend of mine arrived from a journey, and I have nothing to serve him,' nokuti shamwari yangu iri parwendo yasvika kwangu, uye ini handina chandingamupa.’
7 "and he answers from inside, 'Don't trouble me; the door's already shut, and my children are in bed with me. I can't get up and give you anything'? “Ipapo uya ari mukati akati, ‘Rega kundinetsa. Mukova wangu watopfigwa, uye vana vangu neni tavata. Handikwanisi kumuka kuti ndikupe kana chinhu.’
8 "I tell you: even though the sleeping friend won't get up and give him anything just because they are friends, the asking friend's shameless persistence will still get the sleeper up to give him whatever he needs." Ndinokuudzai, kuti kunyange asingazomuki kuti amupe chingwa nokuda kwokuti ishamwari yake, asi nokuda kwokushingirira kwomunhu uyu, achamuka agomupa zvose zvaanoda.
9 "I tell you: ask and it'll be given to you; seek and you'll find; knock and it'll be opened to you. “Saka ndinoti kwamuri: Kumbirai, muchapiwa, tsvakai, muchawana; gogodzai, muchazarurirwa mukova.
10 "Everyone who asks receives; the one who seeks finds; to the one who knocks it will be opened. Nokuti ani naani anokumbira achapiwa; anotsvaka achawana; anogogodza, achazarurirwa mukova.
11 "What father among you, if his son asks for a fish, will give him a snake instead; “Ndiani pakati penyu vanababa, angati, kana mwanakomana wake amukumbira hove, omupa nyoka pachinzvimbo chehove?
12 "or if he asks for an egg, will give him a scorpion? Kana kuti akakumbira zai, angamupa chinyavada here?
13 "If you, though evil, know how to give your children good gifts, how much more will the Father from heaven give the Holy Spirit to those who ask him!" Zvino kana imi, kunyange makaipa zvenyu, muchiziva kupa zvipo zvakanaka kuvana venyu, Baba venyu vari kudenga vachapa zvikuru sei Mweya Mutsvene kuna vanomukumbira!”
14 He was driving out a demon that was mute. When it left, the mute man spoke, and the crowds were amazed. Jesu akanga achidzinga dhimoni raiva mbeveve. Dhimoni rakati rabva, munhu uya akanga ari mbeveve akataura, uye vazhinji vakashamiswa nazvo.
15 But some of them said, "By Beelzebul, the ruler of the demons, he casts out demons," Asi vamwe vavo vakati, “Anodzinga dhimoni naBheerizebhubhi, muchinda mukuru wamadhimoni.”
16 while others, testing him, kept seeking from him a sign from heaven. Vamwewo vakamuedza nokumukumbira chiratidzo.
17 But knowing their thoughts, he said to them, "Every kingdom divided against itself is ruined, and a house divided against a house falls. Jesu akaziva ndangariro dzavo akati kwavari, “Umambo hupi zvahwo hunozvipesanisa huchaparadzwa, uye imba inozvipesanisa ichawa.
18 "If Satan too is divided against himself, how will his kingdom stand? For you say I drive out demons by Beelzebul. Kana Satani achizvipesanisa, umambo hwake hungamira seiko? Ndinotaura izvi nokuti munonditi ndinobudisa madhimoni naBheerizebhubhi.
19 "If I drive out demons by Beelzebul, by whom do your sons drive them out? So they will judge you. Zvino kana ndichibudisa madhimoni naBheerizebhubhi, ko, vanakomana venyu vanoabudisa naani? Saka zvino, ivo vachava vatongi venyu.
20 "But if I expel demons by the finger of our Father, the kingdom of our Father has come upon you. Asi kana ndichidzinga madhimoni nomunwe waMwari, ipapo umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.
21 "When a strong man, fully armed, guards his own palace, his possessions are safe. “Kana munhu ane simba, akanyatsoshonga nhumbi dzake dzokurwa, akachengeta imba yake, pfuma yake inochengetedzeka.
22 "But when someone stronger attacks and overcomes him, the attacker takes away the armor the strong man trusted in and divides up his plunder. Asi kana mumwe ane simba akamurwisa uye akamukunda, anomutorera nhumbi dzokurwa dzaanga achivimba nadzo agogova zvaanenge apamba.
23 "Whoever is not with me is against me, and whoever does not gather with me scatters. “Ani naani asiri kudivi rangu anorwa neni, uye asingaunganidzi pamwe chete neni, anoparadzira.
24 "When an unclean spirit leaves a person, it goes through dry regions seeking rest. Finding none, it says, 'I'll return to the house I left. “Kana mweya wakaipa ukabuda mumunhu, unopinda nomunzvimbo dzakaoma uchitsvaka zororo ugorishayiwa. Ipapo unoti, ‘Ndichadzokera kumba kwandakabva.’
25 And when it comes, it finds the house swept and put in order. Paunosvika, unowana imba yakatsvairwa, yanaka uye igere zvakanaka.
26 "Then it goes and brings seven other spirits more evil than itself; they enter and live there, and that person's final state is worse than the first." Ipapo unobuda wondotsvaka mimwe mweya minomwe yakaipa kupfuura iwo, igopinda yondogaramo. Uye magumo omunhu uyo akaipa kupfuura okutanga.”
27 As he said this, a woman in the crowd called out, "Blessed is the womb that carried you, and the breasts that nursed you!" Jesu akati achiri kutaura zvinhu izvi, mumwe mukadzi aiva pakati pavanhu vazhinji akadanidzira achiti, “Vakaropafadzwa mai vakakuzvarai vakakuyamwisai.”
28 But he said, "Blessed rather are those who hear the word of our Father and keep it!" Akapindura akati, “Asi vakaropafadzwa avo vanonzwa shoko raMwari uye vachiriteerera.”
29 As crowds gathered, he began to say, "This generation is an evil generation. It seeks a sign, but no sign will be given to it except the sign of Jonah. Vanhu vakati vachiwanda, Jesu akati kwavari, “Rudzi urwu rwakaipa. Runokumbira chiratidzo, asi harungapiwi chiratidzo kunze kwechaJona.
30 For as Jonah became a sign to the people of Nineveh, so the Son of Man will be to this generation. Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu.
31 The queen of the South will rise at the judgment with this generation's people and condemn them—she came from earth's ends to hear Solomon's wisdom, and look, something greater than Solomon is here. Mambokadzi weZasi achasimuka pakutongwa navarume vorudzi urwu agovapa mhosva; nokuti akabva kumagumo enyika kuzonzwa uchenjeri hwaSoromoni, zvino mukuru kuna Soromoni ari pano.
32 "Ninevites will rise at the judgment with this generation and condemn it, for they repented when Jonah preached, and someone greater than Jonah is here. Varume veNinevhe vachasimuka pakutongwa norudzi urwu vagorupa mhosva; nokuti ivo vakatendeuka pakuparidza kwaJona, zvino mukuru kuna Jona ari pano.
33 "No one lights a lamp and puts it in a cellar or under a basket, but on a stand, so those entering see the light. “Hakuna munhu anotungidza mwenje agouisa panzvimbo yakavanda, kana pasi pedengu. Asi anouisa pachigadziko, kuitira kuti vose vanopinda mumba vaone chiedza.
34 Your eye is your body's lamp: when it's clear, your whole body is full of light; when bad, your body is full of darkness. Ziso rako ndiwo mwenje womuviri wako. Kana meso ako akanaka, muviri wako wosewo uzere nechiedza. Asi kana akaipa, muviri wakowo uzere nerima.
35 "Therefore be careful that the light in you is not darkness. Chenjererai kuti chiedza chiri mamuri chirege kuva rima.
36 "So if your whole body is full of light, with no dark part, it will be completely bright—like a lamp shining its beam on you." Naizvozvo kana muviri wako wose uzere nechiedza, uye pasina chikamu chawo chine rima, uchavhenekerwa zvakakwana, sezvinoita chiedza chomwenje pachinovhenekera pauri.”
37 As he spoke, a Pharisee invited him to eat with him; he went in and reclined at the table. Jesu akati apedza kutaura, mumwe muFarisi akamukoka kuti azodya naye; saka akaenda, akapinda akagara naye pakudya.
38 The Pharisee was astonished to see that he did not first wash before the meal. Asi muFarisi akaona kuti Jesu akanga asina kutanga ageza asati adya, zvikamushamisa.
39 And the Lord said to him, "Now you Pharisees clean the cup and dish on the outside, but inside you're full of greed and evil. Ipapo Ishe akati kwaari, “Zvino, imi vaFarisi munosuka kunze kwomukombe nendiro, asi mukati menyu muzere nokukara nokuipa.
40 You fools! Did not the one who made the outside make the inside also? Imi mapenzi avanhu! Ko, akaita kunze haaziye akaitawo nomukati here?
41 "But give to the poor the things that are within, and everything will be clean for you. Asi ipai zviri mukati mendiro sezvipo kuvarombo, uye ipapo zvose zvichava zvakachena kwamuri.
42 "But woe to you Pharisees! You bring the tenth of mint, rue, and every herb, yet neglect justice and love of our Father. These you should have done, without neglecting the others. “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munopa kuna Mwari chegumi chemindi, nerui nezvimwe zvirimwa zvomubindu romuriwo, asi muchirega kururamisira, norudo rwaMwari. Maifanira kuzviita izvi musingasiyi zvokutanga zvisati zvaitwa.
43 "Woe to you Pharisees! For you love the front seat in synagogues and greetings in marketplaces. “Mune nhamo imi vaFarisi, nokuti munoda zvigaro zvapamusoro mumasinagoge nokukwaziswa pamisika.”
44 "Woe to you! For you are like unmarked graves, and people walk over them without knowing it." “Mune nhamo imi, nokuti makaita samakuva asina mucherechedzo, vanhu vanofamba napamusoro pawo vasingazvizivi.”
45 One of the lawyers answered him, "Teacher, in saying these things you insult us also." Mumwe wavadudziri vomurayiro akamupindura akati, “Mudzidzisi, kana muchitaura izvi, munotuka nesuwo.”
46 And he said, "How terrible for you experts in the law too! You load people with crushing burdens, yet won't touch those burdens with one finger. Jesu akapindura akati, “Mune nhamo nemiwo vadudziri vomurayiro, nokuti munoremedza vanhu nemitoro yavasingagoni kutakura, asi imi pachenyu hamutongosimudzi munwe wenyu kuti muvabatsire.
47 "Woe to you! You build the prophets' tombs, but it was your fathers who killed them. “Mune nhamo imi, nokuti munovaka marinda avaprofita, uye madzitateguru enyu ariwo akavauraya.
48 "So you are witnesses and approve your fathers' deeds, for they killed them and you build their tombs.' Saka muri kupupura kuti munotenderana nezvakaitwa namadzitateguru enyu; vakauraya vaprofita uye imi munovaka marinda avo.
49 "So the wisdom of our Father also said, 'I will send them prophets and apostles; some of them they will kill and persecute.' Nokuda kwaizvozvo, Mwari muuchenjeri hwake akati, ‘Ndichatumira vaprofita navapostori, vamwe vavo vachavauraya uye vachatambudza vamwe.’
50 "so the blood of all the prophets shed since the foundation of the world may be charged against this generation, Naizvozvo rudzi urwu ruchava nemhosva yeropa ravaprofita vose, rakadeurwa kubva pakuvamba kwenyika,
51 "from Abel's blood to Zechariah's blood, who died between the altar and the sanctuary. Yes, I tell you, it will be charged to this generation. kubva paropa raAbheri kusvikira kuropa raZekaria, uyo akaurayiwa pakati pearitari neimba tsvene. Hongu, ndinoti kwamuri, rudzi urwu ruchava nemhosva yezvinhu izvi zvose.
52 "Woe to you lawyers! For you took away the key of knowledge—you didn't enter, and you blocked those entering." “Mune nhamo imi, vadudziri vomurayiro, nokuti makabvisa kiyi yokuziva. Imi pachenyu hamuna kupinda, uye makadzivisa vaya vakanga vachipinda.”
53 When he left there, the scribes and Pharisees began hounding him fiercely, pressing him to speak on many things, Jesu akati abva ipapo, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kumupikisa zvikuru nokumubvunza mibvunzo yakawanda,
54 lying in wait for him, to catch him in something he might say. vachimirira kuti vamubate pane zvaaizotaura.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]