Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Judges 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The messenger of our Father went up from Gilgal to Bochim and said, "I brought you up out of Egypt into the land I swore to your fathers. I said, 'I will never break my covenant with you. Mutumwa waJehovha akakwidza achibva kuGirigari akaenda kuBhokimi akati, “Ndakakubudisai kubva muIjipiti uye ndikakutungamirirai munyika yandakapikira madzitateguru enyu. Ndakati, ‘Handichazomboputsi sungano yangu nemi,
2 You will make no covenant with this land's people; tear down their altars.' But you have not obeyed my voice. What have you done? uye imi musazoita sungano navanhu venyika ino, asi munofanira kuputsa aritari dzavo.’ Asi hamuna kunditeerera. Makaitireiko izvozvo?
3 So now I say: I won't drive them out before you; they'll be thorns in your sides, their gods a trap to you." Naizvozvo zvino ndinokuudzai kuti handichazovadzingi pamberi penyu, vachava minzwa kumativi enyu uye vamwe vavo vachava musungo kwamuri.”
4 When the messenger of our Father spoke these words to all the Israelites, the people wept aloud. Mutumwa waJehovha akati ataura zvinhu izvi kuvaIsraeri vose, vanhu vakachema kwazvo,
5 And they named that place Bochim, and there they sacrificed to our Father. uye vakatumidza nzvimbo iyo kuti Bhokimi. Ipapo, vakabayira zvipiriso kuna Jehovha.
6 When Joshua dismissed the people, the Israelites each went to claim their own land inheritance. Shure kwokunge Joshua ati vaIsraeri vaende, vakaenda vakandotora nyika, mumwe nomumwe kunhaka yake.
7 The people served our Father throughout the days of Joshua and the elders who outlived him, having seen all the great work our Father did for Israel. Vanhu vakashumira mazuva ose okurarama kwaJoshua uye napamazuva avakuru vakasara vari vapenyu uye vakanga vaona zvinhu zvikuru zvose zvakanga zvaitirwa Israeri naJehovha.
8 Joshua son of Nun, servant of our Father, died at 110 years old. Joshua mwanakomana waNuni, muranda waJehovha, akafa ava namakore zana negumi rimwe chete.
9 They buried him in his inheritance land at Timnath-heres, in Ephraim's hill country, north of Mount Gaash. Uye vakamuviga munyika yenhaka yake, paTiminati Heresi munyika yezvikomo yeEfuremu, kumusoro kweGomo reGaashi.
10 That whole generation was also gathered to their ancestors, and another generation rose after them who did not know our Father or the work he did for Israel. Mushure mokunge chizvarwa chake chose chasanganiswa namadzibaba acho, chimwe chizvarwa chakanga chisingazivi Jehovha kana zvaakanga aitira Israeri chakamuka.
11 Israel's people did evil in our Father's sight and served the Baals. Ipapo vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha uye vakashumira vanaBhaari.
12 They abandoned our Father, the God of their fathers, who brought them out of the land of Egypt. They followed other gods of the surrounding peoples, bowed to them, and provoked our Father to anger. Vakarasa Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akanga avabudisa kubva muIjipiti. Vakatevera uye vakanamata vamwari vakasiyana-siyana vendudzi dzakanga dzakavapoteredza. Vakatsamwisa Jehovha,
13 They abandoned our Father and served Baal and the Ashtaroth. nokuti vakamurasa uye vakashumira Bhaari navaAshitoreti.
14 So our Father's anger flared against Israel, and he handed them to raiders who plundered them, selling them to surrounding enemies, so they could no longer stand against them. Mukutsamwira kwake vaIsraeri, Jehovha akavaisa mumaoko avapambi avo vakazovapamba. Akavatengesa kuvavengi vavo vakanga vakavapoteredza, avo vavakanga vasisagoni kudzivisa.
15 Everywhere they marched out, our Father's hand was against them for harm, as he had said and sworn to them. They were in dire distress. Pose paienda Israeri kundorwa, ruoko rwaJehovha rwairwa navo kuti ruvakunde, sezvaakanga apika kwavari. Vakanga vari munhamo huru.
16 Then our Father raised up judges who saved them from the hand of their raiders. Ipapo Jehovha akavamutsira vatongi vakavaponesa kubva mumaoko avapambi ava.
17 But they would not listen even to their judges. They prostituted themselves to other gods and bowed to them, quickly turning from the way their fathers walked, who had obeyed our Father's commands; they would not do the same. Kunyange zvakadaro havana kuzoteerera kuvatongi vavo asi vakaita ufeve navamwe vamwari uye vakavanamata. Havana kuita samadzibaba avo, nokuti vakakurumidza kutsauka munzira yaifamba madzibaba avo, nzira yokuteerera kumirayiro yaJehovha.
18 When our Father raised up judges, he was with each judge and rescued them from their enemies all that judge's days; for our Father was moved to compassion by their groaning under their oppressors. Pose pavaimutsirwa mutongi naJehovha, iye aiva nomutongi uyo, uye aivaponesa kubva mumaoko avavengi vavo, mutongi paainge achiri mupenyu; nokuti Jehovha ainge avanzwira ngoni pavaigomera vari pasi pavaya vaivadzvinyirira uye vachivarwadzisa.
19 But when the judge died, they turned back and grew more corrupt than their fathers, following other gods to serve and bow down to them. They abandoned none of their practices or stubborn ways. Asi mutongi paainge afa, vanhu vaidzokera kunzira dzakaipisisa kupinda dziya dzamadzibaba avo, vachitevera vamwe vamwari, vachivashandira uye vachivanamata. Vakaramba kusiya mabasa avo akaipa nokusindimara kwemwoyo yavo.
20 So our Father's anger flared against Israel, and he said, "Because this nation has broken my covenant that I commanded their fathers, and has not obeyed my voice, Naizvozvo Jehovha akavatsamwira zvikuru akati, “Nemhaka yokuti rudzi urwu rwakaputsa sungano yangu yandakaita namadzitateguru avo uye vakasanditeerera,
21 I will no longer drive out any nation Joshua left when he died, handichadzingizve pamberi pavo rudzi rupi zvarwo rwedzimwe ndudzi dzakasiyiwa naJoshua pakufa kwake.
22 to test Israel by them: whether they'd keep our Father's way, walking in it as their fathers did, or not." Ndichavashandisa kuti vaedze vaIsraeri, kuti ndione kuti vachachengeta here nzira yaJehovha vagofamba mairi sezvakaitwa namadzitateguru avo.”
23 So our Father left those nations, not driving them out quickly, and did not give them into Joshua's hand. Jehovha akatendera ndudzi idzo kuti dzisare; haana kudzidzinga pakarepo uye haana kudziisa mumaoko aJoshua.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]