Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Judges 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 These are the nations our Father left to test Israel—all who had not known any of Canaan's wars. Idzi ndidzo ndudzi dzakasiyiwa naJehovha kuti aedze vaIsraeri vaya vose vakanga vasina kumboziva kana hondo ipi zvayo muKenani,
2 (He did this only so Israel's generations who had not known war before might learn it.). (akaita izvi bedzi kuti adzidzise zvehondo kuzvizvarwa zvavaIsraeri izvo zvakanga zvisina kumborwa hondo):
3 The nations: five Philistine rulers, all Canaanites, Sidonians, and Hivites living in the Lebanon mountains, from Mount Baal-hermon to Lebo-hamath. vatongi vashanu vavaFiristia, vaKenani vose, vaSidhoni, uye vaHivhi vaigara mumakomo eRebhanoni kubva paGomo reBhaari Herimoni kusvikira kuRebho Hamati.
4 They were to test Israel—whether they'd obey our Father's commands, given to their ancestors through Moses. Vakasiyiwa kuti vaedze vaIsraeri kuti aone kana vaizoteerera mirayiro yaJehovha, yaakanga apa madzitateguru avo kubudikidza naMozisi.
5 So the Israelites lived among the Canaanites, Hittites, Amorites, Perizzites, Hivites, and Jebusites. VaIsraeri vakagara pakati pavaKenani, vaHiti, vaAmori, vaPerezi, vaHivhi navaJebhusi.
6 They married these peoples' daughters, gave their own daughters to their sons, and served their gods. Vakatora vanasikana vavo kuti vave vakadzi vavo uye vakapa vanasikana vavowo kuvanakomana vavo, uye vakashumira vamwari vavo.
7 Israel did evil in our Father's eyes, forgot their Father, and served the Baals and Asherahs. VaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha; vakakanganwa Jehovha Mwari wavo vakashumira vaBhaari navaAshera.
8 So our Father's anger burned against Israel; he sold them to Cushan-Rishathaim king of Aram-naharaim, whom Israel served eight years. Kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro paIsraeri zvokuti akavatengesa mumaoko aKushani-Rishataimi mambo weAramu Naharaimu, avo vakashandirwa navaIsraeri kwamakore masere.
9 When the Israelites cried out to our Father, he raised a rescuer—Othniel son of Kenaz, Caleb's younger brother—who rescued them. Asi vakati vachema kuna Jehovha, akavamutsira musununguri, Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, uyo akavaponesa.
10 The Spirit of our Father came on him, and he judged Israel. He went to war, and our Father handed Cushan-Rishathaim king of Aram to him, and his hand prevailed over Cushan-Rishathaim. Mweya waJehovha wakauya pamusoro pake kuti ave mutongi weIsraeri uye akaenda kuhondo. Jehovha akaisa Kushani-Rishataimi mambo wavaAramu mumaoko aOtinieri, akamukunda.
11 Then the land had rest for forty years, until Othniel son of Kenaz died. Saka nyika yakava norugare kwamakore makumi mana, kusvikira Otinieri mwanakomana waKenazi afa.
12 Israelites again did evil in the eyes of our Father, and because they did this evil, our Father strengthened Eglon king of Moab against Israel. VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye nokuda kwokuti vakaita zvakaipa izvi, Jehovha akapa simba kuna Egironi mambo weMoabhu kuti akunde Israeri.
13 Eglon gathered the Ammonites and Amalekites, went and struck Israel, and they seized the City of Palms. Egironi akatora vaAmoni navaAmareki kuti vaende naye kundorwisa Israeri, uye vakatora Guta reMichindwe kuti rive ravo.
14 The Israelites served Eglon king of Moab eighteen years. VaIsraeri vakava varanda vaEgironi mambo weMoabhu kwamakore gumi namasere.
15 Israelites cried out to our Father again; he raised up Ehud son of Gera, a left-handed Benjamite, as rescuer. They sent tribute through him to Eglon king of Moab. VaIsraeri vakachemazve kuna Jehovha, iye akavapa musununguri, Ehudhi murume aiva neziboshwe, mwanakomana waGera muBhenjamini. VaIsraeri vakamutuma nomutero kuna Egironi mambo weMoabhu.
16 Ehud made himself a two-edged sword, about eighteen inches long, and strapped it under his clothes on his right thigh. Zvino Ehudhi akanga aita munondo wakarodzwa kumativi ose uchikarosvika kubhiti rimwe chete pakureba kwawo waakanga akasungira pasi penguo dzake pachidya chake chokurudyi.
17 He presented the tribute to Eglon king of Moab, who was a very fat man. Akapa mutero kuna Egironi mambo weMoabhu, murume akanga akafuta kwazvo.
18 When Ehud had finished presenting the tribute, he sent away the people who had carried it. Mushure mokunge Ehudhi apa mutero, akati vanhu vakanga vauya vakatakura mutero wacho vaende.
19 He turned back from the idols near Gilgal, saying, "I have a secret message for you, king." The king said, "Silence!" and all his attendants left him. Pazvifananidzo zvaiva pedyo neGirigari iye pachake akadzoka akati, “Ndine shoko renyu rakavanzika, imi mambo.” Mambo akati, “Nyararai!” uye varanda vake vose vakamusiya.
20 Ehud approached him, sitting alone in his cool upper room. Ehud said, "I have a word from God for you." The king rose from his seat. Ipapo Ehudhi akaswedera kwaari iye agere ari oga muimba yake yapamusoro yomuzinda wake wenguva yezhizha akati, “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari,” Mambo akati achisimuka achibva pachigaro chake,
21 Ehud reached with his left hand, took the sword from his right thigh, and plunged it into Eglon's belly. Ehudhi akatambanudza ruoko rwake rworuboshwe, akavhomora munondo kubva pachidya chake chokurudyi akaunyudza mudumbu ramambo.
22 The hilt entered after the blade; fat closed over it. Since Ehud didn't draw the sword from his belly, his guts spilled out. Kunyange chibato chomunondo chakanyura chichitevera chese, ukandobuda nokumusana kwake. Ehudhi haana kuvhomora munondo, uye mafuta akaputira pamusoro pawo.
23 Ehud went out to the porch, shut the upper room's doors behind him, and locked them. Ipapo Ehudhi akabuda akaenda kubiravira; akapfiga mikova yeimba yapamusoro shure kwake akaikiya.
24 After he left, his servants found the upper room's doors locked and said, "He must be easing himself in the cool room." Mushure mokuenda kwake, varanda vakasvika vakawana mikova yeimba yapamusoro yakiyiwa. Ivo vakati, “Anofanira kunge achimbozvizorodza zvake ari mukamuri romukati reimba.”
25 They waited until embarrassed, but he still hadn't opened the upper room's doors. So they took the key, opened them, and found their lord fallen on the floor, dead. Vakarindira kusvikira vanyadziswa nazvo asi paakarega kuzarura mikova yekamuri, vakatora kiyi vakaikiyinura. Onei ipapo ishe wavo akawira pasi, afa.
26 While they delayed, Ehud escaped. He passed beyond the idols and escaped to Seirah. Vachakamirira, Ehudhi akaenda. Akapfuura napazvifananidzo akapunyuka akaenda kuSeira.
27 He arrived, blew the ram's horn in Ephraim's hills, and the Israelites came down with him from the hills, Ehud leading. Akati asvika ikoko, akaridza hwamanda ari munyika yezvikomo yaEfuremu, uye vaIsraeri vakaburuka naye vachibva kuzvikomo, iye achivatungamirira.
28 He said, "Follow me, for our Father has given your enemies Moab into your hand." They went down after him, seized the Jordan fords against Moab, and let no one cross. Akati kwavari, “Nditeverei, nokuti Jehovha aisa Moabhu muvengi wenyu, mumaoko enyu.” Saka vakaburuka vakamutevera, uye vakatora mazambuko eJorodhani okuenda kuMoabhu, vakasatendera munhu kuyambuka.
29 At that time they struck down about 10,000 Moabites, all strong, able-bodied men; not one escaped. Panguva iyoyo vakauraya zviuru zvinenge gumi zvavaMoabhu, vose vakanga vakagwinya uye vane simba; hapana akapunyuka.
30 So Moab was subdued that day under Israel's hand, and the land had rest eighty years. Zuva iroro Moabhu yakava pasi peIsraeri, uye nyika yakava norugare kwamakore makumi masere.
31 Shamgar son of Anath followed, killing 600 Philistines with an oxgoad; he saved Israel too. Shure kwaEhudhi kwakauya Shamuga mwanakomana waAnati, uyo akauraya vaFiristia mazana matanhatu norutanda rwokubaya narwo mombe. Naiyewo akaponesa Israeri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]