Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Judges 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After Joshua's death, the Israelites asked our Father, "Who will go up first for us against the Canaanites to fight them?" Mushure mokufa kwaJoshua, vaIsraeri vakabvunza Jehovha vakati, “Ndiani pakati pedu achatanga kukwidza kundorwa navaKenani?”
2 Our Father said, "Judah will go up. I have given the land into his hands." Jehovha akapindura akati, “Judha ngaaende; ndapa nyika mumaoko ake.”
3 Judah said to his brother Simeon, "Come up with me into my allotted territory, and let us fight the Canaanites; and I too will go with you into yours." So Simeon went with him. Ipapo varume veJudha vakati kuvaSimeoni hama dzavo, “Ngatiendei tose kunyika yatakagoverwa, kuti tindorwa navaKenani. Nesuwo tichaenda nemi kumugove wenyu.” Saka vaSimeoni vakaenda navo.
4 So Judah went up, and our Father gave the Canaanites and Perizzites into their hands, and they struck down 10,000 men at Bezek. Judha paakarwisa, Jehovha akaisa vaKenani navaPerizi mumaoko avo uye vakauraya varume zviuru gumi paBhezeki.
5 At Bezek they found Adoni-bezek, fought him, and struck down the Canaanites and Perizzites. Ipapo ndipo pavakawana Adhoni Bhezeki vakarwa naye.
6 Adoni-bezek fled, but they pursued him, caught him, and cut off his thumbs and big toes. Adhoni Bhezeki akatiza, asi vakamudzinganisa vakamubata, vakagura zvigunwe zvake zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvake zvikuru zvomumakumbo.
7 Adoni-bezek said, "Seventy kings with thumbs and big toes cut off used to gather scraps under my table. As I did, so God has repaid me." They brought him to Jerusalem, where he died. Ipapo Adhoni Bhezeki akati, “Madzimambo makumi manomwe, vagurwa zvigunwe zvikuru zvomumaoko nezvigunwe zvikuru zvokumakumbo, vakanonga zvimedu zvezvokudya pasi petafura yangu. Zvino Mwari anditsiva pane zvandakaita kwavari.” Vakaenda naye kuJerusarema akandofira ikoko.
8 Judah's men fought against Jerusalem, captured it, struck it with the sword, and burned the city. Varume veJudha vakarwisawo Jerusarema vakaritora. Vakakunda guta nomunondo uye vakaripisa.
9 Then Judah went down to fight the Canaanites living in the hill country, the Negev, and the western foothills. Shure kwaizvozvo, varume veJudha vakaburuka vakandorwa navaKenani vaigara munyika yezvikomo, kuNegevhi uye nomujinga mezvikomo zvokumavirira.
10 Judah advanced against the Canaanites in Hebron (formerly Kiriath-arba) and struck down Sheshai, Ahiman, and Talmai. Vakaenda vakandorwa navaKenani vaigara muHebhuroni (rainzi Kiriati Abha kare) vakakunda Sheshai, Ahimani neTarimai.
11 From there they marched against the inhabitants of Debir (the name of Debir was formerly Kiriath-sepher). Vachibva ipapo, vakaenda vakandorwa navanhu vaigara muDhebhiri (rainzi Kiriati Seferi kare.)
12 Caleb said, "Whoever attacks and captures Kiriath-sepher, I'll give him my daughter Achsah as wife." Uye Karebhu akati, “Ndichapa mwanasikana wangu Akisa kuti ave mukadzi kumurume acharwisa uye achatapa Kiriati Seferi.”
13 Othniel son of Kenaz, Caleb's younger brother, captured it, so Caleb gave him his daughter Achsah in marriage. Otinieri mwanakomana waKenazi, mununʼuna waKarebhu, akarikunda, saka Karebhu akapa mwanasikana wake Akisa kuti awanikwe naye.
14 When she came to Othniel, she urged him to ask her father for a field. As she got off her donkey, Caleb asked her, "What do you want?" Rimwe zuva akati achisvika kuna Otinieri, akamukurudzira kuti akumbire munda kuna baba vake. Akati aburuka pambongoro yake, Karebhu akamubvunza akati, “Ndingakuitireiko?”
15 She said to him, "Give me a blessing. Since you've given me the land of the Negev, give me springs of water too." So Caleb gave her the upper and lower springs. Iye akapindura akati, “Ndiitirei zvakanaka. Sezvo makandipa nyika kuNegevhi, ndipeiwo matsime emvura.” Ipapo Karebhu akamupa matsime okumusoro neezasi.
16 The Kenite's descendants, Moses' father-in-law's family, went up with Judah's people from the city of palms into Judah's wilderness in the Negev near Arad, and settled among the people. Zvizvarwa zvatezvara vaMozisi, vaKeni, vakakwidza vachibva kuGuta reMichindwe vaine varume veJudha kuti vandogara pakati pavanhu vokuGwenga reJudha riri kuNegevhi pedyo neAradhi.
17 Judah went with his brother Simeon; they struck the Canaanites living in Zephath and completely destroyed it, so the city was named Hormah. Ipapo varume veJudha vakaenda navaSimeoni hama dzavo vakandorwisa vaKenani vaigara muZefati, uye vakaparadza guta iri zvachose. Naizvozvo rakatumidzwa kuti Horima.
18 Judah also captured Gaza with its territory, Ashkelon with its territory, and Ekron with its territory. Varume veJudha vakakundazve Gaza, Ashikeroni neEkironi, guta rimwe nerimwe nenyika yaro.
19 Our Father was with Judah, who took the hill country but could not drive out the valley's people, for they had iron chariots. Jehovha akanga ana vanhu veJudha. Vakatora nyika yezvikomo kuti ive yavo, asi havana kugona kudzinga vanhu vaibva mumapani, nokuti vakanga vane ngoro dzesimbi.
20 They gave Hebron to Caleb, as Moses had promised, and he drove out Anak's three sons from there. Sokuvimbisa kwaMozisi, Hebhuroni yakapiwa kuna Karebhu, uyo akabudisa mairi vanakomana vatatu vaAnaki.
21 But Benjamin did not drive out the Jebusites in Jerusalem; so the Jebusites live with Benjamin in Jerusalem to this day. Kunyange zvakadaro, vaBhenjamini vakatadza kudzinga vaJebhusi, vaigara muJerusarema; kusvikira nhasi vaJebhusi vageremo navaBhenjamini.
22 The house of Joseph also went up against Bethel, and our Father was with them. Zvino veimba yaJosefa vakarwisa Bheteri, uye Jehovha aiva navo.
23 The house of Joseph sent men to scout out Bethel (the city was formerly named Luz). Vakati vatuma vanhu kundosora Bheteri (rainzi Ruzi kare),
24 The scouts saw a man leaving the city and told him, "Show us the way in, and we'll treat you kindly." Vasori vakaona murume achibuda muguta vakati kwaari, “Tiratidze kuti tingapinda sei muguta tigokuitira zvakanaka.”
25 So he showed them the way in, and they struck the city with the sword, but let the man and his whole family go. Saka akavaratidza, uye vakakunda guta nomunondo asi vakaponesa murume uya nemhuri yake.
26 The man went to the Hittite land, built a city, and named it Luz—its name to this day. Ipapo akaenda kunyika yavaHiti, kwaakandovaka guta akaritumidza kuti Ruzi, rinova ndiro zita raro nanhasi.
27 Manasseh did not drive out the people of Beth-shean, Taanach, Dor, Ibleam, and Megiddo, or their villages; so the Canaanites were determined to keep living in that land. Asi Manase haana kudzinga vanhu veBheti Shani kana veTanaki kana veDhori kana veIbhireami kana veMegidho uye nenzvimbo dzavo dzokugara dzakapoteredza, nokuti vaKenani vakanga vazvipira kuti vagare munyika iyoyo.
28 When Israel grew strong, they forced the Canaanites into labor, but never drove them out completely. VaIsraeri vakati vasimba vakamanikidza vaKenani kuti vashande basa rechibharo asi havana kumbovadzinga zvachose.
29 Ephraim did not drive out the Canaanites living in Gezer, so they went on living among them there. Uye Efuremu haana kudzingawo vaKenani vaigara muGeeri, asi vaKenani vakaramba vagere pakati pavo.
30 Zebulun did not drive out the people of Kitron or the people of Nahalol, so the Canaanites lived among them but became forced labor. NaZebhuruniwo haana kudzinga vaKenani vaigara muKitironi kana muNaharori, avo vakaramba vagere pakati pavo; asi vakaita kuti vaite basa rechibharo.
31 Asher did not drive out those living in Acco, Sidon, Ahlab, Achzib, Helbah, Aphik, or Rehob; Uye Asheri haanawo kudzinga vaya vaigara muAko kana veSidhoni kana Ahirabhi kana Akizibhi kana Heribha kana Afeki kana Rehobhi,
32 so the Asherites lived among the Canaanites of the land, because they did not drive them out. uye nokuda kwaizvozvo vanhu veAsheri vakagara pakati pavaKenani avo vaigara munyika.
33 Naphtali did not drive out the residents of Beth-shemesh or Beth-anath, so they lived among the Canaanites of the land; but those of Beth-shemesh and Beth-anath became their forced labor. Nafutari haana kudzinga avo vaigara muBheti Shemeshi kana muBheti Anati; asi vaNafutari vakagarawo pakati pavaKenani vaigara munyika, uye vaya vaigara muBheti Shemeshi neBheti Anati vakava vashandi vebasa rechibharo.
34 The Amorites forced the Danites into the hill country, not letting them come down to the plain. VaAmori vakasundira vaDhani kunyika yezvikomo, vakasavatendera kuburuka kuti vauye kumapani.
35 The Amorites held on to living in Mount Heres, Aijalon, and Shaalbim, but the hand of the house of Joseph pressed on them, and they were put to forced labor. Uye vaAmori vakashingirira kuti varambe vari muGomo reHeresi, Aijaroni neShaaribhimi, asi simba reimba yaJosefa rakati richiwanda, naivowo vakamanikidzwa kushanda basa rechibharo.
36 The border of the Amorites ran from the ascent of Akrabbim, from Sela on upward. Muganhu wavaAmori waibva paMupata weChinyavada uchisvika kuSera uye uchipfuurira mberi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]