Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Isaiah 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Send the lambs to the ruler of the land, from Sela by way of the wilderness, to the mountain of the daughter of Zion. Tumirai mutero wamakwayana kumutongi wenyika, kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje, kugomo roMwanasikana weZioni.
2 Like fluttering birds, like a scattered nest, so are the daughters of Moab at the fords of the Arnon. Kufanana neshiri dzadzungaira dzichisundidzirwa kubva mudendere, ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu pamazambuko eAmoni.
3 Give counsel; grant justice; make your shade like night at the height of noon. Hide the outcasts; do not betray the fugitive. “Tipeiwo zano, ruramisirai. Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku, pamasikati makuru. Viga vatizi, usapandukira vapoteri.
4 Let my outcasts dwell among you, Moab; be a shelter to them from the destroyer. When the oppressor is no more, and destruction has ceased, and the tramplers have vanished from the land, Rega vatizi veMoabhu vagare newe, iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.” Mutambudzi achasvika kumagumo, uye kuparadza kuchapera; mudenhi achatsakatika panyika.
5 then a throne will be established in covenant love, and on it will sit in faithfulness, in the tent of David, one who judges and seeks justice and is swift to do righteousness. Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa; mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi, uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira, uye achikurumidza kuita zvakarurama.
6 We have heard of Moab's pride—how very proud he is—of his arrogance, his pride, and his fury; his boasting is empty. Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu, namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake, kuzvikudza kwake nokuvirima kwake, asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.
7 Therefore let Moab wail for Moab; let everyone wail. Mourn, utterly stricken, for the raisin cakes of Kir-hareseth. Naizvozvo vaMoabhu voungudza, vanoungudzira Moabhu pamwe chete. Chemai musuwe nokuda kwavarume veKiri Hareseti.
8 For the fields of Heshbon wither, and the vine of Sibmah; the rulers of the nations have struck down its choice branches, which reached as far as Jazer and strayed into the wilderness; its shoots spread out and crossed over the sea. Minda yeHeshibhoni yaoma uye mazambiringa eSibhima aomawo. Vatongi vendudzi vatsika-tsika mizambiringa yakaisvonaka, iyo yaimbosvika kuJazeri uye yaitandira yakananga kurenje. Mabukira ayo aitandira kusvika kugungwa.
9 Therefore I weep with the weeping of Jazer for the vine of Sibmah; I drench you with my tears, Heshbon and Elealeh, for over your summer fruit and your harvest the battle shout has fallen. Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri, nokuda kwemizambiringa yeSibhima. Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare, ndichakudiridza nemisodzi! Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.
10 Joy and gladness are taken away from the fruitful field, and in the vineyards no songs are sung, no cheers are raised. No one treads out wine in the presses; I have put an end to the shouting. Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa; hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa; hapana anosvina waini pazvisviniro, nokuti ndagumisa ruzha rwacho.
11 Therefore my heart moans like a lyre for Moab, my inmost being for Kir-heres. Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira, mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.
12 And when Moab presents himself, when he wears himself out on the high place and comes to his sanctuary to pray, he will not prevail. Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira, anenge achingozvinetsa pachake; paanoenda kuimba yake kunonyengetera, zvinenge zvisina chazvinobatsira,
13 This is the word that our Father spoke concerning Moab in the past. Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.
14 But now our Father has spoken: "In three years, like the years of a hired worker, the glory of Moab will be scorned, in spite of all his great numbers; and the remnant will be very few and feeble." Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]