Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 31 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jacob heard Laban's sons say, "Jacob took all our father had; from what was our father's he made this wealth." Jakobho akanzwa kuti vanakomana vaRabhani vakanga vachiti, “Jakobho atora zvose zvaiva zvababa vedu uye awana upfumi hwose uhu kubva kune zvaiva zvababa vedu.”
2 And Jacob saw the face of Laban, and it was not toward him as before. Uye Jakobho akaona kuti ndangariro dzaRabhani kwaari dzakanga dzisisina kuita sapakutanga.
3 Then our Father told Jacob, "Return to your fathers' land and family; I will be with you." Ipapo Jehovha akati kuna Jakobho, “Dzokera kunyika yamadzibaba ako nokuhama dzako, uye ndichava newe.”
4 So Jacob sent and called Rachel and Leah to the field, to his flock. Saka Jakobho akatuma shoko kuna Rakeri naRea kuti vauye kusango kwakanga kuna makwai ake.
5 He told them, "I see your father's face isn't toward me as before, but the God of my father remained with me. Akati kwavari, “Ndinoona kuti ndangariro dzababa venyu kwandiri hadzisisina kuita sezvadzakanga dzakaita kare, asi Mwari wababa vangu aneni.
6 You know that I have served your father with all my strength. Munoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rose,
7 Your father cheated me, changing my wages ten times, but our Father wouldn't let him harm me. asi baba venyu vakandinyengera nokushandura-shandura mubayiro wangu kagumi kose. Kunyange zvakadaro hazvo, Mwari haana kuvatendera kuti vandikuvadze.
8 If he said, 'Speckled is your wage,' the whole flock bore speckled; if he said, 'Striped is your wage,' the whole flock bore striped. Pavakati, ‘Zvina mavara zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakabereka zvina mavara, uye pavakati, ‘Zvine mitsetse zvichava mubayiro wako,’ ipapo zvipfuwo zvose zvakaberekwa zvine mitsetse.
9 So our Father has taken away your father's livestock and given it to me. Saka Mwari akatora zvipfuwo zvababa venyu akazvipa kwandiri.
10 I looked up in a dream during the flock's mating season and saw the male goats mounting them were streaked, speckled, and spotted. “Panguva yokubereka kwezvipfuwo, ndakarota dzimwe hope dzokuti ndakatarira ndikaona kuti nhongo dzembudzi dzaisangana nezvipfuwo dzakanga dzine mitsetse, dzina mavara kana kuti dzina makwapa.
11 The messenger of the Father said to me in a dream, 'Jacob,' and I said, 'Here I am.' Mutumwa waMwari akati kwandiri mukurota, ‘Jakobho,’ ini ndikapindura ndikati, ‘Ndiri pano.’
12 He said, 'Look up and see: all the male goats mating with the flock are streaked, spotted, speckled—for I've seen all Laban is doing to you. Uye akati, ‘Tarira uone kuti nhongo dzose dzembudzi dzinosangana nezvipfuwo zvose dzine mitsetse, mavara kana makwapa, nokuti ndaona zvose zvakanga zvichiitwa naRabhani kwauri.
13 I am the Father of Bethel, where you anointed a pillar and vowed to me. Now get up, leave this land, and return to your kindred's land.'" Ndini Mwari weBheteri, kuya kwawakazodza mbiru uye kwawakaita mhiko neni. Zvino kurumidza ubve munyika ino udzokere kunyika kwawakazvarirwa.’ ”
14 Rachel and Leah answered, "Do we still have any share or inheritance in our father's house? Ipapo Rakeri naRea vakati, “Ko, tichine mugove munhaka yababa vedu here?
15 Doesn't he count us as foreigners? He sold us and has completely consumed our money too. Ko, havationi savatorwa here? Havana kungotitengesa chete, asi vakashandisa mutengo wedu wose.
16 Everything our Father took from Laban is ours and our children's. Now do all our Father told you." Zvirokwazvo pfuma yose yakatorwa naMwari kubva kuna baba vedu ndeyedu nevana vedu. Saka ita zvose zvaunoudzwa naMwari.”
17 So Jacob arose and set his sons and his wives on the camels. Ipapo Jakobho akaisa vana vake navakadzi vake pangamera,
18 He took all his livestock and all his property he had acquired, the livestock acquired in Paddan-aram, to go to Isaac his father in the land of Canaan. uye akatinha zvipfuwo zvose pamwe chete nepfuma yose yaakanga aunganidza muPadhani Aramu, kuti aende kuna baba vake Isaka kunyika yeKenani.
19 Laban went to shear his sheep, and Rachel stole her father's household gods. Rabhani akati aenda kundoveura makwai ake, Rakeri akaba vamwari vomumba mababa vake.
20 And Jacob deceived Laban the Aramean by not telling him that he was fleeing. Pamusoro paizvozvo, Jakobho akanyengera Rabhani muAramu nokusamuudza kuti ava kuenda.
21 He fled with all he had, rose, crossed the Euphrates, and set his face toward Gilead's hill country. Saka akatiza nezvose zvaakanga anazvo, akayambuka Rwizi akananga kunyika yezvikomo yeGireadhi.
22 On the third day Laban was told that Jacob had fled. Pazuva rechitatu Rabhani akazoudzwa kuti Jakobho akanga atiza.
23 He took his relatives, chased him seven days, and caught him in Gilead's hill country. Akatora hama dzake, akatevera Jakobho kwamazuva manomwe uye vakamubatira munyika yezvikomo yeGireadhi.
24 But our Father came to Laban the Aramean in a night dream and said, "Guard against speaking with Jacob, good or bad." Ipapo Mwari akasvika kuna Rabhani muAramu mukurota usiku uye akati kwaari, “Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.”
25 Laban caught Jacob, who had pitched his tent in the hills; Laban and his relatives pitched against him in Gilead's hills. Jakobho akanga adzika tende rake munyika yezvikomo yeGireadhi paakabatwa naRabhani, uye Rabhani nehama dzake vakadzikawo musasa ipapo.
26 Laban said to Jacob, "What have you done? You tricked me and drove my daughters like war captives. Ipapo Rabhani akati kuna Jakobho, “Waiteiko? Wandinyengera, uye watakura vanasikana vangu senhapwa muhondo.
27 Why sneak off and deceive me, not telling me? I'd have sent you off with joy, songs, tambourine, lyre. Ko, watizirei muchivande uye ukandinyengera? Seiko usina kundiudza, kuitira kuti ndaidai ndakuendesa nomufaro uye kuchiimbwa nziyo nokuridzwa matambureni norudimbwa?
28 Why didn't you let me kiss my sons and daughters goodbye? Now you've acted foolishly. Hauna kunditendera kutsvoda vazukuru vangu kana kuonekana navanasikana vangu. Waita zvoupenzi.
29 I have power to harm you, but your father's God told me last night: 'Watch yourself—say nothing to Jacob, good or bad.' Ndine simba rokukukuvadza; asi usiku Mwari wababa vako ati kwandiri, ‘Chenjera kuti urege kutaura chinhu chipi zvacho kuna Jakobho, chakanaka kana chakaipa.’
30 Now you've truly gone because you longed greatly for your father's house—so why steal my gods?" Zvino wakada kuenda nokuda kwokushuva kudzokera kuimba yababa vako. Asi wakabireiko vamwari vangu?”
31 Jacob answered Laban, "I was afraid, for I thought you'd seize your daughters from me. Jakobho akapindura Rabhani akati, “Ndakanga ndichitya, nokuti ndakafunga kuti maizonditorera vanasikana venyu nechisimba.
32 Whoever you find with your gods dies. Point out what's yours before our relatives, take it." Jacob didn't know Rachel had stolen them. Asi kana mukawana munhu upi zvake anenge ana vamwari venyu, iyeye haafaniri kurarama. Pamberi pehama dzedu zvionerei pachenyu kana pane chinhu chenyu pano neni; uye kana zvakadaro, muchitore henyu.” Zvino Jakobho akanga asingazivi kuti Rakeri akanga aba vamwari vacho.
33 Laban searched Jacob's tent, Leah's tent, and the two servants' tent, found nothing, left Leah's, and entered Rachel's tent. Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nomutende raRea uye nomumatende maviri avarandakadzi, asi haana kuwana chinhu. Mushure mokubuda kwake mutende raRea, akapinda mutende raRakeri.
34 Rachel had taken the household idols, put them in the camel's saddle, and sat on them. Laban searched the whole tent but found nothing. Zvino Rakeri akanga atora vamwari vomuimba yababa vake akavaisa pasi pechigaro chengamera yake uye akanga agere pamusoro pazvo. Rabhani akatsvaka pakati pezvinhu zvose mutende asi haana kuwana chinhu.
35 She told her father, "Don't be angry, my lord—I can't rise for you; I'm on my period." He searched but never found the household gods. Rakeri akati kuna baba vake, “Regai henyu kutsamwa, ishe wangu, kuti handigoni kusimuka pamberi penyu; ndiri pamutowo wavakadzi.” Saka akatsvaka asi haana kuwana vamwari veimba yake.
36 Jacob got angry and quarreled with Laban. Jacob answered Laban, "What's my crime? What's my sin, that you've chased me down? Jakobho akatsamwa uye akapopotera Rabhani akati, “Mhaka yangu ndeyeiko? Chivi chandakaita ndecheiko zvamandivhima mukadai?
37 You've searched all my goods—what did you find from your household? Put it here before my relatives and yours; let them decide between us both. Zvino zvamatsvaka pakati penhumbi dzangu dzose, chiiko chamawana chokumba kwenyu? Chiisei pano pamberi pehama dzenyu, uye ngavatonge pakati pedu isu vaviri.
38 Twenty years I've been with you: your ewes and female goats haven't miscarried, and I haven't eaten rams from your flock. “Ndakanga ndinemi makore makumi maviri aya. Makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kusvodza, uye handina kudya makondobwe amakwai enyu.
39 Torn animals I never brought to you; I bore the loss myself. You demanded it from my hand, stolen by day, stolen by night. Handina kuuya kwamuri nezvipfuwo zvakabvamburwa nezvikara zvesango; ndakatakura mutoro wacho pachangu. Uye makareva muripo kubva kwandiri pane zvose zvakabiwa masikati kana usiku.
40 There I was: by day heat consumed me, and cold by night, and sleep fled from my eyes. Aya ndiwo aiva magariro angu: Ndakapiswa nezuva masikati uye nechando usiku, uye hope dzakatiza mumaziso angu.
41 Twenty years in your house—fourteen serving for your two daughters, six for your flock—and you changed my wages ten times. Zvakanga zvakaita saizvozvi kwamakore gumi namana nokuda kwavanasikana venyu vaviri ava nemakore matanhatu nokuda kwezvipfuwo zvenyu, uye makashandura mubayiro wangu kagumi.
42 Had the God of my father, the God of Abraham, and the Fear of Isaac not been with me, you'd surely have sent me away empty-handed now. Our Father saw my suffering and my hands' labor, and warned you last night." Dai Mwari wababa vangu, iye Mwari waAbhurahama uye aityiwa naIsaka, akanga asineni, zvirokwazvo mungadai makandiendesa ndisina chinhu. Asi Mwari akaona kutambudzika kwangu nokubata kwamaoko angu, uye usiku akakutsiurai.”
43 Laban answered Jacob, "The daughters are mine, the children are mine, the flocks are mine—everything you see is mine. But what can I do today for my daughters, or for the children they bore? Rabhani akapindura Jakobho akati, “Madzimai aya vanasikana vangu, uye vana ava vana vangu, uye zvipfuwo izvi ndezvangu. Zvose zvaunoona ndezvangu. Asi ndichaiteiko nhasi pamusoro pavanasikana vangu ava, kana pamusoro pavana vavakabereka?
44 Come, let's make a covenant, you and I; let it be a witness between you and me." Uya zvino, ngatiite sungano, iwe neni, uye ngaive chapupu pakati pedu.”
45 So Jacob took a stone and set it up as a pillar. Saka Jakobho akatora ibwe akarimisa sembiru.
46 Jacob told his kin, "Gather stones." They took stones, piled a heap, and ate there by the heap. Akati kuhama dzake, “Unganidzai mamwe mabwe.” Saka vakatora mabwe vakaaunganidza vakaita murwi, uye vakadya ipapo pamurwi.
47 Laban called it Jegar-sahadutha, but Jacob called it Galeed. Rabhani akautumidza zita rokuti Jegari Sahadhuta, uye Jakobho akautumidza kuti Gareedhi.
48 Laban said, "This heap is a witness between you and me today." Therefore he named it Galeed, Rabhani akati, “Murwi uyu ndiwo uchapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakanzi Gareedhi.
49 and Mizpah, for he said, "God watch between me and you when we're apart. Wakanga uchinziwo Mizipa, nokuti akati, “Jehovha ngaachengete iwe neni patinenge tiri kure nokure.
50 If you mistreat my daughters or take wives besides them, though no one else is here, God witnesses between you and me." Kana ukabata vanasikana vangu zvakaipa kana kutora vamwe vakadzi kunze kwevanasikana vangu, kunyange dai mumwe munhu akasava nesu, rangarira kuti Mwari ndiye chapupu pakati pako neni.”
51 Laban said to Jacob, "Look at this heap and this pillar I've set between you and me. Rabhani akatiwo kuna Jakobho, “Hoyu murwi uyu, uye heyi mbiru yandamisa iyi pakati pako neni.
52 This mound witnesses, this pillar witnesses: I won't cross this mound to you, and you won't cross this mound and pillar to me, for harm. Murwi uyu ndiwo chapupu uye mbiru iyi ndiyo chapupu, kuti handizopfuuri murwi uno ndichiuya kwauri kuti ndizokukuvadza uye kuti iwe hauzopfuuri murwi uno nembiru uchiuya kurutivi rwangu kuti uzondikuvadza.
53 God of Abraham and God of Nahor, the God of their father, judge between us." So Jacob swore by the Fear of his father Isaac. Mwari waAbhurahama naMwari waNahori, iye Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Saka Jakobho akaita mhiko muzita raiye aityiwa nababa vake Isaka.
54 Jacob sacrificed on the mountain, called his relatives to eat bread; they ate bread and spent the night on the mountain. Akapa chibayiro imomo munyika yezvikomo uye akakoka hama dzake kuti dzizodya. Mushure mokudya vakavatapo usiku ihwohwo.
55 Laban rose early, kissed his grandchildren and daughters, blessed them, left, and returned home. Mangwanani akatevera Rabhani akatsvoda vazukuru vake navanasikana vake uye akavaropafadza. Ipapo akabva akadzokera kumusha kwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]