Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 30 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Rachel saw that she bore Jacob no children, Rachel envied her sister. She said to Jacob, "Give me children, or I will die!" Rakeri akati aona kuti akanga asingaberekeri Jakobho vana, akaitira mukoma wake godo. Saka akati kuna Jakobho, “Ndipe vana, kana zvikasadaro ndichafa!”
2 Jacob was furious with Rachel. He said, "Am I in our Father's place, who has withheld from you the fruit of the womb?" Jakobho akamutsamwira akati, “Ko, ini ndiri panzvimbo yaMwari here akakuita kuti urege kuva nevana?”
3 She said, "Here is my servant Bilhah. Go in to her, that she may bear children for me, and through her I too may build a family." Ipapo akati, “Hoyu Bhiriha, murandakadzi wangu. Vata naye kuitira kuti andiberekere vana uye kuti kubudikidza naye neni ndigovawo nemhuri.”
4 So she gave him Bilhah her servant as a wife, and Jacob was intimate with her. Saka akamupa murandakadzi wake Bhiriha kuti ave mukadzi wake. Jakobho akavata naye,
5 Bilhah conceived and bore Jacob a son. akava nemimba akamuberekera mwanakomana.
6 Then Rachel said, "Our Father has judged me; he has also heard my voice and given me a son." Therefore she named him Dan. Ipapo Rakeri akati, “Mwari andiruramisira; iye akanzwa mukumbiro wangu uye akandipa mwanakomana.” Nokuda kwaizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani.
7 Bilhah, Rachel's servant, conceived again and bore Jacob a second son. Bhiriha murandakadzi waRakeri akavazve nemimba uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
8 Rachel said, "I have wrestled fiercely with my sister, and I have won." So she named him Naphtali. Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Saka akamutumidza zita rokuti Nafutari.
9 When Leah saw that she had stopped bearing children, she took Zilpah her servant and gave her to Jacob as a wife. Rea akati aona kuti aguma kubereka vana, akatora murandakadzi wake Ziripa akamupa kuna Jakobho somukadzi wake.
10 Then Leah's servant Zilpah bore Jacob a son. Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana.
11 Leah said, "Good fortune!" So she named him Gad. Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi.
12 Leah's servant Zilpah bore Jacob a second son. Ziripa murandakadzi waRea akaberekera Jakobho mwanakomana wechipiri.
13 Leah said, "How happy I am! For women will call me happy." So she named him Asher. Ipapo Rea akati, “Mufaroi wandinawo! Vakadzi vachati mufaro kwandiri.” Saka akamutumidza zita rokuti Asheri.
14 In the days of wheat harvest Reuben went out and found mandrakes in the field and brought them to his mother Leah. Then Rachel said to Leah, "Please give me some of your son's mandrakes." Panguva yokuchekwa kwegorosi, Rubheni akabuda akaenda musango akandowana mamandiraki, akauya nawo kuna mai vake Rea, Rakeri akati kuna Rea, “Ndapota dondipawo mamwe mamandiraki omwanakomana wako.”
15 But Leah replied, "Wasn't it enough to take my husband? Now you'd take my son's mandrakes too?" Rachel said, "Fine—he can sleep with you tonight for your son's mandrakes." Asi iye akati kwaari, “Ko, hazvina kuringana here kuti wakanditorera murume wangu? Uchada kutorazve mamandiraki omwanakomana wangu here?” Rakeri akati, “Zvakanaka, ngaavate newe usiku huno nokuda kwamamandiraki omwanakomana wako.”
16 When Jacob came from the field in the evening, Leah went out to meet him and said, "You must sleep with me, for I have indeed hired you with my son's mandrakes." So he was intimate with her that night. Saka Jakobho akati achisvika kubva kusango manheru iwayo, Rea akabuda kundomuchingamidza. Akati kwaari, “Unofanira kuvata neni iwe. Ndakutenga nemamandiraki omwanakomana wangu.” Saka akavata naye usiku ihwohwo.
17 And our Father listened to Leah, and she conceived and bore Jacob a fifth son. Mwari akanzwa Rea, uye akava nemimba akaberekera Jakobho mwanakomana wechishanu.
18 Leah said, "Our Father has given me my wages because I gave my servant to my husband." So she named him Issachar. Ipapo Rea akati, “Mwari akandipa mubayiro nokuda kwokupa murandakadzi wangu kumurume wangu.” Saka akamutumidza zita rokuti Isakari.
19 Leah conceived again and bore Jacob a sixth son. Rea akabatazve pamuviri uye akaberekera Jakobho mwanakomana wechitanhatu.
20 Then Leah said, "Our Father has endowed me with a good gift. Now my husband will honor me, because I have borne him six sons." So she named him Zebulun. Ipapo Rea akati, “Mwari andipa chipo chinokosha. Nguva ino murume wangu achandikudza, nokuti ndamuberekera vanakomana vatanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.
21 Afterward she bore a daughter and named her Dinah. Shure kwaizvozvo akazobereka mwanasikana uye akamutumidza zita rokuti Dhaina.
22 Then our Father remembered Rachel; he listened to her and opened her womb. Ipapo Mwari akarangarira Rakeri; akamunzwa uye akazarura chizvaro chake.
23 She conceived and bore a son, and said, "Our Father has taken away my disgrace." Akava nemimba akabereka mwanakomana uye akati, “Mwari abvisa kunyadziswa kwangu.”
24 She named him Joseph, saying, "May our Father add to me another son." Akamutumidza zita rokuti Josefa, uye akati, “Mwari ngaandiwedzere mumwe mwanakomana.”
25 As soon as Rachel had borne Joseph, Jacob said to Laban, "Let me go back to my own home and country. Shure kwokuberekwa kwaJosefa naRakeri, Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndiregei ndiende kunyika yokwangu.
26 Give me my wives and my children for whom I have served you, and let me go. You know the service I have given you." Ndipei vakadzi vangu navana, avo vandakakushandirai kuti ndigowana, uye ndigoenda. Munoziva kuti ndakakushandirai sei.”
27 But Laban said to him, "If I have found favor in your eyes—I have learned by divination that God has blessed me because of you." Asi Rabhani akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi pako, ndapota hangu imbogara. Ndakaona nokuvuka kuti Jehovha akandiropafadza nokuda kwako.”
28 He said, "Name your wages, and I will give it." Akatizve, “Reva muripo wako, uye ndichakuripa.”
29 Jacob said to him, "You yourself know how I have served you, and how well your livestock has done under my care. Jakobho akati kwaari, “Munoziva kuti ndakakushandirai sei uye kuti zvipfuwo zvenyu ndakazvichengeta sei.
30 For you had little before I came, and it has increased greatly; our Father has blessed you wherever I turned. But now, when will I provide for my own household also?" Zvishoma zvamaiva nazvo kare ndisati ndauya zvawanda, uye Jehovha akakuropafadzai kwose kwandakanga ndiri. Asi zvino, ndichaitirawo mhuri yangu chinhu riniko?”
31 He asked, "What should I give you?" Jacob replied, "Give me nothing. If you'll do this one thing for me, I'll go back to grazing and guarding your flock. Akamubvunza akati, “Ndokupeiko?” Jakobho akati, “Musandipa chinhu. Asi kana mukandiitira chinhu chimwe chete ichi, ndicharamba ndichifudza makwai enyu uye ndichaachengeta:
32 Let me pass through all your flock today, removing from it every speckled and spotted sheep and every black lamb, and the spotted and speckled among the goats, and that will be my wages. Regai ndifambe pakati pezvipfuwo zvenyu zvose nhasi nditsaure pakati pazvo zvose zvina mavara namakwai ana makwapa, gwayana dema rimwe nerimwe nembudzi imwe neimwe ina mavara kana ina makwapa. Ndizvo zvichava mubayiro wangu.
33 So my honesty will testify for me later, when you come to look into my wages. Every one that is not speckled and spotted among the goats and black among the lambs, if found with me, will be counted stolen." Uye kutendeka kwangu kuchandipupurira pane ramangwana rangu, pose pamunenge muchizoona mubayiro wangu wamakandipa. Mbudzi ipi zvayo yandinayo inenge isina mavara kana gwapa, kana gwayana ripi zvaro rinenge risina kusviba, zvichanzi zvakabiwa.”
34 Laban said, "Good! Let it be as you have said." Rabhani akati, “Ndizvozvo. Ngazvive sezvawataura.”
35 That day Laban removed the striped and spotted male goats, all the speckled and spotted female goats—each with white on it—and every dark lamb, handing them to his sons. Musi wacho iwoyo akatsaura nhongo dzose dzembudzi dzakanga dzine mitsetse kana dzaiva namakwapa, nenhunzvi dzose dzembudzi (dzose dzakanga dzine zvichena padziri) namakwayana matema ose, akazvichengetesa navanakomana vake.
36 He set a distance of three days' journey between himself and Jacob, and Jacob pastured the rest of Laban's flock. Ipapo akaisa nhambwe yorwendo rwamazuva matatu pakati pake naJakobho, asi Jakobho akaramba achifudza makwai akanga asara aRabhani.
37 Then Jacob took fresh branches from poplar, almond, and plane trees, and peeled white streaks in them, exposing the white of the wood. Kunyange zvakadaro, Jakobho akatora matavi akatemwa kubva pamupopura, muarimondi nomuti womupureni uye akasvuura mitsetse michena pairi achibvisa gwati kuti kuchena kwedanda kwomukati kuonekwe.
38 He placed the peeled branches in the watering troughs in front of the flocks—the places where they came to drink. And since they bred when they came to drink, Ipapo akaisa matanda ose akasvuurwa muzvinwiro zvose, kuitira kuti ave mberi kwezvipfuwo pazvainge zvauya kuzonwa. Zvipfuwo zvapfumvura zvaiti pazvinenge zvauya kuzonwa mvura,
39 the flocks bred in front of the sticks and so brought forth striped, speckled, and spotted young. zvaisangana pamberi pamatanda. Uye zvaibereka vana vane mitsetse kana vane mavara kana makwapa.
40 Jacob separated the lambs and turned the flock to face the striped animals and all the black ones in Laban's flock. He kept his own flocks apart and did not mix them with Laban's flock. Jakobho aitsaura mbudzana kana makwayana oga, asi aiita kuti akasara atarisane nezvipfuwo zvine mitsetse nezvipfuwo zvitema zvakanga zviri zvaRabhani. Nokudaro akaparadzanisa zvipfuwo zvake nezvaRabhani.
41 Whenever the stronger animals were breeding, Jacob would place the branches in the troughs in sight of the flock, so they would breed among the branches, Pose painge nhunzvi dzezvipfuwo zvine simba zvapfumvura, Jakobho aiisa matanda muzvinwiro pamberi pezvipfuwo kuitira kuti zvisangane pedyo namatanda,
42 but for the weaker animals he would not lay them there. So the weaker animals went to Laban, and the stronger ones to Jacob. asi kana zvipfuwo zvisina simba, aisaisa matanda ipapo. Saka zvipfuwo zvisina simba zvakaenda kuna Rabhani uye zvine simba zvikaenda kuna Jakobho.
43 So the man became exceedingly rich and had large flocks, female servants and male servants, and camels and donkeys. Nenzira iyi murume uyu akapfuma kwazvo uye akava namapoka akawanda amakwai, navarandakadzi navarandarume, uye ngamera nembongoro.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]