Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 29 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Jacob continued on his journey and came to the land of the eastern peoples. Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva.
2 He saw a well in the field, with three flocks lying beside it, since that well watered the flocks, and a large stone lay over its mouth. Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru.
3 There all the flocks would gather; shepherds rolled the stone off the well's mouth, watered the sheep, then returned the stone to its place over the well's mouth. Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime.
4 Jacob said to them, "My brothers, where are you from?" "We are from Haran," they replied. Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.”
5 He asked them, "Do you know Laban, the son of Nahor?" "We know him," they answered. Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.”
6 Then he asked, "Is he well?" "He is well," they said. "Look—his daughter Rachel comes with the sheep." Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.”
7 "Look," Jacob said, "the day is still high, too soon to gather the herds. Water the sheep, then go graze them." Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”
8 "We can't," they said, "until all the flocks gather and the stone is rolled off the well's mouth. Then we'll water the sheep." Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”
9 While Jacob was still speaking with them, Rachel came with her father's flock, for she tended it. Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi.
10 When Jacob saw Rachel, daughter of Laban his mother's brother, and sheep of Laban his mother's brother, he approached, rolled the stone from the well's mouth, and watered the sheep of Laban his mother's brother. Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake.
11 Then Jacob kissed Rachel and wept aloud. Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri akachema zvikuru.
12 Jacob told Rachel he was her father's relative, Rebekah's son. She ran and told her father. Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake.
13 As soon as Laban heard the news about Jacob his sister's son, he ran to meet him, hugged and kissed him, and brought him home. Jacob told Laban everything that had happened. Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi.
14 Laban said to him, "You are indeed my bone and flesh." So Jacob stayed with him a full month. Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.” Shure kwokugara kwake naye mwedzi wose,
15 Laban said to Jacob, "Should you serve me for free just because you're my relative? Tell me—what should your wages be?" Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?”
16 Now Laban had two daughters. The older was named Leah, and the younger was named Rachel. Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri.
17 Leah's eyes were dull, but Rachel was lovely in form and beautiful to look at. Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.
18 Jacob loved Rachel and said, "I'll serve you seven years for your younger daughter Rachel." Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
19 Laban said, "Better that I give her to you than to another man. Stay here with me." Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.”
20 Jacob served seven years for Rachel; they felt like only a few days because he loved her. Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
21 Jacob said to Laban, "Give me my wife—my time is complete—so I can go in to her." Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.”
22 So Laban gathered together all the men of the place and made a feast. Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo.
23 That evening he brought his daughter Leah to Jacob, and he was intimate with her. Asi akati ava madekwana, akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, Jakobho akavata naye.
24 And Laban gave his servant Zilpah to his daughter Leah as her servant. Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake.
25 In the morning—it was Leah! Jacob said to Laban, "What have you done to me? Didn't I serve you for Rachel? Why did you deceive me?" Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, hazvisirizvo here? Seiko mandinyengera?”
26 Laban replied, "It's not the custom here to give the younger before the firstborn. Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa.
27 Finish this one's bridal week, then we'll give you the other too—for another seven years of work." Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.”
28 Jacob did this, completed her week, and Laban gave him his daughter Rachel as his wife. Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake.
29 And Laban gave his servant Bilhah to his daughter Rachel as her servant. Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake.
30 Jacob slept with Rachel too, and loved her more than Leah. He served Laban seven more years. Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe.
31 When our Father saw that Leah was unloved, he opened her womb; but Rachel was barren. Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki.
32 Leah conceived and bore a son, and named him Reuben, for she said, "Our Father has seen my suffering; surely now my husband will love me." Rea akava nemimba akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.”
33 She conceived again, bore a son, and said, "Because our Father heard I was unloved, he gave me this one too." So she named him Simeon. Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni.
34 She conceived again and bore a son, and said, "This time my husband will be joined to me, since I have borne him three sons." So he was named Levi. Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi.
35 She conceived again and bore a son, and said, "This time I will praise our Father." So she named him Judah. Then she stopped bearing children. Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]