Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 28 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Isaac called Jacob, blessed him, and commanded him: "Take no wife from Canaan's daughters. Saka Isaka akadana Jakobho akamuropafadza uye akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani.
2 Go to Paddan-aram, to Bethuel's house, your mother's father, and take a wife there from Laban's daughters, your mother's brother. Kurumidza uende kuPadhani Aramu kuimba yaBhetueri baba vamai vako. Uzvitorere mukadzi ikoko, kubva pakati pavanasikana vaRabhani, hanzvadzi yamai vako.
3 May El Shaddai—your Father Almighty—bless you, make you fruitful, multiply you, so you become a company of peoples. Mwari Wamasimba Ose ngaakuropafadze uye aite kuti ubereke uye akuitei vazhinji kusvikira mava marudzi mazhinji.
4 May he give you and your offspring with you the blessing of Abraham, that you may inherit the land where you live as a foreigner, which our Father gave to Abraham." Ngaakupe iwe nezvizvarwa zvako maropafadzo akapiwa kuna Abhurahama, kuitira kuti utore nyika yaugere zvino somutorwa, nyika yakapiwa Abhurahama naMwari.”
5 Isaac sent Jacob away; he went to Paddan-aram, to Laban son of Bethuel the Aramean, brother of Rebekah, mother of Jacob and Esau. Ipapo Isaka akaendesa Jakobho, uye akaenda kuPadhani Aramu, kuna Rabhani mwanakomana waBhetueri muAramu, hanzvadzi yaRabheka, akanga ari mai vaJakobho naEsau.
6 Esau discovered that Isaac had blessed Jacob and sent him to Paddan-aram to take a wife from there, charging him as he blessed him, "Do not take a wife from Canaanite women," Zvino Esau akaziva kuti Isaka akanga aropafadza Jakobho uye kuti akanga amuendesa kuPadhani Aramu kuti andotora mukadzi ikoko, uye kuti paakamuropafadza akamurayira achiti, “Usawana mukadzi muKenani,”
7 and that Jacob had obeyed his father and his mother and had gone to Paddan-aram. uye kuti Jakobho akateerera baba namai vake akaenda kuPadhani Aramu.
8 So Esau saw that the daughters of Canaan were displeasing to his father Isaac. Ipapo Esau akaziva kuti vakadzi veKenani vakanga vasingafadzi sei Isaka baba vake;
9 So Esau went to Ishmael and took Mahalath, daughter of Ishmael son of Abraham and sister of Nebaioth, as a wife besides his other wives. saka akaenda kuna Ishumaeri akandowana Maharati, hanzvadzi yaNebhayoti mwanasikana waIshumaeri mwanakomana waAbhurahama, kuwedzera pavakadzi vaakanga atova navo kare.
10 Jacob left Beersheba and set out toward Haran. Jakobho akabva paBheerishebha akaenda kuHarani.
11 He reached a place and stayed the night, for the sun set. He took one of the stones of the place, put it under his head, and lay down in that place to sleep. Akati asvika pane imwe nzvimbo, akavata ipapo usiku nokuti zuva rakanga ravira. Akatora rimwe ramatombo ipapo, akaritsamira akavata.
12 He dreamed: there was a stairway set up on the earth, its top reaching heaven, and there were angels of our Father ascending and descending on it. Akarota achiona manera amire panyika, uye musoro wawo uchisvika kudenga, uye vatumwa vaMwari vaikwidza nokudzika nawo.
13 And there above it stood our Father, who said, "I am your Father, the God of Abraham your father and of Isaac. I'll give you and your offspring the land you're lying on. Pamusoro pawo ipapo pakanga pamire Jehovha, uye akati, “Ndini Jehovha, Mwari wababa vako Abhurahama naMwari waIsaka. Ndichakupa iwe nezvizvarwa zvako nyika yauvete pairi.
14 Your offspring will be like the dust of the earth; you will spread west, east, north, and south. In you and in your offspring, all the families of the earth will be blessed. Zvizvarwa zvako zvichaita seguruva renyika, uye muchapararira kubva kumavirira kusvikira kumabvazuva, kumusoro nezasi. Marudzi ose apanyika acharopafadzwa kubudikidza navana vako.
15 Know this: I'm with you. I'll guard you wherever you go and bring you back to this land. I won't leave you until I've done what I promised you." Ndinewe uye ndichakuchengeta kwose kwaunoenda, uye ndichakudzosazve munyika ino. Handingakusiyi kusvikira ndaita zvandakavimbisa.”
16 Jacob awoke from his sleep and said, "Surely our Father is in this place, and I didn't know!" Jakobho akati apepuka pahope, akafunga akati, “Zvirokwazvo Jehovha ari panzvimbo ino, uye ndanga ndisingazvizivi.”
17 He was afraid and said, "How awesome is this place! This is none other than the house of our Father, and this is heaven's gate." Akanga achitya uye akati, “Nzvimbo ino inotyisa sei! Iyi imba chaiyo yaMwari; iri ndiro suo rokudenga.”
18 Jacob got up early, took the stone he'd put under his head, set it up as a pillar, and poured oil on top of it. Mangwanani akatevera Jakobho akatora dombo raakanga akatsamira akarimisa sembiru akadururira mafuta pamusoro paro.
19 He named that place Bethel, though Luz had been the city's previous name. Akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bheteri, kunyange zvazvo guta iro raimbonzi Ruzi.
20 Jacob vowed, "If God is with me and guards me on this journey I'm taking, gives me bread to eat and clothing to wear, Ipapo Jakobho akaita mhiko, akati, “Kana Mwari akava neni uye akandichengeta parwendo urwu rwandiri kufamba uye akandipa zvokudya kuti ndidye nenguo dzokupfeka
21 and I return safely to my father's house, then our Father will be my Father, uye ndikadzoka zvakanaka kuimba yababa vangu, ipapo Jehovha achava Mwari wangu,
22 and this stone I've set up as a pillar will be the house of our Father, and of all you give me, I will surely bring you a tenth." uye dombo iri randamisa sembiru richava imba yaMwari, uye pane zvose zvamuchandipa ndichakupai chegumi.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]