Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 32 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Jacob went on his way, and the angels of our Father met him. Jakobho akaendawo nenzira yake, uye vatumwa vaMwari vakasangana naye.
2 Jacob saw them and said, "This is our Father's camp!" He named that place Mahanaim. Jakobho akati achivaona, akati, “Uyu ndiwo musasa waMwari!” Saka akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Mahanaimi.
3 Jacob sent messengers ahead of him to Esau his brother in the land of Seir, the territory of Edom. Jakobho akatuma nhume mberi kwake kumukoma wake Esau munyika yeSeiri, iyo nyika yeEdhomu.
4 He ordered them, "Tell my lord Esau: your servant Jacob says, I've lived with Laban and stayed until now. Akavarayira akati, “Izvi ndizvo zvamunofanira kutaura kuna tenzi wangu Esau kuti: ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, Ndakanga ndichigara naRabhani uye ndakagarako kusvikira zvino.
5 I own oxen, donkeys, flocks, and servants—male and female. I've sent to inform my lord, to find favor in your eyes." Ndine mombe nembongoro, makwai nembudzi, varandarume navarandakadzi. Zvino ndiri kutuma shoko iri kuna she wangu, kuti ndiwane nyasha pamberi penyu.’ ”
6 The messengers returned to Jacob: "We went to your brother Esau—he's coming to meet you, 400 men with him." Nhume dzakati dzadzoka kuna Jakobho, dzakati kwaari, “Takaenda kumukoma wenyu Esau, uye ari kuuya zvino kuzosangana nemi, uye ana varume mazana mana.”
7 Jacob was very afraid and distressed. He split the people with him, and the flocks, herds, and camels, into two camps, Ipapo Jakobho akatya zvikuru uye akatambudzika, akaparadzanisa vanhu vaakanga anavo mumapoka maviri, uye makwai nemombe nengamerawo.
8 thinking, "If Esau reaches one camp and attacks it, the remaining camp will escape." Akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
9 Then Jacob said, "God of my father Abraham and God of my father Isaac, my Father, who said to me, 'Return to your land and family, so I may treat you well,' Ipapo Jakobho akanyengetera akati, “Haiwa Mwari wababa vangu Abhurahama, Mwari wababa vangu Isaka, imi Jehovha makati kwandiri, ‘Dzokera kunyika yokwako nokuhama dzako, uye ndichaita kuti ubudirire,’
10 I am too small for the least of all the covenant love and faithfulness you have shown your servant, for I crossed this Jordan with only my staff, and now I have become two camps. ini handina kufanirwa nenyasha dzenyu dzose idzi uye nokutendeka kwamakaratidza muranda wenyu. Ndakanga ndichingova netsvimbo yangu bedzi pandakayambuka Jorodhani urwu, asi zvino ndava mapoka maviri.
11 Rescue me, please, from my brother's hand, from Esau's hand—I fear him: he may come and strike me down, mothers with children. Ndinokumbira kuti mundiponese kubva muruoko rwomukoma wangu Esau, nokuti ndinotya kuti achasvika akandiuraya, uyewo madzimai aya navana vavo.
12 But you said, 'I will surely be good to you and make your descendants like the sand of the sea, too many to count.'" Asi imi makati, ‘Zvirokwazvo ndichaita kuti ubudirire uye kuti zvizvarwa zvako zvive sejecha regungwa, risingagoni kuverengwa.’ ”
13 He stayed there that night, then took a gift for his brother Esau from what he had: Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti:
14 200 female goats and twenty male goats, 200 ewes and twenty rams, mazana maviri enhunzvi dzemakwai namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondobwe makumi maviri,
15 thirty nursing camels with their young, forty cows, ten bulls, twenty female donkeys, ten male donkeys. ngamera hadzi, makumi matatu navana vadzo, mhou dzemombe makumi mana nehando gumi, mbongoro hadzi makumi maviri uye nehono gumi.
16 He gave them to his servants, drove by drove, separately, and told his servants, "Pass ahead of me, and leave space between drove and drove." Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.”
17 He ordered the first, "When Esau my brother meets you and asks you, 'Whose are you? Where are you going? Whose are these ahead of you?' Akarayira uya akanga achitungamirira akati, “Mukoma wangu Esau paanosangana nemi uye akakubvunza achiti, ‘Uri waaniko iwe, uye uri kuendepi, uye pfuma yose iri mberi kwako ndeyani?’
18 then say, 'They're your servant Jacob's, a gift sent to my lord Esau. Look, he himself is behind us.'" ipapo iwe unofanira kupindura uchiti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho. Izvi zvipo zvatumirwa kuna she wangu Esau, uye iye ari kutevera mumashure medu.’ ”
19 He also commanded the second, the third, and all who followed the herds, "Say the same to Esau when you find him, Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye.
20 and you will say, 'Also, your servant Jacob is behind us.'" For he thought, "I will appease him with the gift ahead of me, then see his face; perhaps he'll accept me." Uye murangarire kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kuuya mumashure medu.’ ” Nokuti akafunga akati, “Ndamunyaradza nezvipo zvandiri kumutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.”
21 So the gift passed on ahead of him, and he himself stayed that night in the camp. Saka chipo chaJakobho chakatungamira mberi kwake, asi iye pachake akavata mumusasa. Nokuti akafunga akati, “Ndichamunyaradza nezvipo zvandiri kutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.”
22 That night he got up, took his two wives, two female servants, and eleven sons, and crossed the Jabbok ford. Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora vakadzi vake vaviri, varandakadzi vake navanakomana vake gumi nomumwe vakayambuka pazambuko reJabhoki.
23 He took them and sent them across the stream, and likewise sent across everything he had. Shure kwokuvayambutsa rukova, akayambutsawo zvose zvaakanga anazvo.
24 And Jacob was left alone. And a man wrestled with him until the breaking of the day. Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka.
25 Seeing he could not defeat Jacob, the man touched his hip socket, and Jacob's hip was wrenched as they wrestled. Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu.
26 He said, "Let me go; dawn is breaking." But Jacob said, "I won't let you go unless you bless me." Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.”
27 And he said to him, "What is your name?" And he said, "Jacob." Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.”
28 He said, "You will no longer be named Jacob, but Israel, for you have struggled with our Father and with men, and won." Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu ukakunda.”
29 Jacob asked him, "Please tell me your name." He said, "Why do you ask my name?" And he blessed him there. Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza.
30 So Jacob named the place Peniel: "For I have seen our Father face to face, yet my life was saved." Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.”
31 The sun rose upon him as he passed Penuel, limping because of his hip. Zuva rakakwira pamusoro pake, paakanga opfuura Penieri, uye akanga achikamhina nokuda kwehudyu yake.
32 This is why, even now, the Israelites won't eat the thigh muscle on the hip socket—because he struck Jacob's hip socket there, at the thigh muscle. Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]