Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 24 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now Abraham was old, well advanced in years, and our Father had blessed Abraham in everything. Zvino Abhurahama akanga akwegura ava namakore mazhinji, uye Jehovha akanga amuropafadza pazvinhu zvose.
2 Abraham said to his oldest servant, who managed all he owned, "Please put your hand under my thigh, Akati kumuranda wake mukuru womumba make, iye akanga ari mutariri wezvose zvaakanga anazvo, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu.
3 I will have you swear by the Father of heaven and earth, not to take a wife for my son from the Canaanites' daughters, among whom I live, Ndinoda kuti upike naJehovha, Mwari wokudenga uye Mwari wenyika, kuti haungatoreri mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, avo vandigere pakati pavo,
4 but go to my country and relatives, and get a wife for my son Isaac." asi uchaenda kunyika yangu nokuhama dzangu ugondotorera mwanakomana wangu Isaka mukadzi.”
5 The servant asked him, "What if the woman won't follow me to this land? Must I take your son back to the land you left?" Muranda akabvunza akati, “Ko, kana mukadzi asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndichazoenda here nomwanakomana wenyu kunyika yamakabva?”
6 Abraham said to him, "See to it that you do not take my son back there. Abhurahama akati, “Chenjera kuti urege kudzokera nomwanakomana wangu ikoko.
7 Our Father, the Father of heaven, who took me from my father's house and the land of my relatives, who spoke to me and swore to me, 'I will give this land to your offspring'—he will send his angel ahead of you, and you will take a wife for my son from there. Jehovha, Mwari wokudenga, akandibudisa muimba yababa vangu nomunyika yokuzvarwa kwangu uye iye akataura kwandiri akandivimbisa nemhiko achiti, ‘Ndichapa nyika iyi kuvana vako,’ achatuma mutumwa pamberi pako kuitira kuti ugogona kuwanira mwanakomana wangu mukadzi kubva ikoko.
8 But if she won't follow you, you're released from this oath of mine; only don't take my son back there." Kana mukadzi asingadi kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu iyi. Usadzokera chete nomwanakomana wangu ikoko.”
9 The servant put his hand under Abraham his master's thigh and swore to him about this. Saka muranda akaisa ruoko rwake pasi pechidya chatenzi wake Abhurahama akapika mhiko kwaari maererano neshoko iri.
10 The servant took ten of his master's camels, and all his master's good things in hand, and set out for Aram-naharaim, the city of Nahor. Ipapo muranda akatora ngamera dzatenzi wake gumi akaenda, akatora mhando dzezvinhu zvose zvakanaka kubva kuna tenzi wake. Akasimuka akaenda kuAramu Naharaimu akananga kuguta reNahori.
11 He had the camels kneel outside the city by the water well at evening, when women go out to draw water. Akaita kuti ngamera dzipfugame pasi pedyo netsime raiva kunze kweguta; kwakanga kwava kudoka, nguva yaibuda vakadzi kundochera mvura.
12 Then he prayed, "Father of my master Abraham, please grant me success today, and show your faithful love to my master Abraham. Akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, itai kuti ndibudirire nhasi, muitire tenzi wangu Abhurahama zvakanaka.
13 Here I stand by the spring of water, and daughters of the town's men are coming out to draw water. Onai, ndimire parutivi petsime rino, uye vanasikana vavanhu vomuguta rino vari kubuda vachiuya kuzochera mvura.
14 Let the young woman I say this to—'Please tip your jar so I may drink'—and who answers, 'Drink, and I will water your camels too'—be the one you have appointed for your servant Isaac. That is how I will know you have shown faithful love to my master." Ngazviitike kuti pandinoti kumusikana, ‘Ndapota, tura chirongo chako kuti ndinwewo mvura,’ uye iye akati, ‘Inwai henyu uye ndichanwisawo ngamera dzenyu’ ngaave iye wamasarudzira muranda wenyu Isaka. Naizvozvo ndichaziva kuti maitira tenzi wangu zvakanaka.”
15 Before he finished speaking, Rebekah came out—daughter of Bethuel, son of Milcah, wife of Nahor, Abraham's brother—her jar on her shoulder. Asati apedza kunyengetera, Rabheka akasvika nechirongo chake papfudzi rake. Akanga ari mwanasikana waBhetueri mwanakomana waMirika, mukadzi waNahori mununʼuna waAbhurahama.
16 The girl was very beautiful, a virgin no man had known. She went down to the spring, filled her jar, and came up. Musikana akanga akanaka kwazvo, ari mhandara; hakuna murume akanga ambovata naye. Akaenda kutsime, akazadza chirongo chake akadzokazve.
17 The servant ran to meet her, saying, "Please let me sip a little water from your jar." Muranda akamhanya akandosangana naye akati, “Ndapota, ndipewo mvura shoma shoma yokunwa kubva muchirongo chako.”
18 "Drink, my lord," she said, and quickly lowered her jar from her shoulder and gave him a drink. Iye akati, “Inwai henyu, ishe wangu,” akakurumidza kutura chirongo mumaoko ake uye akamupa kuti anwe.
19 When she finished giving him a drink, she said, "I'll draw water for your camels too, until they finish drinking." Shure kwokumupa mvura kuti anwe, akati, “Ndichachererawo ngamera dzenyu mvura, kusvikira dzapedza kunwa.”
20 She quickly emptied her jar into the trough, ran again to the well, and drew water for all his camels. Saka akakurumidza kudururira mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro, akamhanyira kutsime zvakare kundochera imwe mvura zhinji, akachera yakakwanira ngamera dzake.
21 The man watched her silently, to know if our Father made his journey succeed, or not. Asina chaakataura, murume uyu akamutarisisa kuti azive kuti Jehovha akanga aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete.
22 When the camels finished drinking, the man took a gold nose ring weighing about a fifth of an ounce, and two gold bracelets for her wrists weighing about four ounces, Ngamera dzakati dzapedza kunwa, murume uya akatora mhete yegoridhe yapamhino yairema hafu yeshekeri nezvishongo zviviri zvamaoko zvairema mashekeri gumi.
23 and said, "Whose daughter are you? Please tell me, is there room in your father's house for us to spend the night?" Ipapo akamubvunza akati, “Uri mwanasikana waaniko? Ndapota, dondiudzawo, kumba kwababa vako kungaita nzvimbo yedu yokuvata here?”
24 She answered him, "I am the daughter of Bethuel, the son Milcah bore to Nahor." Akamupindura akati, “Ndiri mwanasikana waBhetueri, mwanakomana waMirika akaberekera Nahori.”
25 She also said, "We have plenty of both straw and feed, and room to spend the night." Uye akatizve, “Tine uswa hwakawanda namashanga, uyewo nenzvimbo yenyu yokuvata.”
26 Then the man bowed down and worshiped our Father. Ipapo murume uya akakotamira pasi akanamata Jehovha,
27 He said, "Blessed be our Father, the Father of my master Abraham, who has not abandoned his faithful love and faithfulness toward my master. As for me, he led me on the journey to my master's relatives' house." akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abhurahama, iye asina kurega kuita zvakanaka nokutendeka kwake kuna tenzi wangu. Kana ndirini, Jehovha akanditungamirira parwendo rwangu akandisvitsa kumba kwehama dzatenzi wangu.”
28 Then the young woman ran and told her mother's household about these things. Musikana akamhanya akandoudza veimba yamai vake pamusoro pezvinhu zvose izvi.
29 Now Rebekah had a brother named Laban, and Laban ran out to the man at the spring. Zvino Rabheka akanga ane hanzvadzi yainzi Rabhani, uye iye akakurumidza kubuda akaenda kumurume uya kutsime.
30 Seeing the nose ring and bracelets on his sister's wrists, and hearing his sister Rebekah say, "The man told me this," he went out to the man—there he was, standing by the camels at the spring. Akati achingoona mhete yemhino nezvishongo mumaoko ehanzvadzi yake, uye anzwa Rabheka achitaura zvakanga zvarehwa nomurume uyu kwaari, akabuda akaenda kumurume akamuwana amire pangamera pedyo netsime.
31 He said, "Come in, blessed of God. Why stand outside? I've prepared the house and a place for the camels." Akati, “Uya iwe wakaropafadzwa naJehovha. Wakamirireiko pano? Ndatogadzira imba nenzvimbo yengamera.”
32 The man entered the house, and the camels were unloaded. Straw and feed were given to the camels, and water to wash his feet and the feet of the men with him. Saka murume uya akaenda kumba, uye ngamera dzakaturwa. Uswa namashanga zvakavigirwa ngamera, uye iye navanhu vake vakavigirwa mvura kuti vashambe tsoka dzavo.
33 Food was set before him, but he said, "I won't eat until I've said what I have to say." "Go on," said Laban. Zvokudya zvakaiswa pamberi pake, asi iye akati, “Handingatongodyi kusvikira ndakuudzai zvandinoda kureva.” Rabhani akati, “Tiudze hako zvino.”
34 So he said, "I am Abraham's servant. Saka iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahama.
35 Our Father has greatly blessed my master and made him wealthy, giving him flocks, herds, silver, gold, male and female servants, camels, and donkeys. Jehovha akaropafadza tenzi wangu kwazvo, uye ava mupfumi. Akamupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume navarandakadzi, ngamera nembongoro.
36 Sarah, my master's wife, bore him a son in her old age; Abraham has given Isaac all he owns. Sara mukadzi watenzi wangu akamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake, uye akamupa zvinhu zvose zvaanazvo.
37 My master made me swear, 'Don't take a wife for my son from the Canaanite women whose land I live in, Uye tenzi wangu akaita kuti ndipike mhiko, uye akati, ‘Haufaniri kutorera mwanakomana wangu mukadzi kubva kuvanasikana vavaKenani, munyika yandigere,
38 but go to my father's house, to my relatives, and take a wife for my son.' asi enda kumhuri yababa vangu uye nokuimba yangu, undotorera mwanakomana wangu mukadzi ikoko.’
39 I said to my master, 'Perhaps the woman will not follow me.' “Ipapo ndakabvunza tenzi wangu ndikati, ‘Ko, kana mukadzi akasauya neni?’
40 But he said to me, 'Our Father, before whom I have walked, will send his angel with you and make your journey succeed, and you will take a wife for my son from my clan and from my father's house. “Akapindura akati, ‘Jehovha, iye wandinofamba pamberi pake, achatuma mutumwa wake newe uye achaita kuti rwendo rwenyu rubudirire, kuti uwanire mwanakomana wangu mukadzi, paunoenda kuimba yokwangu, kumhuri yababa vangu.
41 Then you'll be free of my oath once you reach my family; if they refuse to give her to you, you'll be free of my oath.' Zvino, kana wasvika kuimba yokwangu, iwe uchasunungurwa pamhiko kunyange vakaramba kumupa kwauri, uchasunungurwa pamhiko yangu.’
42 Today when I came to the spring, I said, 'Father of my master Abraham, if you will make my journey succeed, “Pandasvika patsime nhasi, ndati, ‘Haiwa Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, kana muchida, ndapota ndipeiwo kubudirira parwendo rwandafamba.
43 here I am, standing by the spring of water. So when a young woman comes out to draw water and I say to her, "Please give me a little water from your jar to drink," Tarirai, ndimire parutivi petsime iri; kana musikana akabuda kuzochera mvura uye ndikati kwaari, “Ndapota rega ndinwe mvura shoma shoma kubva muchirongo chako,”
44 and she says to me, "Drink, and I'll draw water for your camels too"—let her be the woman our Father appointed for my master's son.' uye kana iye akati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu,” ngaave iye asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu naJehovha.’
45 Before I finished praying in my heart, Rebekah came out, her jar on her shoulder, went down to the spring, and drew water. I said to her, 'Please let me drink.' “Ndisati ndapedza kunyengetera mumwoyo mangu, Rabheka auya, ane chirongo chake papfudzi rake. Aenda kutsime uye akachera mvura, uye ini ndikati kwaari, ‘Ndapota ndipewo mvura ndinwe.’
46 Quickly lowering her jar from her shoulder, she said, 'Drink—I'll water your camels too.' So I drank, and she watered the camels too. “Akurumidza kutura chirongo chake papfudzi rake akati, ‘Inwai henyu, uye ndichanwisa ngamera dzenyuwo.’ Saka ndanwa mvura, uye anwisawo ngamera.
47 I asked, 'Whose daughter are you?' She said, 'Bethuel's daughter, son of Nahor, whom Milcah bore him.' Then I put the ring on her nose and the bracelets on her wrists. “Ndamubvunza ndikati, ‘Uri mwanasikana waaniko?’ “Iye ati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori, waakaberekerwa naMirika.’ “Ipapo ndaisa mhete pamhino yake nezvishongo mumaoko ake,
48 I bowed and worshiped our Father, and blessed the Father of my master Abraham, who led me on the true path to take the daughter of my master's relative for his son. uye ndakotama pasi ndikanamata Jehovha. Ndarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abhurahama, uyo akanditungamirira munzira yakarurama kuti ndiwane muzukuru womununʼuna watenzi wangu kuti ave mukadzi womwanakomana wake.
49 Now, if you will deal in faithful love and truth with my master, tell me; if not, tell me, so I can turn right or left." Zvino kana muchaitira zvakanaka nokutendeka kuna tenzi wangu, ndiudzei; uye kana zvisizvo, ndiudzei, kuti ndigoziva kwokuenda.”
50 Laban and Bethuel answered, "This is from God; we can't say good or bad. Rabhani naBhetueri vakapindura vakati, “Izvi zvinobva kuna Jehovha; isu hatina chinhu chatingataura kwauri, chakaipa kana chakanaka.
51 Rebekah is before you; take her and go—let her be your master's son's wife, as our Father has spoken." Hoyu Rabheka; mutore uende, uye ngaave mukadzi womwanakomana watenzi wako, sokutungamirirwa kwawaitwa naJehovha.”
52 When Abraham's servant heard their words, he bowed down to the ground before our Father. Muranda waAbhurahama akati anzwa zvavakataura, akakotama pasi pamberi paJehovha.
53 The servant brought out silver and gold objects and clothing, gave them to Rebekah, and gave costly gifts to her brother and mother. Ipapo muranda akabudisa goridhe nezvishongo zvesirivha nenguo dzokufuka akazvipa kuna Rabheka; uye akapawo zvipo zvomutengo mukuru kuhanzvadzi yake nokuna mai vake.
54 He and the men with him ate, drank, and spent the night there. In the morning they rose, and he said, "Send me to my master." Ipapo iye navarume vakanga vanaye vakadya vakanwa, uye vakararapo usiku uho. Akati amuka mangwanani, akati, “Ndiregei hangu ndichienda kuna tenzi wangu.”
55 But her brother and her mother said, "Let the young woman stay with us ten days or so; then she may go." Asi hanzvadzi yake namai vake vakapindura vakati, “Regai musikana agare nesu mazuva angaita kana gumi; ipapo mungazoenda henyu.”
56 But he said, "Don't delay me—our Father has made my journey succeed. Send me away, let me go to my master." Asi akati kwavari, “Musandirambidza, sezvo zvino Jehovha akandipa kubudirira parwendo rwangu. Ndiregei hangu ndiende kuna tenzi wangu.”
57 They said, "Let us call the young woman and ask her about it." Ipapo vakati, “Regai tidane musikana timubvunze nezvazvo.”
58 They called Rebekah and asked, "Will you go with this man?" "I will go," she said. Saka vakadana Rabheka vakamubvunza vakati, “Uchaenda here nomurume uyu?” Iye akati, “Ndichaenda.”
59 So they sent off their sister Rebekah and her nurse, along with Abraham's servant and his men. Saka vakaendesa hanzvadzi yavo Rabheka, pamwe chete nomureri wake nomuranda waAbhurahama navanhu vake.
60 They blessed Rebekah, saying, "Our sister, may you become mother of thousands upon thousands; may your offspring capture the cities of those who hate them." Uye vakaropafadza Rabheka vakati, “Iwe hanzvadzi yedu, uve mai wavazhinji vave zviuru nezviuru; vana vako ngavatore masuo avavengi vavo.”
61 Rebekah and her attendants got up, mounted the camels, and followed the man. So the servant took Rebekah and went on. Ipapo Rabheka navasikana vake vakagadzirira vakatasva ngamera dzavo vakaenda nomurume uya. Saka muranda akatora Rabheka akabva aenda.
62 Now Isaac had come from Beer-lahai-roi, for he was living in the Negev. Zvino Isaka akanga achibva kuBheeri Rahai Roi, nokuti akanga achigara kuNegevhi.
63 Isaac went out to meditate in the field at evening; looking up, he saw camels coming. Humwe usiku akabuda akaenda musango kuti ambondorangarira, uye paakasimudza meso ake, akaona ngamera dzichiswedera,
64 Rebekah also looked up, and when she saw Isaac, she got down from her camel. naRabhekawo akasimudza meso ake akaona Isaka. Akaburuka kubva pangamera yake
65 She asked the servant, "Who is that man walking across the field to meet us?" "My master," he answered. So she took her veil and covered herself. uye akabvunza muranda akati, “Ndianiko murume ari musango uyo ari kuuya kuzosangana nesu?” Muranda akapindura akati, “Nditenzi wangu.” Saka akatora chifukidzo akazvifukidza.
66 Then the servant told Isaac everything he had done. Ipapo muranda akaudza Isaka zvose zvaakanga aita.
67 Isaac brought her into his mother Sarah's tent, married Rebekah, and loved her. So Isaac was comforted after his mother's death. Isaka akamupinza mutende ramai vake Sara, uye akawana Rabheka. Saka akava mukadzi wake, uye akamuda; naizvozvo Isaka akanyaradzwa shure kwokufa kwamai vake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]