Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 23 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Sarah lived to be 127 years old; these were the years of Sarah's life. Sara akararama akasvika makore zana namakumi maviri namanomwe okuberekwa.
2 Sarah died at Kiriath-arba, Hebron, in Canaan. Abraham came to mourn and weep for her. Akafira paKiriati Abha (ndiro Hebhuroni) munyika yeKenani, uye Abhurahama akandochema Sara akaungudza pamusoro pake.
3 Then Abraham rose from beside her body and said to the Hittites, Ipapo Abhurahama akasimuka kubva parutivi pomukadzi wake akanga afa akandotaura navaHiti, akati,
4 "I am a foreigner and stranger among you; give me burial ground among you, to bury my dead out of my sight." “Ndiri mutorwa nomueni pakati penyu. Nditengesereiwo nzvimbo pano yokuviga kuti ndigogona kuviga vakafa vangu.”
5 The Hittites replied to Abraham. VaHiti vakapindura Abhurahama vakati,
6 "Hear us, my lord: you are a prince of God among us. Bury your dead in our best tomb; none of us will refuse you his tomb for burying your dead." “Ishe, tinzwei. Imi muri muchinda mukuru pakati pedu. Vigai henyu akafa wenyu muguva rakaisvonaka pakati pamakuva edu. Hakuna munhu pakati pedu angakunyimai guva rake kuti muvige akafa wenyu.”
7 Abraham rose and bowed low before the people of the land, the Hittites. Ipapo Abhurahama akasimuka akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika, ivo vaHiti.
8 He said to them, "If you're willing I bury my dead away from me, hear me, and plead with Ephron son of Zohar for me, Akati kwavari, “Kana muchida kuti ndivige akafa wangu, zvino chindinzwai uye mundikumbirire kuna Efuroni mwanakomana waZohari pachinzvimbo changu,
9 to give me his cave of Machpelah, at his field's edge. Let him sell it to me among you, for full price, as burial property." kuti anditengesere bako raMakapera, raanaro uye riri kumucheto womunda wake. Mukumbirei kuti anditengesere nomutengo uzere ive nzvimbo yangu yokuviga vakafa pakati penyu.”
10 Ephron the Hittite, sitting among the Hittites, answered Abraham before all the Hittites entering his city's gate. Efuroni muHiti akanga agere pakati pavanhu vake akapindura Abhurahama, vaHiti vose vakanga vauya pasuo reguta vachizvinzwa,
11 "No, my lord, listen: I give you the field, I give you the cave in it. Before my people I give it to you. Bury your dead." akati, “Kwete, ishe wangu. Inzwai; ndinokupai munda, uye ndinokupai bako riri mauri. Ndinoupa kwamuri pamberi pavanhu vangu. Vigai henyu akafa wenyu.”
12 Again Abraham bowed before the people of the land. Zvakare Abhurahama akakotamira pasi pamberi pavanhu venyika
13 He said to Ephron before the people, "If you're willing, hear me: I'll pay for the field—take it from me, so I can bury my dead there." akati kuna Efuroni vachizvinzwa, “Nditeerere, kana uchida. Ndicharipa mutengo womunda. Ugamuchire hako kubva kwandiri kuti ndigoviga vakafa vangu imomo.”
14 Ephron replied to Abraham. Efuroni akapindura Abhurahama akati,
15 "My lord, hear me: land worth about ten pounds of silver—what is that between us? Bury your dead." “Nditeererei, ishe wangu, mutengo wenyika unoita mashekeri mazana mana esirivha, asi chingava chiiko pakati pangu nemi? Vigai henyu akafa venyu.”
16 Abraham agreed to Ephron's terms and weighed out for him the price he had named before the Hittites: about ten pounds of silver, at the standard weight used by merchants. Abhurahama akabvumirana nomutengo waEfuroni akamuyerera mutengo waakanga areva vaHiti vachizvinzwa; mazana mana amashekeri esirivha, maererano nomutengo waivapo pakati pavatengesi.
17 Ephron's field in Machpelah, facing Mamre—the field, its cave, and every tree within its borders, all around—was confirmed, Saka munda waEfuroni muMakapera pedyo neMamure, zvose munda nebako zvaive mauri, nemiti yose yaiva pakati pomuganhu womunda, zvakapiwa
18 to Abraham as his property, before all the Hittites who came to his city's gate. kuna Abhurahama zvikava zvake pamberi pavaHiti vakanga vauya pasuo reguta.
19 After this, Abraham buried Sarah his wife in the cave of Machpelah's field, facing Mamre—Hebron—in the land of Canaan. Shure kwaizvozvo Abhurahama akaviga mukadzi wake Sara mubako mumunda weMakapera pedyo neMamure (iro Hebhuroni) munyika yeKenani.
20 So the field and its cave were deeded to Abraham by the Hittites as a burial holding. Saka munda nebako raiva mauri zvakapiwa kuna Abhurahama navaHiti senzvimbo yamakuva.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]