Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 25 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Abraham married another wife, whose name was Keturah. Abhurahama akawana mumwe mukadzi, zita rake ainzi Ketura.
2 She gave birth to Zimran, Jokshan, Medan, Midian, Ishbak, and Shuah. Akamuberekera Zimurami, Jokishani, Medhani, Midhiani, Ishibhaki naShua.
3 Jokshan fathered Sheba and Dedan. The sons of Dedan were the Asshurites, the Letushites, and the Leummites. Jokishani akabereka Shebha naDhedhani; zvizvarwa zvaDhedhani zvakanga zviri vaAshuri, vaRetushi navaReumi.
4 Midian's sons: Ephah, Epher, Hanoch, Abida, and Eldaah—all sons of Keturah. Vanakomana vaMidhiani vakanga vari Efa, Eferi, Hanoki, Abhidha naEridha. Vose ava vakanga vari zvizvarwa zvaKetura.
5 Abraham gave all that he had to Isaac. Abhurahama akasiya zvinhu zvose zvaakanga anazvo kuna Isaka.
6 Abraham gave gifts to the sons of his concubines, then sent them away from his son Isaac while he was still alive, eastward to the east country. Asi paakanga achiri mupenyu akapa zvipo kuvanakomana vavarongo vake uye akavabvisa pamwanakomana wake Isaka akavaendesa kumabvazuva.
7 Abraham lived 175 years in all. Pamwe chete, Abhurahama akararama makore zana namakumi manomwe namashanu.
8 Abraham breathed his last, dying at a good old age, an old man full of years, and joined his people. Ipapo Abhurahama akabudisa mweya wake akafa akwegura kwazvo, ava mutana uye ava namakore mazhinji; uye akasanganiswa navanhu vake.
9 His sons Isaac and Ishmael buried him in the cave of Machpelah, in Ephron son of Zohar the Hittite's field near Mamre. Vanakomana vake Isaka naIshumaeri vakamuviga mubako reMakapera pedyo neMamure, mumunda waEfuroni mwanakomana waZofa muHiti,
10 The field that Abraham had bought from the Hittites. There Abraham was buried, with Sarah his wife. munda wakanga watengwa naAbhurahama kubva kumuHiti. Ndimo makavigwa Abhurahama nomukadzi wake Sara.
11 After the death of Abraham, our Father blessed his son Isaac. And Isaac settled near Beer-lahai-roi. Shure kwokufa kwaAbhurahama, Mwari akaropafadza mwanakomana wake Isaka, uyo akagara pedyo neBheeri Rahai Roi.
12 This is the family record of Ishmael, Abraham's son, whom Hagar the Egyptian, Sarah's servant, bore to Abraham. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, iye Ishumaeri, akaberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita, murandakadzi waSara.
13 These are the names of Ishmael's sons, by name, in birth order: Nebaioth, Ishmael's firstborn, then Kedar, Adbeel, Mibsam, Aya ndiwo mazita avanakomana vaIshumaeri, akanyorwa muurongwa hwamaberekerwo avo: Nebhayoti dangwe raIshumaeri, Kedhari, Adhibheeri, Mibhisami,
14 Mishma, Dumah, Massa, Mishima, Dhuma, Masa,
15 Hadad, Tema, Jetur, Naphish, and Kedemah. Hadhadhi, Tema, Jeturi, Nafishi naKedhema.
16 These are Ishmael's sons, these their names by their villages and encampments—twelve princes according to their tribes. Ava ndivo vaiva vanakomana vaIshumaeri, uye aya ndiwo mazita avatongi gumi navaviri vamarudzi maererano namagariro avo nemisasa yavo.
17 Ishmael lived 137 years, then breathed his last, died, and joined his people. Pamwe chete, Ishumaeri akararama makore zana namakumi matatu namakore manomwe. Akabudisa mweya wake akafa, akasanganiswa navanhu vake.
18 They settled from Havilah to Shur, east of Egypt toward Assyria; Ishmael lived in hostility toward all his relatives. Zvizvarwa zvake zvakandogara munzvimbo yaibva kuHavhira kusvikira kuShuri, pedyo nomuganhu weIjipiti, kana munhu achienda akananga kuAshuri. Uye vakagara vachipesana nehama dzavo.
19 This is the family line of Isaac, Abraham's son: Abraham fathered Isaac. Iyi ndiyo nhoroondo yomwanakomana waAbhurahama, Isaka. Abhurahama akabereka Isaka,
20 Isaac was forty years old when he married Rebekah, daughter of Bethuel the Aramean of Paddan-aram, sister of Laban the Aramean. uye Isaka akanga ava namakore makumi mana okuberekwa paakawana Rabheka mwanasikana waBhetueri muAramu, aibva kuPadhani Aramu uye ari hanzvadzi yaRabhani muAramu.
21 Isaac prayed to our Father for his wife, since she was barren; our Father granted it, and his wife Rebekah conceived. Isaka akanyengeterera mukadzi wake kuna Jehovha, nokuti akanga asingabereki. Jehovha akapindura munyengetero wake, uye mukadzi wake Rabheka akava nemimba.
22 But the children struggled together within her, and she said, "If this is how it is, why is this happening to me?" So she went to ask our Father. Vana vakanga vachisundana mukati make, iye akati, “Seiko izvi zvichiitika kwandiri?” Saka akaenda kundobvunza Jehovha.
23 And our Father said to her: "Two nations are in your womb; two peoples from within you will be divided: one will be stronger than the other, and the older will serve the younger." Jehovha akati kwaari, “Ndudzi mbiri dziri muchizvaro chako, uye marudzi maviri achabuda mauri achaparadzana; rumwe rudzi ruchava nesimba kupfuura rumwe, uye mukuru achashumira muduku.”
24 When the time came for her to give birth, there were twins in her womb! Nguva yokubereka kwake yakati yasvika, onei makanga muna vakomana vaviri muchizvaro chake.
25 The first came out red, his whole body like a hairy garment; so they named him Esau. Akatanga kubuda akanga ari mutsvuku, uye muviri wake wose wakanga wakaita senguo ine mvere; saka vakamutumidza zita rokuti Esau.
26 Then his brother came out, with his hand grasping Esau's heel, so he was named Jacob. Isaac was sixty years old when she bore them. Shure kwaizvozvo, mununʼuna wake akabuda, ruoko rwake rwakabata chitsitsinho chaEsau; saka akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaka akanga ava namakore okuberekwa makumi matanhatu Rabheka paakavabereka.
27 The boys grew up. Esau became a skilled hunter, a man of the field; Jacob was quiet, living in tents. Vakomana vakakura, uye Esau akava mudzimba akachenjera, murume wesango, asi Jakobho akanga ari murume akanyarara, achigara pakati pamatende.
28 Isaac loved Esau, because he had a taste for wild game, but Rebekah loved Jacob. Sezvo Isaka aifarira nyama yemhuka, aida Esau, asi Rabheka aida Jakobho.
29 Jacob was cooking stew when Esau came in from the field, and he was famished. Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara!
30 Esau said to Jacob, "Let me gulp down this red stew—I'm famished!" That's why he was named Edom. Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu).
31 Jacob said, "Sell me your birthright now." Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.”
32 Esau said, "Look, I am about to die; what good is a birthright to me?" Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?”
33 Jacob said, "Swear to me first." So he swore to him and sold his birthright to Jacob. Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
34 Jacob gave Esau bread and lentil stew; he ate, drank, got up, and left—Esau despised his birthright. Ipapo Jakobho akapa Esau chingwa nenyemba. Akadya uye akanwa, ipapo akasimuka akaenda. Saka Esau akazvidza udangwe hwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]