Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 20 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Abraham traveled from there to the Negev, settled between Kadesh and Shur, and lived as a foreigner in Gerar. Zvino Abhurahama akabvapo akapinda mudunhu rokuNegevhi akandogara pakati peKadheshi neShuri. Akagara muGerari kwechinguva,
2 Abraham said of Sarah, his wife, "She is my sister." So Abimelech king of Gerar sent for her and took Sarah. uye ikoko Abhurahama akati nezvomukadzi wake Sara, “Ihanzvadzi yangu.” Ipapo Abhimereki mambo weGerari akatuma vanhu kuti vandotora Sara.
3 But our Father came to Abimelech in a dream that night: "You are as good as dead because of the woman you took, for she is a married woman." Asi Mwari akauya kuna Abhimereki usiku mukurota uye akati kwaari, “Wakangoita somunhu akafa nokuda kwomukadzi wawatora; mukadzi womunhu.”
4 Abimelech had not gone near her. He said, "Sovereign God, would you destroy even an innocent nation? Zvino Abhimereki akanga asati aswedera kwaari, saka akati, “Ishe, muchaparadza rudzi rusina mhosva here?
5 Didn't he himself tell me, 'She's my sister'? And she herself also said, 'He's my brother.' I did this with a sincere heart and innocent hands." Ko, iye haana kuti kwandiri, ‘Ihanzvadzi yangu’ here, naiyewo mukadzi haana kuti kwandiri ‘Ihanzvadzi yangu’ here? Ndakaita izvi nehana yakachena uye namaoko akachena.”
6 Then our Father said to him in the dream, "Yes, I know you did this with integrity of heart, and I have kept you from sinning against me—that's why I didn't let you touch her. Ipapo Mwari akati kwaari mukurota, “Hongu, ndinozviziva kuti wakaita izvi nehana yakachena, nokudaro ndakukonesa kuti unditadzire. Ndokusaka ndisina kukutendera kuti umubate.
7 Now return the man's wife, for he's a prophet who will pray for you, and you'll live. If you don't return her, know you will surely die, you and all who are yours." Zvino chidzosera mukadzi womurume uyu, nokuti muprofita, uye achakunyengeterera urarame. Asi kana usina kumudzosa, uzive kuti iwe navose vari vako muchafa.”
8 Abimelech rose early that morning, called all his servants, and told them all that had happened; the men were badly frightened. Mangwanani akatevera Abhimereki akadana varanda vake vose, uye paakavaudza zvose zvakanga zvaitika, vakatya kwazvo.
9 Abimelech summoned Abraham and asked, "What have you done to us? How did I sin against you, that you brought a great sin on me and my kingdom? You've done to me what should never be done." Ipapo Abhimereki akadana Abhurahama kuti apinde akati, “Waiteiko kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita seiko zvawauyisa mhosva huru yakadai pamusoro pangu napamusoro poumambo hwangu? Wandiitira zvinhu zvisingafaniri kuitwa.”
10 Abimelech also said to Abraham, "What did you have in mind, that you did such a thing?" Uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Wakaoneiko chakaita kuti uite izvi?”
11 Abraham said, "I thought: surely there's no fear of our Father here, and they will kill me for my wife." Abhurahama akapindura akati, “Ndakati mumwoyo mangu, ‘Zvirokwazvo munzvimbo ino hamuna kutya Mwari, uye vachandiuraya nokuda kwomukadzi wangu.’
12 Besides, she truly is my sister, my father's daughter but not my mother's, and she became my wife. Zvisinei hazvo, zvirokwazvo ihanzvadzi yangu, mwanasikana wababa vangu kunyange hazvo asina kuberekwa namai vangu; uye akazova hake mukadzi wangu.
13 When our Father made me wander from my father's house, I told her: Show me this kindness—wherever we go, say of me, "He is my brother." Uye Mwari paakandiita kuti ndifambe kubva paimba yababa vangu, ndakati kwaari, ‘Izvi ndizvo zvaungandiratidza nazvo madiro aunondiita: Kwose kwatinoenda, utaure pamusoro pangu uchiti, “Ihanzvadzi yangu.” ’ ”
14 Abimelech took sheep, cattle, and male and female servants, gave them to Abraham, and returned Sarah his wife to him. Ipapo Abhimereki akauya namakwai nemombe uye navarandarume navarandakadzi akavapa kuna Abhurahama, uye akadzosa Sara mukadzi wake.
15 Abimelech said, "My land is open to you; settle wherever you please." Uye Abhimereki akati, “Nyika yangu iri pamberi pako; gara paunoda.”
16 And to Sarah he said, "Look, I am giving your brother 1,000 pieces of silver. This is to cover the wrong done to you in the eyes of all who are with you; before everyone you are fully cleared." Kuna Sara akati, “Ndiri kupa hanzvadzi yako mashekeri chiuru esirivha. Ichi ndicho chichava chifukidzo pamusoro pemhosva yandakaita kwauri pamberi pavose vaunavo; waruramiswa kwazvo.”
17 Abraham prayed to our Father, who healed Abimelech, his wife, and his female servants, so they could bear children again, Ipapo Abhurahama akanyengetera kuna Mwari, uye Mwari akaporesa Abhimereki, mukadzi wake uye navarandakadzi vake kuti vakwanise kuita vana zvakare,
18 for our Father had completely closed up every womb in Abimelech's household because of Sarah, Abraham's wife. nokuti Jehovha akanga azarira zvizvaro zvavo zvose muimba yaAbhimereki nokuda kwaSara mukadzi waAbhurahama.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]