Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 19 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 The two angels came to Sodom that evening; Lot sat at Sodom's gate. Seeing them, he rose to meet them and bowed, face to the ground. Vatumwa vaviri vakasvika muSodhomu madekwana, uye Roti akanga agere pasuo reguta. Akati achivaona, akasimuka kuti andosangana navo uye akakotamisa uso hwake pasi.
2 "Please, my lords," he said, "stop at your servant's house, spend the night, wash your feet; rise early and go your way." "No," they said, "we'll spend the night in the square." Akati, “Madzishe angu, ndapota hangu tsaukirai henyu kumba kwomuranda wenyu. Mushambidze henyu tsoka dzenyu uye mugovata usiku huno, ipapo mugoenda henyu mangwana mangwanani.” Ivo vakati, “Kwete, tichavata hedu pachivara usiku huno.”
3 He pressed them hard, so they turned aside to him, entered his house. He made them a feast, baked bread without yeast, and they ate. Asi akavakumbirisa zvokuti vakatenda kuenda naye uye vakapinda mumba make. Akavagadzirira zvokudya, akabika chingwa chisina mbiriso, uye vakadya.
4 Before they lay down, the men of the city—Sodom's men—young and old, all the people, without exception, surrounded the house. Vasati vaenda kundovata, varume vose vaibva kumativi ose eguta reSodhomu, vose vaduku navakuru, vakakomba imba.
5 They called to Lot, "Where are the men who came to you tonight? Bring them out—let us have sex with them." Vakadana Roti vachiti, “Varipiko varume vapinda mumba mako usiku huno? Vaburitse kuno kwatiri kuti tivate navo.”
6 Lot went out to them at the entrance, shutting the door behind him, Roti akabuda kunze kuti andosangana navo uye akapfiga mukova shure kwake,
7 and said, "Please, my brothers, don't do evil. akati, “Kwete, shamwari dzangu. Regai kuita chinhu ichi chakaipa.
8 I have two daughters who've never been with a man. I'll bring them out to you—do to them as you please. But do nothing to these men; they've come under my roof's protection." Tarirai, ndina vanasikana vaviri vasina kutongovata nomurume. Regai ndivabudisire kwamuri uye mungagona kuita zvamunoda navo. Asi musaita kana chinhu kuvarume ava, nokuti vakavanda pasi pedenga rangu.”
9 They said, "Get back!" Then, "This outsider came to stay, and now he judges us? We'll treat you worse than them." They pressed hard against Lot and moved in to break down the door. Ivo vakati, “Suduruka!” Uye vakati, “Munhu uyu akauya pano ari mutorwa, asi zvino ava kuda kutitonga! Tichakuitira zvakaipa iwe kupfuura ivo.” Vakaramba vachimanikidza Roti uye vakaswedera mberi kuti vapaze gonhi.
10 But the men reached out, pulled Lot into the house with them, and shut the door. Asi varume vaiva mukati vakatambanudza maoko avo vakakwevera Roti mumba uye vakapfiga mukova.
11 They struck the men at the house door blind, small to great, till they wore themselves out searching for the door. Ipapo vakapofumadza varume vakanga vari pamukova wemba, vaduku navakuru, zvokuti havana kuzogona kuona mukova.
12 The men said to Lot, "Who else do you have here—son-in-law, sons, daughters, anyone in the city who's yours? Bring them out of this place. Varume vaviri vakati kuna Roti, “Una vamwe vanhu pano here, vakuwasha, vanakomana kana vanasikana, kana mumwe wako zvake ari muguta? Vabudise muno,
13 We're about to destroy this place - the outcry against its people has grown great before our Father, and our Father sent us to destroy it." nokuti tiri kuzoparadza nzvimbo ino. Kuchema kuna Jehovha pamusoro pavanhu ava kwakura zvokuti atituma kuzoriparadza.”
14 Lot went out and spoke to his sons-in-law, betrothed to his daughters: "Get up, leave this place—our Father is about to destroy the city!" Yet his sons-in-law took it as a joke. Saka Roti akabuda akandotaura kuvakuwasha vake, vakanga vatsidza kuti vachawana vanasikana vake, akati, “Kurumidzai kubva panzvimbo ino, nokuti Jehovha ava kuda kuparadza guta!” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti aiita zveje-e navo.
15 At dawn the angels urged Lot: "Get up, take your wife and two daughters here, or you'll be consumed in the city's punishment." Mambakwedza, vatumwa vakakurudzira Roti vachiti, “Kurumidza! Tora mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo, kuti murege kuparadzwa kana guta roparadzwa.”
16 He hesitated, so the men grabbed his hand, his wife's, and two daughters', our Father pitying him, and they brought him out and left him outside the city. Akati achinonoka, varume vakabata ruoko rwake uye namaoko omukadzi wake neavanasikana vake vaviri vakavabudisa zvakanaka kunze kweguta, nokuti Jehovha akavanzwira tsitsi.
17 When they were brought outside, one of them said, "Run for your life! Don't look back or stop anywhere in the valley. Flee to the hills, or you'll be swept away." Vakati vachangovabudisa kunze, mumwe wavo akati, “Tizai nokuda kwoupenyu hwenyu! Musacheuka, uye musamira papi zvapo mubani! Tizirai kumakomo kuti murege kuparadzwa!”
18 But Lot said to them, "No, please, my Sovereign Father. Asi Roti akati kwavari, “Kwete, madzibaba angu, ndapota!
19 Your servant has found favor with you; you've shown great kindness saving my life. But I can't flee to the hills—disaster will catch me and I'll die. Muranda wenyu awana nyasha pamberi penyu, uye maratidza unyoro hukuru kwandiri zvamarwira upenyu hwangu. Asi handigoni kutizira kumakomo; njodzi iyi ingazondibata, uye ndingazofa.
20 Please—that town is near, small enough to run to. Let me escape there—isn't it small?—so I may live." Tarirai, herino guta riri pedyo randingatizira kwariri, uye iduku zvaro. Regai nditizire kwariri, iduku kwazvo, handizvo here? Ipapo upenyu hwangu hucharwirwa.”
21 He said to him, "I grant this favor too: I won't overthrow the town you mentioned. Akati kwaari, “Zvakanaka, ndichaitawo zvawakumbira; handisi kuzoparadza guta rauri kureva.
22 Hurry, flee there—I can do nothing until you arrive." That's why the town is named Zoar. Asi chitizirai ikoko nokukurumidza, nokuti handigoni kuita chinhu chipi zvacho kusvikira masvika kwariri.” (Ndokusaka guta iro richinzi Zoari.)
23 The sun had risen over the land when Lot reached Zoar. Kusvika kwakaita Roti paZoari, zuva rakanga rakwira pamusoro penyika.
24 Then our Father rained sulfur and fire out of heaven on Sodom and Gomorrah. Ipapo Jehovha akanayisa safuri inopfuta pamusoro peSodhomu neGomora, zvichibva kudenga kuna Jehovha.
25 He destroyed those cities, the whole plain, all the cities' residents, and everything growing on the ground. Naizvozvo akaparadza maguta ayo uye nebani rose, navose vakanga vagere mumaguta uyewo nezvose zvakanga zvamera munyika.
26 But Lot's wife looked back from behind him, and she became a pillar of salt. Asi mukadzi waRoti akacheuka, akava shongwe yomunyu.
27 Early the next morning Abraham went to the place where he had stood before our Father. Fume mangwana mangwanani Abhurahama akamuka akadzokera kunzvimbo yaakanga amira pamberi paJehovha.
28 He looked toward Sodom, Gomorrah, and the whole plain, and saw smoke rising from the land like smoke from a kiln. Akatarisa zasi kwakanangana nokuSodhomu neGomora, kwakatarisana nokunyika yose yebani, akaona utsi hwakawanda huchisimuka kubva panyika, kufanana noutsi hunobva pachoto.
29 When our Father destroyed the plain's cities, our Father remembered Abraham and brought Lot out of the overthrow of the cities where Lot lived. Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahama, uye akabudisa Roti kubva panjodzi yakaparadza maguta makanga muchigara Roti.
30 Lot went up from Zoar to live in the mountains with his two daughters, afraid to stay in Zoar; he and his two daughters lived in a cave. Roti navanasikana vake vaviri vakabva paZoari vakandogara mumakomo, nokuti akanga achitya kugara muZoari. Iye navanasikana vake vakagara mubako.
31 The firstborn told the younger, "Our father is old; no man remains in the land to sleep with us, as is customary everywhere. Rimwe zuva mwanasikana wake mukuru akati kumuduku wake, “Baba vedu vakwegura, uye pano hapana varume vokuti vavate nesu, setsika yenyika yose.
32 Come, let's give our father wine, then sleep with him, and keep offspring alive through our father." Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tichengetedze rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
33 That night they gave their father wine; the firstborn went in and lay with him. He never knew when she lay down or rose. Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini, uye mwanasikana mukuru akapinda akavata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
34 Next day the firstborn said to the younger, "I slept with my father last night. Let's give him wine again tonight—go sleep with him, so we preserve offspring from our father." Pazuva rakatevera mwanasikana mukuru akati kumuduku wake, “Madeko ndakavata nababa vangu. Ngativanwiseizve waini usiku huno, iwe ugopinda undovata navo kuitira kuti tichengete rudzi rwedu kubudikidza nababa vedu.”
35 That night too they had their father drink wine; the younger got up and slept with him, and he did not know when she lay down or when she got up. Saka vakaita kuti baba vavo vanwezve waini usiku ihwohwo uye mwanasikana muduku akapinda akandovata navo. Ivo havana kuziva kuvata kwake pasi kana kumuka kwake.
36 So both of Lot's daughters became pregnant by their father. Saka vanasikana vose vaRoti vakava nemimba nababa vavo.
37 The firstborn bore a son, named him Moab—father of the Moabites to this day. Mwanasikana mukuru akava nomwanakomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu; ndiye baba wavaMoabhu vanhasi.
38 The younger also had a son and named him Ben-Ammi—father of the Ammonites to this day. Mwanasikana muduku akavawo nomwanakomana, uye akamutumidza zita rokuti Bheni-Ami; ndiye baba wavaAmoni vanhasi.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]