Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 18 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now our Father appeared to Abraham at the oaks of Mamre while he sat at his tent's entrance in the day's heat. Jehovha akazviratidza kuna Abhurahama pedyo nemiti mikuru yeMamure panguva yaakanga agere pamukova wokupinda patende rake masikati zuva richipisa.
2 He looked up and saw three men standing near him. Seeing them, he ran from his tent entrance to meet them and bowed to the ground. Abhurahama akasimudza meso ake ndokuona varume vatatu vamire naye. Akati avaona, akamhanya achibva pamukova wetende rake kuti andosangana navo uye akakotamira pasi.
3 He said, "My Sovereign Father, if I have found favor with you, please don't pass by your servant. Akati, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu, musapfuura henyu muranda wenyu.
4 Let a little water be brought to wash your feet and rest under the tree. Regai muvigirwe mvura shoma, mugoshamba tsoka dzenyu mose uye mugozorora pasi pomuti uyu.
5 Let me bring a piece of bread so you can refresh yourselves before you go on, since you've come to your servant." They said, "Do as you've said." Regai ndikutorerei zvokudya kuti mudye, kuitira kuti musimbiswe ipapo mugoenderera henyu mberi norwendo rwenyu, sezvo zvino masvika pamuranda wenyu.” Vakapindura vakati, “Zvakanaka, ita hako sezvawareva.”
6 Abraham hurried into the tent to Sarah and said, "Quick, take about twenty-five pounds of fine flour, knead it, and make bread." Saka Abhurahama akakurumidza kuenda kutende kuna Sara. Akati kwaari, “Kurumidza, tora zviero zvitatu zvoupfu hwakatsetseka uhukanye ugobika chingwa.”
7 Abraham ran to the herd, took a tender, good calf, and gave it to the servant, who hurried to prepare it. Ipapo iye akamhanyira kumombe akandosarudza mhuru yakaisvonaka, akaipa kumuranda, uyo akakurumidza kuigadzira.
8 He took curds, milk, and the calf that had been prepared, set them before the men, then stood by them under the tree while they ate. Ipapo akauyisa ruomba nomukaka uye nemhuru yakanga yagadzirwa, akazvigadzika pamberi pavo. Pavakanga vachidya, akamira pedyo navo pasi pomuti.
9 They asked him, "Where is Sarah your wife?" "There, in the tent," he said. Vakamubvunza vakati, “Mukadzi wako Sara aripiko?” Iye akati, “Ari mutende umo.”
10 Then our Father said, "I will certainly return to you at this time next year, and Sarah your wife will have a son." Sarah listened at the tent entrance behind him. Ipapo Jehovha akati, “Zvirokwazvo ndichadzokazve gore rinouya nenguva inenge seino, uye Sara mukadzi wako achava nomwanakomana.” Zvino Sara akanga achiteerera ari pamukova wetende wakanga uri shure kwake.
11 Abraham and Sarah were old, advanced in years; Sarah had stopped menstruating. Abhurahama naSara vakanga vakwegura uye vava namakore mazhinji, uye Sara akanga atopfuura zera rokubereka vana.
12 Sarah laughed within herself, saying, "After I'm worn out, will I have pleasure, my lord being old too?" Saka Sara akaseka mumwoyo make paakafunga achiti, “Ndichazovawo nomufaro uyu here zvino shure kwokuchembera kwangu, vatenzi vangu vakwegura?”
13 Then our Father said to Abraham, "Why did Sarah laugh, saying, 'Will I really bear a child, old as I am?' Ipapo Jehovha akati kuna Abhurahama, “Seiko Sara aseka achiti, ‘Ndichava nomwana zvechokwadi here, sezvo zvino ndakwegura?’
14 Is anything too hard for your Father? I will return to you at the appointed time next year, and Sarah will have a son." Pane chinhu chakaoma kuna Jehovha here? Ndichadzokazve kwauri gore rinouya senguva dzakatarwa uye Sara achava nomwanakomana.”
15 Sarah denied it, saying, "I didn't laugh," for she was afraid. He said, "No, you did laugh." Sara akatya, saka akareva nhema akati, “Handina kuseka.” Asi iye akati, “Hongu, waseka.”
16 The men set out from there and looked down toward Sodom, and Abraham walked with them to see them off. Varume vakati vasimuka kuti vaende, vakatarisa vakananga zasi kuSodhomu, uye Abhurahama akafamba navo achivaperekedza.
17 Now our Father said, "Will I hide from Abraham what I am about to do, Ipapo Jehovha akati, “Ko, ndichavanzira Abhurahama zvandiri kuda kuita here.
18 since Abraham will surely become a great and mighty nation, and all earth's nations will be blessed through him? Zvirokwazvo Abhurahama achava rudzi rukuru rune simba, uye ndudzi dzose dzapanyika dzicharopafadzwa kubudikidza naye.
19 For I have chosen him, so that he will direct his children and his household after him to keep my way by doing what is right and just, so that I may fulfill what I have promised Abraham." Nokuti ndakamusarudza kuti agotungamirira vana vake neveimba yake kuti vachengete nzira yaJehovha nokuita zvakanaka nezvakarurama, kuitira kuti Jehovha agouyisa pamusoro paAbhurahama zvaakamuvimbisa.”
20 Then our Father said, "The cry against Sodom and Gomorrah is great, and their sin very serious, Ipapo Jehovha akati, “Kuchema pamusoro peSodhomu neGomora kukuru kwazvo uye chivi chavo chaipisisa
21 that I will go down and see whether they have done entirely as the outcry reaching me claims; if not, I will know." zvokuti ndichaburuka kuti ndinoona kana zvavakaita zvakanyanya kuipa sokuchema kwakasvika kwandiri. Kana zvisina kudaro, ndichazviziva.”
22 So the men turned from there and went toward Sodom, while Abraham remained standing before our Father. Vanhu vaya vakabvapo uye vakaenda vakananga kuSodhomu, asi Abhurahama akaramba amire pamberi paJehovha.
23 Then Abraham drew near and said, "Will you really sweep away the righteous along with the wicked? Ipapo Abhurahama akaswedera kwaari akati, “Ko, muchaparadza vakarurama pamwe chete navakaipa here?
24 Suppose fifty righteous are in the city—will you really sweep it away, not sparing the place for the sake of the fifty righteous in it? Ko, kana muguta mune vanhu makumi mashanu vakarurama? Muchariparadza zvechokwadi here mukasasiya nzvimbo iyo nokuda kwavanhu makumi mashanu varimo?
25 Far be it from you to kill the righteous with the wicked, treating them alike! Far be it from you! Won't the Judge of all the earth do justice?" Zvakadaro ngazvive kure nemi kuti muite chinhu chakadai, kuti muuraye vakarurama pamwe chete navatadzi, muchiitira vakarurama zvakafanana navatadzi. Zvakadaro ngazvive kure nemi! Ko, mutongi wenyika yose haangaiti zvakarurama here?”
26 Our Father said, "If I find fifty righteous within the city of Sodom, I'll spare the whole place for them." Jehovha akati, “Kana ndikawana vanhu vakarurama makumi mashanu vari muguta reSodhomu, ndichaponesa nzvimbo yose nokuda kwavo.”
27 Abraham said, "I have dared to speak to my Sovereign Father, though only dust and ashes. Ipapo Abhurahama akataurazve akati, “Zvino zvandatanga kudai kuti nditaure kuna Ishe, kunyange hazvo ndisiri chinhu asi guruva namadota,
28 Suppose the fifty righteous lack five. Will you destroy the whole city for five?" And our Father said, "I won't destroy it if I find forty-five there." ko, kana kukashayikwa vashanu kune vakarurama vana makumi mashanu? Muchaparadza guta rose nokuda kwavashanu ava here?” Akati, “Kana ndikawana makumi mana navashanu imomo, handingariparadzi.”
29 He spoke to him again: "Suppose forty are found there." He said, "For forty's sake I won't do it." Zvakarezve akataura kwaari akati, “Ko, kana kukawanikwa makumi mana chete?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi mana iwayo, handingaiti izvozvo.”
30 Abraham said, "May my Sovereign Father not be angry, and let me speak. Suppose thirty are found there." He said, "I will not do it if I find thirty there." Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai nditaure hangu. Ko, kana makumi matatu chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Handingaiti izvozvo kana ndikawana makumi matatu chete.”
31 Abraham said, "Since I have dared to speak to my Sovereign Father, suppose only twenty are found there." He said, "For twenty's sake, I will not destroy it." Abhurahama akati, “Zvino zvandatsunga hangu kudai kuti nditaure kuna Ishe, ko, kana makumi maviri akawanikwamo?” Iye akati, “Nokuda kwamakumi maviri iwayo, handingariparadzi.”
32 Then he said, "May my Sovereign Father not be angry, let me speak just once more: suppose only ten are found there." And our Father said, "For ten's sake, I will not destroy it." Ipapo akati, “Ishe ngaarege kunditsamwira, asi regai hangu nditaurezve kamwe chete. Ko, kana gumi chete vakawanikwamo?” Iye akapindura akati, “Nokuda kwaivavo gumi, handingariparadzi.”
33 When our Father finished speaking with Abraham, he left; Abraham returned to his place. Jehovha akati apedza kutaura naAbhurahama, akabva, uye Abhurahama akadzoka kumba kwake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]