Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 17 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Abram was ninety-nine years old, our Father appeared to him and said, "I am El Shaddai—your Father Almighty. Walk before me and be blameless. Abhurama akati ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa, Jehovha akazviratidza kwaari akati, “Ndini Mwari Wamasimba Ose; famba pamberi pangu uye uve wakarurama.
2 And I will make my covenant between me and you, and I will multiply you exceedingly." Ndichasimbisa sungano yangu pakati pangu newe uye ndichakukurisa kwazvo.”
3 Then Abram fell on his face, and our Father spoke with him, saying: Abhurama akawira pasi nechiso chake, uye Mwari akati kwaari,
4 "As for me, my covenant is with you, and you will become father of a multitude of nations. “Kana ndirini, iyi ndiyo sungano yangu newe: Uchava baba vendudzi zhinji.
5 Your name will no longer be Abram, but Abraham, for I have made you father of a multitude of nations. Hauchazonzi Abhurama; zita rako richanzi Abhurahama nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji.
6 I will make you extremely fruitful; I will turn you into many nations, and kings will come from you. Ndichakuita kuti uve navana vazhinji; ndichaita ndudzi kubva mauri, uye madzimambo achabva pauri.
7 I will establish my covenant between me and you and your descendants after you, for all generations—an everlasting covenant—to be Father to you and your descendants after you. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi pakati pangu newe uye nezvizvarwa zvako zvinotevera kumarudzi achauya, kuti ndive Mwari wako naMwari wezvizvarwa zvako zvinotevera.
8 I will give you and your descendants after you the land where you live as a foreigner—all the land of Canaan—as an eternal possession; and I will be their Father." Nyika yose yeKenani, mauri mutorwa zvino, ndichaipa kwauri nokusingaperi kuti ive yako nezvizvarwa zvako zvinokutevera; uye ini ndichava Mwari wavo.”
9 Then our Father said to Abraham, "As for you: keep my covenant, you and your children after you, throughout their generations. Ipapo Mwari akati kuna Abhurahama, “Kana uriwe, unofanira kuchengeta sungano yangu, iwe nezvizvarwa zvako zvinokutevera kumarudzi achauya.
10 This is my covenant to keep, between me and you and your descendants after you: every male among you must be circumcised. Iyi ndiyo sungano yangu newe nezvizvarwa zvako zvinokutevera, sungano yaunofanira kuchengeta: Munhurume wose ari pakati penyu anofanira kudzingiswa.
11 Circumcise the flesh of your foreskin; it will be the sign of the covenant between me and you. Munofanira kudzingiswa, uye ichi chichava chiratidzo chesungano pakati pangu newe.
12 Every male among you, generation after generation, must be circumcised at eight days old—whether born in your house or bought with silver from a foreigner not your own offspring. Kubva kuzvizvarwa zvinotevera, mwanakomana mumwe nomumwe ari pakati penyu ava namazuva masere okuberekwa anofanira kudzingiswa, kusanganisa navaya vakaberekerwa mumba mako kana vakatengwa nemari kumutorwa, vaya vasiri vana vako.
13 Everyone born in your house or bought with your money must be circumcised. My covenant will be in your flesh, an everlasting covenant. Angava akaberekerwa mumba mako kana akatengwa nemari yako, vanofanira kudzingiswa. Sungano yangu panyama yenyu inofanira kuva sungano isingaperi.
14 Any uncircumcised male not circumcised in his foreskin's flesh will be cut off from his people—he has broken my covenant." Munhurume upi zvake, asina kudzingiswa panyama, achabviswa pavanhu vokwake; aputsa sungano yangu.”
15 Then our Father said to Abraham, "Don't call your wife Sarai anymore—her name is Sarah. Mwari akatiwo kuna Abhurahama, “Kana ari Sarai mukadzi wako, hauchazomutizve Sarai; zita rake richanzi Sara.
16 I will bless her and indeed give you a son by her. I will bless her—she will become nations; kings of peoples will come from her." Ndichamuropafadza uye zvirokwazvo ndichakupa mwanakomana naye. Ndichamuropafadza kuitira kuti agozova mai vendudzi; madzimambo amarudzi achabva kwaari.”
17 Abraham fell on his face, laughing, and said to himself, "Can a son be born to a man who is one hundred years old? Can ninety-year-old Sarah give birth?" Abhurahama akawira pasi nechiso chake, akaseka uye akati mumwoyo make, “Ko, mwanakomana angaberekwa nomunhu ava namakore zana okuberekwa here? Ko, Sara angabereka mwana iye ava namakore makumi mapfumbamwe here?”
18 Then Abraham said to our Father, "If only Ishmael might live in your presence!" Uye Abhurahama akati kuna Mwari, “Dai hazvo Ishumaeri agara hake pamaropafadzo enyu!”
19 But our Father said, "No, your wife Sarah will bear you a son, and you will name him Isaac. I will confirm my covenant with him, an everlasting covenant for his descendants after him. Ipapo Mwari akati, “Hongu, asi mukadzi wako Sara achakuberekera mwanakomana, uye uchamutumidza kuti Isaka. Ndichasimbisa sungano yangu sesungano isingaperi yezvizvarwa zvake zvinomutevera.
20 As for Ishmael, I have heard you. I will bless him, make him fruitful, and multiply him exceedingly. He will father twelve leaders, and I will make him into a great nation. Uye kana ari Ishumaeri, ndakanzwa: Ndichamuropafadza zvirokwazvo, ndichamuita kuti ave navana vazhinji uye ndichaita kuti vawande kwazvo. Achava baba wavatongi gumi navaviri, uye ndichamuita rudzi rukuru.
21 But I will confirm my covenant with Isaac, whom Sarah will bear you at this time next year." Asi ndichasimbisa sungano yangu naIsaka, uyo achaberekerwa iwe naSara nenguva ino gore rinouya.”
22 When he had finished speaking with Abraham, our Father went up from him. Akati apedza kutaura naAbhurahama, Mwari akakwira kumusoro achibva paari.
23 Then Abraham took Ishmael his son, everyone born in his household, and everyone bought with his money—every male in Abraham's household—and circumcised the flesh of their foreskins that very day, as our Father had told him. Pazuva racho iroro Abhurahama akatora mwanakomana wake Ishumaeri navose vakaberekwa mumba make kana vakanga vatengwa nemari, vanhurume vose vaiva mumba make, akavadzingisa, sezvaakanga audzwa naMwari.
24 Abraham was ninety-nine years old when he was circumcised in the flesh of his foreskin. Abhurahama akanga ava namakore makumi mapfumbamwe namapfumbamwe okuberekwa paakadzingiswa,
25 His son Ishmael was thirteen when he was circumcised in the flesh of his foreskin. uye Ishumaeri mwanakomana wake akanga ava namakore gumi namatatu okuberekwa;
26 On that very day Abraham and Ishmael his son were circumcised. Abhurahama naIshumaeri mwanakomana wake vakadzingiswa vose zuva rimwe chete iroro.
27 All the men of his household—house-born and bought with silver from a foreigner—were circumcised with him. Uye munhurume wose aiva mumba maAbhurahama, kusanganisa vaya vakaberekerwa mumba make kana vakanga vatengwa kubva kuvatorwa, vakadzingiswa pamwe chete naye.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]