Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 16 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Sarai, Abram's wife, had borne him no children. She had an Egyptian servant named Hagar. Zvino Sarai, mukadzi waAbhurama, akanga asina kumuberekera vana. Asi iye akanga ano murandakadzi wechiIjipita ainzi Hagari;
2 Sarai told Abram, "Look, our Father has kept me from bearing children. Go sleep with my servant; maybe I'll build a family through her." Abram did as Sarai said. saka akati kuna Abhurama, “Jehovha akandikonesa kubereka vana. Enda hako undovata nomurandakadzi wangu; zvimwe ndingaita mhuri kubudikidza naye.” Abhurama akabvuma zvakanga zvataurwa naSarai.
3 After Abram had lived in Canaan ten years, Sarai his wife took her Egyptian servant Hagar and gave her to her husband Abram as a wife. Saka shure kwokugara kwaAbhurama kwamakore gumi muKenani, Sarai mukadzi wake akatora Hagari murandakadzi wake wechiIjipita akamupa kumurume wake kuti ave mukadzi wake.
4 He slept with Hagar; she conceived, and seeing she was pregnant, she despised her mistress. Akavata naHagari uye Hagari akabata pamuviri. Paakaziva kuti akanga ava napamuviri, akatanga kuzvidza tenzikadzi wake.
5 Sarai said to Abram, "My wrong is on you. I gave my servant into your arms; now she sees she's pregnant, she despises me. May our Father judge between me and you." Ipapo Sarai akati kuna Abhurama, “Ndiwe waita kuti nditambudzike. Ndakaisa murandakadzi wangu mumaoko ako, uye zvino zvaava kuziva kuti ava napamuviri, ava kundizvidza. Mwari ngaatonge pakati pangu newe.”
6 Abram told Sarai, "Your servant is in your hands; do to her what seems good to you." Sarai mistreated her, and she fled from her presence. Abhurama akati, “Murandakadzi wako ari mumaoko ako. Ita naye zvaunofunga kuti zvakaisvonaka.” Ipapo Sarai akabata Hagari zvakaipa; saka akatiza.
7 The messenger of our Father found Hagar at the wilderness spring, the spring on the way to Shur. Mutumwa waJehovha akawana Hagari ari pedyo netsime raiva murenje; rakanga riri tsime rakanga riri parutivi pomugwagwa unoenda kuShuri.
8 "Hagar, Sarai's servant," he said, "where have you come from, and where are you going?" "I'm running away from my mistress Sarai," she replied. Uye akati, “Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko, uye uri kuendepiko?” Iye akati, “Ndiri kutiza kubva kuna tenzikadzi wangu Sarai.”
9 "Go back to your mistress," the messenger of our Father told her, "and submit to her authority." Ipapo mutumwa waJehovha akati kwaari, “Dzokera kuna tenzikadzi wako undozvininipisa pasi pake.”
10 The messenger of our Father told her, "I will multiply your descendants until they can't be counted." Mutumwa akatizve, “Ndichawandisa zvizvarwa zvako zvokuti havangaverengeki.”
11 The messenger of our Father also said to her: "You are now pregnant and will give birth to a son. You will name him Ishmael, for I have heard of your misery. Mutumwa waJehovha akatiwo kwaari: “Iye zvino wava nemimba uye uchava nomwanakomana. Uchamutumidza zita rokuti Ishumaeri, nokuti Jehovha anzwa nezvokutambura kwako.
12 He will be a wild donkey of a man, his hand against everyone and everyone's hand against him, and he will live in hostility toward all his brothers." Achava mbongoro yomusango: ruoko rwake rucharwa navanhu vose uye ruoko rwavanhu vose rucharwa naye, uye achararama mukupesana nehama dzake dzose.”
13 She named our Father who spoke to her, "You are El Roi—my God who sees me," for she said, "I have now seen the One who sees me." Hagari akapa zita iri kuna Jehovha akataura naye akati: “Ndimi Jehovha anondiona,” nokuti akati, “Zvino ndaona Iye anondiona.”
14 That is why the well was called Beer-lahai-roi; it lies between Kadesh and Bered. Ndokusaka tsime rakanzi Bheeri Rahai Roi; richiripo, pakati peKadheshi neBheredhi.
15 So Hagar bore Abram a son, and Abram named the son she had borne Ishmael. Saka Hagari akaberekera Abhurama mwanakomana, uye Abhurama akapa zita rokuti Ishumaeri kumwanakomana waakanga abereka.
16 Abram was eighty-six years old when Hagar bore him Ishmael. Abhurama akanga ava namakore makumi masere namatanhatu okuberekwa paakaberekerwa mwanakomana naHagari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]