Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 21 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now our Father visited Sarah, just as he had said, and did for her what he had promised. Zvino Jehovha akaitira Sara nyasha sezvaakanga areva, uye Jehovha akaitira Sara zvaakanga avimbisa.
2 Sarah conceived, bore Abraham a son in his old age, at the set time our Father had promised him. Sara akava nemimba uye akaberekera Abhurahama mwanakomana munguva yokukwegura kwake, panguva chaiyo yakanga yavimbiswa naMwari.
3 Abraham named the son Sarah had borne him Isaac. Abhurahama akatumidza mwanakomana waakaberekerwa naSara zita rokuti Isaka.
4 Abraham circumcised his son Isaac at eight days old, as our Father had commanded him. Mwanakomana wake Isaka paakanga ava namazuva masere okuberekwa, Abhurahama akamudzingisa, sezvaakanga arayirwa naMwari.
5 Abraham was one hundred years old when his son Isaac was born to him. Abhurahama akanga ava namakore okuberekwa zana paakaberekerwa mwanakomana wake Isaka.
6 Sarah said, "our Father made me laugh; everyone who hears will laugh with me." Sara akati, “Mwari andivigira kuseka, uye vose vachanzwa nezvazvo vachaseka neni.”
7 She added, "Who would have told Abraham that Sarah would nurse children? Yet I've borne him a son in his old age." Uye akatizve, “Ndianiko aizoti kuna Abhurahama, Sara achazorera vana? Asi ndamuberekera mwanakomana panguva yokukwegura kwake.”
8 The child grew and was weaned; the day Isaac was weaned, Abraham threw a great feast. Mwana akakura uye akarumurwa, uye pazuva rakarumurwa Isaka, Abhurahama akaita mutambo mukuru.
9 But Sarah saw the son whom Hagar the Egyptian had borne to Abraham, and he was mocking. Asi Sara akaona mwanakomana akanga aberekerwa Abhurahama naHagari muIjipita achiseka,
10 She said to Abraham, "Drive out this slave woman and her son; this slave woman's son will never inherit with my son Isaac." ndokubva ati kuna Abhurahama, “Dzinga mukadzi murandakadzi uyo nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi uyo haangatongogovani nhaka nomwanakomana wangu Isaka.”
11 This troubled Abraham deeply, because it concerned his son. Nyaya iyi yakatambudza Abhurahama zvikuru kwazvo nokuti yaiva nechokuita nomwanakomana wake.
12 But our Father said to Abraham, "Don't be upset about the boy and your slave woman. Listen to Sarah in all she tells you, for your offspring will be named through Isaac. Asi Mwari akati kwaari, “Usanyanya kutambudzika hako pamusoro pomukomana uye napamusoro pomurandakadzi wako. Teerera zvaunoudzwa naSara, nokuti muna Isaka ndimo muchaverengerwa vana vako.
13 I will also make the slave woman's son a nation, since he is your offspring." Ndichaitawo rudzi kubudikidza nomwanakomana womurandakadzi, nokuti naiyewo mwana wako.”
14 Early next morning Abraham took bread and a skin of water, gave them to Hagar, put them on her shoulder along with the child, and sent her away. She left and wandered the wilderness of Beersheba. Mangwanani akatevera, Abhurahama akatora zvokudya neguchu redehwe rine mvura akazvipa kuna Hagari. Akazviisa pamapfudzi ake ipapo akamuendesa pamwe chete nomukomana. Akaenda uye akadzungaira ari mugwenga reBheerishebha.
15 When the water in the waterskin was gone, she put the boy under one of the bushes. Mvura yaiva muguchu redehwe yakati yapera, akaisa mukomana pasi pegwenzi.
16 She went and sat down about a bowshot away, for she said, "I can't watch the boy die." Then she sat there, lifted her voice, and wept. Ipapo akabvapo akandogara pedyo naipapo, nhambwe inenge ingasvika museve, nokuti akafunga mumwoyo make akati, “Handingatariri mukomana achifa.” Uye agere pedyo ipapo akatanga kuchema.
17 Our Father heard the boy's voice; his messenger called to Hagar from heaven: "What's wrong, Hagar? Don't be afraid—our Father has heard the boy's voice where he lies. Mwari akanzwa mukomana achichema, uye mutumwa waMwari akadana Hagari kubva kudenga akati kwaari, “Zvaita seiko Hagari? Usatya; Mwari anzwa kuchema kwomukomana paakavata apo.
18 Get up, lift the boy and take him by the hand, for I will make him a great nation." Simudza mukomana umubate noruoko, nokuti ndichamuita rudzi rukuru.”
19 Then our Father opened her eyes; she saw a well of water, went and filled the waterskin, then gave the boy a drink. Ipapo Mwari akasvinudza meso ake uye akaona tsime remvura. Saka akaenda akandozadza guchu nemvura ndokubva apa mukomana kuti anwe.
20 Our Father was with the boy as he grew up. He lived in the wilderness and became an archer. Mwari akava nomukomana pakukura kwake. Akagara mugwenga akazova munhu aipfura nouta.
21 He lived in the wilderness of Paran, and his mother got him a wife from Egypt. Paakanga achigara mugwenga reParani, mai vake vakamutsvakira mukadzi aibva kuIjipiti.
22 At that time, Abimelech and Phicol, commander of his army, said to Abraham, "God is with you in all you do. Panguva iyoyo Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake, akati kuna Abhurahama, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita.
23 Now swear to me here by God that you won't betray me, my children, or my descendants. Show me and this land where you've lived as a foreigner the same kindness I've shown you." Zvino ndipikire pano pamberi paMwari kuti hauzondinyengeri ini, kana vana vangu kana zvizvarwa zvangu. Ndiitirei tsitsi ini nenyika yaugere mairi somutorwa, kuti sezvandakakuitira tsitsi uchaita zvimwe chetezvo newewo.”
24 Abraham said, "I swear it." Abhurahama akati, “Ndinopika.”
25 Then Abraham complained to Abimelech about a well of water that Abimelech's servants had seized. Ipapo Abhurahama akamhanʼara kuna Abhimereki pamusoro petsime remvura rakanga ratorwa navaranda vaAbhimereki.
26 Abimelech replied, "I don't know who did this. You didn't tell me, and I only heard of it today." Asi Abhimereki akati, “Handizivi akaita izvozvo. Iwe hauna kundiudza, uye ndatozvinzwa izvozvo nhasi chaiye.”
27 Abraham took sheep and cattle and gave them to Abimelech, and the two made a covenant. Saka Abhurahama akauya namakwai nemombe akazvipa kuna Abhimereki, uye varume vaviri ava vakaita sungano.
28 Abraham set apart seven ewe lambs from the flock, Abhurahama akatsaura sheche nomwe dzamakwayana kubva kuboka,
29 and Abimelech asked Abraham, "What is the meaning of these seven ewe lambs you have set apart?" uye Abhimereki akabvunza Abhurahama akati, “Sheche dzamakwai idzi dzawatsaura dzinoreveiko?”
30 He replied, "Accept these seven ewe lambs from me as proof that I dug this well." Akapindura achiti, “Gamuchira makwayana manomwe aya kubva muruoko rwangu sechapupu chokuti ndini ndakachera tsime iri.”
31 So that place was called Beersheba, because there the two of them swore an oath. Saka nzvimbo iyo yakanzi Bheerishebha, nokuti varume vaviri ava vakapika mhiko ipapo.
32 So they made a covenant at Beersheba. Then Abimelech and Phicol, his army commander, returned to Philistine land. Mushure mokuitwa kwesungano paBheerishebha, Abhimereki naPikori mukuru wamauto ake vakadzokera kunyika yavaFiristia.
33 Abraham planted a tamarisk in Beersheba, and there he called on the name of our Father, El Olam—our everlasting Father. Abhurahama akadyara muti womutamarisiki muBheerishebha, uye ipapo akadana kuzita raJehovha, Mwari Wokusingaperi.
34 And Abraham stayed in the land of the Philistines for a long time. Uye Abhurahama akagara munyika yavaFiristia kwenguva refu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]