Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 12 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now our Father said to Abram, "Go from your land, your relatives, and your father's house, to the land that I will show you. Jehovha akanga ati kuna Abhurama, “Siya nyika yako, vanhu vako neimba yababa vako uye uende kunyika yandichakuratidza.
2 I will make you into a great nation, and I will bless you; I will make your name great, so that you will be a blessing. “Ndichakuita rudzi rukuru uye ndichakuropafadza; ndichaita kuti zita rako rive guru, uye iwe uchava ropafadzo.
3 I will bless those who bless you, and whoever curses you I will curse; and through you all the families of the earth will be blessed." Ndicharopafadza vaya vanokuropafadza, uye ani naani anokutuka ndichamutuka; uye marudzi ose ari panyika acharopafadzwa kubudikidza newe.”
4 Abram went as our Father told him, and Lot went with him. Abram was seventy-five when he left Haran. Saka Abhurama akabva, sezvaakanga audzwa naJehovha; uye Roti akaenda naye. Abhurama akanga ava namakore makumi manomwe namashanu okuberekwa paakasimuka kubva paHarani.
5 Abram took his wife Sarai, his nephew Lot, all the possessions they had gathered, and the people they had acquired in Haran, and set out for the land of Canaan, and came to the land of Canaan. Akatora mukadzi wake Sarai, mwanakomana womununʼuna wake Roti, pfuma yose yavakanga vava nayo, navanhu vavakanga vawana muHarani, uye vakasimuka vakaenda kunyika yeKenani, uye vakasvika ikoko.
6 Abram passed through the land to the site of Shechem, to the oak of Moreh. The Canaanites were then in the land. Abhurama akafamba nomunyika kusvikira panzvimbo yomuti mukuru weMore paShekemu. Panguva iyoyo vaKenani vakanga vari munyika.
7 Then our Father appeared to Abram and said, "To your offspring I will give this land." So Abram built an altar there to our Father, who appeared to him. Jehovha akazviratidza kuna Abhurama akati, “Ndichapa nyika iyi kuvana vako.” Saka akavakira Jehovha aritari ipapo, iye akanga azviratidza kwaari.
8 From there he moved to the hill country east of Bethel and pitched his tent, Bethel to the west, Ai to the east. He built an altar there to our Father and called on our Father's name. Kubva ipapo akaenda mberi akananga kuzvikomo zviri kumabvazuva kweBheteri uye akadzika tende rake ikoko, Bheteri riri kumavirira uye Ai riri kumabvazuva. Akavakira Jehovha aritari ipapo uye akadana kuzita raJehovha.
9 Then Abram continued on his way, journeying toward the Negev. Uye Abhurama akasimuka akaenda mberi akananga kuNegevhi.
10 Since famine struck the land, Abram went down to Egypt to stay there, for the famine was severe in the land. Zvino nzara yakanga iripo panyika, uye Abhurama akaburuka akaenda kuIjipiti kuti andogara ikoko kwechinguva nokuti nzara yakanga iri huru kwazvo.
11 Nearing Egypt, he said to his wife Sarai, "I know you are a beautiful woman. Paakanga oda kupinda muIjipiti, akati kumukadzi wake, Sarai, “Ndinoziva kuti uri mukadzi akanakisa.
12 When the Egyptians see you, they'll say, 'This is his wife,' and kill me but keep you alive. Pauchaonekwa navaIjipita, vachati, ‘Uyu ndiye mukadzi wake.’ Ipapo vachandiuraya asi iwe vachakurega uri mupenyu.
13 Please say you're my sister, so it goes well for me because of you, and I stay alive for your sake." Saka uti uri hanzvadzi yangu, kuti ndigobatwa zvakanaka nokuda kwako uye upenyu hwangu hucharwirwa nokuda kwako.”
14 When Abram entered Egypt, the Egyptians saw that the woman was very beautiful. Abhurama akati asvika kuIjipiti, vaIjipita vakaona kuti akanga ane mukadzi akanaka kwazvo.
15 Pharaoh's officials saw her, praised her to Pharaoh, and the woman was taken into Pharaoh's palace. Uye machinda aFaro vakati vamuona, vakandomurumbidza kuna Faro, uye vakabva vamutora vakamupinza mumuzinda wake.
16 He treated Abram well for her sake, and Abram acquired sheep, cattle, male and female donkeys, male and female servants, and camels. Akabata Abhurama zvakanaka nokuda kwake, uye Abhurama akava namakwai nemombe, makono embongoro namakadzi, varandarume navarandakadzi uye nengamera.
17 But our Father struck Pharaoh and his household with severe plagues because of Sarai, Abram's wife. Asi Jehovha akatambudza Faro neveimba yake nehosha yakaipisisa nokuda kwaSarai mukadzi waAbhurama.
18 Pharaoh summoned Abram: "What is this you've done to me? Why didn't you tell me she was your wife? Saka Faro akadana Abhurama akati, “Waiteiko kwandiri? Wakaregereiko kundiudza kuti uyu mukadzi wako?
19 Why did you say, 'She's my sister,' so I took her as my wife? Here's your wife now—take her and go." Seiko wakati, ‘Ihanzvadzi yangu,’ nokudaro ndakamutora kuti ave mukadzi wangu? Naizvozvo zvino, hoyu mukadzi wako. Mutore uende!”
20 Pharaoh ordered his men about Abram, and they sent him off with his wife and all he owned. Ipapo Faro akarayira varanda vake pamusoro paAbhurama, vakamurega achienda nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]