Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 13 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Abram went up from Egypt to the Negev, he, his wife, all he had, and Lot with him. Saka Abhurama akakwidza achibva kuIjipiti akaenda kuNegevhi, nomukadzi wake uye nezvinhu zvose zvaakanga anazvo, uye Roti akaenda naye.
2 Now Abram had become very rich in livestock, in silver, and in gold. Abhurama akanga apfuma kwazvo pamombe nesirivha uye negoridhe.
3 He went by stages from the Negev to Bethel, to the place between Bethel and Ai where his tent stood before, Kubva kuNegevhi akafamba nzvimbo nenzvimbo kudzamara asvika kuBheteri, kunzvimbo iri pakati peBheteri neAi kwaimbova netende rake kare
4 and where he had first built an altar. There Abram called on the name of our Father. uye kwaakanga atanga kuvaka aritari. Abhurama akadana kuzita raJehovha ikoko.
5 Now Lot, who was traveling with Abram, also had flocks and herds and tents. Zvino Roti, uyo akanga achifamba naAbhurama, akanga ana makwai nemombewo namatende.
6 The land could not support them living together; their possessions were too great to stay together. Asi nyika haina kugona kuvaringana kuti vagare pamwe chete, nokuti pfuma yavo yakanga yakawanda kwazvo zvokuti vakanga vasisakwanisi kugara pamwe chete.
7 A quarrel arose between Abram's herders and Lot's herders. The Canaanites and Perizzites were living in the land at that time. Uye gakava rakamuka pakati pavafudzi vaAbhurama navafudzi vaRoti. VaKenani navaPerizi vakanga vachigarawo munyika panguva iyoyo.
8 Abram said to Lot, "Let's not quarrel—you and me, or your herders and mine—we're brothers. Saka Abhurama akati kuna Roti, “Ngaparege kuva negakava pakati pako neni, kana pakati pavafudzi vako nevangu, nokuti tiri hama.
9 Isn't the whole land before you? Please, separate from me: if left, I'll go right; if right, I'll go left." Ko, nyika yose iyi haisi pamberi pako here? Ngatiparadzane. Kana ukaenda kuruboshwe, ini ndichaenda kurudyi; kana ukaenda kurudyi, ini ndichaenda kuruboshwe.”
10 Lot looked up and saw that the whole Jordan plain toward Zoar was well watered everywhere—like our Father's garden, like Egypt's land. (This was before our Father destroyed Sodom and Gomorrah.). Roti akatarira kumusoro akaona bani rose reJorodhani kuti rakanga rakanyatsonyorova, sebindu raJehovha, kufanana nenyika yeIjipiti, kwakanangana neZoari. (Panguva iyi Jehovha akanga achigere kuparadza Sodhomu neGomora.)
11 Lot chose the whole Jordan plain for himself and traveled eastward; the two parted from each other. Saka Roti akazvisarudzira bani rose reJorodhani uye akasimuka akananga kumabvazuva. Varume vaviri ava vakaparadzana:
12 Abram lived in the land of Canaan; Lot lived among the cities of the plain and pitched tents as far as Sodom. Abhurama akagara munyika yeKenani, Roti akagara pakati pamaguta omumapani uye akadzika matende ake pedyo neSodhomu.
13 Now the people of Sodom were wicked, sinning greatly against our Father. Zvino varume veSodhomu vakanga vakaipa uye vaitadzira Jehovha kwazvo.
14 After Lot parted from him, our Father told Abram, "Look up from where you stand: north, south, east, and west. Jehovha akati kuna Abhurama shure kwokubva kwaRoti, “Simudza meso ako uri pauri ipapo uye utarire kumusoro nezasi, kumabvazuva nokumavirira.
15 For all the land that you see I will give to you and to your children forever. Nyika yose yauri kuona ndichakupa iwe navana vako nokusingaperi.
16 I will make your children like the dust of the earth—if the dust of the earth can be counted, so can your children. Ndichaita kuti vana vako vave seguruva renyika, zvokuti kana pano munhu angagona kuverenga guruva, naizvozvo vana vako vachagona kuverengwawo.
17 Get up, walk the land's length and breadth, for I am giving it to you." Enda, famba munyika, muurefu nomuupamhi hwayo, nokuti ndichaipa kwauri.”
18 Abram pitched his tents, went and settled by the oaks of Mamre at Hebron, and built an altar there to our Father. Saka Abhurama akabvisa matende ake uye akandogara pedyo nemiti mikuru yeMamure paHebhuroni, uye akavakira Jehovha aritari ipapo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]