Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Genesis 11 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Now the whole earth had one language and a common speech. Zvino nyika yose yakanga ino rurimi rumwe chete nokutaura kwakafanana.
2 And as they migrated eastward, they found a plain in the land of Shinar and settled there. Vanhu vakati vachitamira kumabvazuva, vakawana bani romuShinari vakagaramo.
3 They said to each other, "Come, let's make bricks and fire them hard." They used brick for stone, tar for mortar. Vakataurirana vakati, “Uyai, ngatiitei zvidhina tigozvipisa kwazvo.” Vakashandisa zvidhina pachinzvimbo chamabwe, uye bhitumini ikava dhaka ravo.
4 Then they said, "Come, let's build us a city and tower with its top in the sky, and make us a name, so we don't scatter over the face of the whole earth." Ipapo vakati, “Uyai, ngatizvivakirei guta neshongwe inosvika kudengadenga, kuti tizviitire mukurumbira uye kuti tirege kupararira panyika yose.”
5 But our Father came down to see the city and the tower that the people were building. Asi Jehovha akaburuka pasi kuti azoona guta neshongwe yakanga ichivakwa navanhu.
6 And our Father said, "Look, they are one people with one language, and this is only the start of what they will do. Now nothing they plan to do will be impossible for them. Jehovha akati, “Kana vanhu ava vava somunhu mumwe, vachitaura rurimi rumwe chete, vakatanga kuita izvi, zvino hapana chinhu chavanoronga kuti vachiite chichavaomera.
7 Come, let's go down there and scramble their language, so no one understands a neighbor's language." Uyai, ngatiburukei tindovapesanisa mutauro wavo kuti varege kunzwisisana.”
8 So our Father scattered them from there across all the earth's face, and they stopped building the city. Saka Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose ipapo, uye vakarega kuvaka guta.
9 So it was called Babel, for there our Father confused all the earth's language, and from there scattered them over all the earth's face. Ndokusaka nzvimbo iyo yakanzi Bhabheri, nokuti ipapo Jehovha akapesanisa mutauro wenyika yose. Kubva ipapo Jehovha akavaparadzira pamusoro penyika yose.
10 This is Shem's account: at 100, he fathered Arpachshad, two years after the flood. Iyi ndiyo rondedzero yamarudzi aShemu. Makore maviri shure kwamafashamu, Shemu paakanga ava namakore zana okuberekwa, akabereka Afakisadhi.
11 Shem lived 500 years after he fathered Arpachshad, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka Afakisadhi, Shemu akararama kwamakore mazana mashanu uye akava navamwe vanakomana navanasikana.
12 When Arpachshad had lived thirty-five years, he fathered Shelah. Afakisadhi akati ava namakore makumi matatu namashanu okuberekwa, akabereka Shera.
13 Arpachshad lived 403 years after he fathered Shelah, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Shera, Afakisadhi akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
14 When Shelah had lived thirty years, he fathered Eber. Shera akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Ebheri.
15 Shelah lived 403 years after he fathered Eber, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Ebheri, Shera akararama kwamakore mazana mana namatatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
16 When Eber had lived thirty-four years, he fathered Peleg. Ebheri akati ava namakore makumi matatu namana okuberekwa, akabereka Peregi.
17 Eber lived 430 years after he fathered Peleg, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Peregi, Ebheri akararama kwamakore mazana mana namakumi matatu uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
18 When Peleg had lived thirty years, he fathered Reu. Peregi akati ava namakore makumi matatu, okuberekwa akabereka Reu.
19 Peleg lived 209 years after he fathered Reu, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Reu, Peregi akararama kwamakore mazana maviri namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
20 When Reu had lived thirty-two years, he fathered Serug. Reu akati ava namakore makumi matatu namaviri okuberekwa, akabereka Serugi.
21 Reu lived 207 years after he fathered Serug, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Serugi, Reu akararama kwamakore mazana maviri namanomwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
22 When Serug had lived thirty years, he fathered Nahor. Serugi akati ava namakore makumi matatu okuberekwa, akabereka Nahori.
23 Serug lived 200 years after he fathered Nahor, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Nahori, Serugi akararama kwamakore mazana maviri uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
24 When Nahor had lived twenty-nine years, he fathered Terah. Nahori akati ava namakore makumi maviri namapfumbamwe okuberekwa, akabereka Tera.
25 Nahor lived 119 years after he fathered Terah, and had other sons and daughters. Uye shure kwokubereka kwake Tera, Nahori akazorarama kwamakore zana negumi namapfumbamwe uye akazova navamwe vanakomana navanasikana.
26 When Terah had lived seventy years, he fathered Abram, Nahor, and Haran. Shure kwokunge Nahori ava namakore makumi manomwe okuberekwa, akabereka Abhurama, Nahori naHarani.
27 Now these are the generations of Terah. Terah fathered Abram, Nahor, and Haran; and Haran fathered Lot. Iyi ndiyo rondedzero yavana vaTera. Tera akabereka Abhurama, Nahori naHarani. Uye Harani akabereka Roti.
28 Haran died in his birthplace, Ur of the Chaldeans, before his father Terah. Baba vake Tera vachiri vapenyu Harani akafira muUri ravaKaradhea, munyika yaakaberekerwa,
29 Abram and Nahor married; Abram's wife was Sarai, and Nahor's wife was Milcah, daughter of Haran, who was also the father of Iscah. vose vari vaviri Abhurama naNahori vakawana. Zita romukadzi waAbhurama rainzi Sarai, uye zita romukadzi waNahori rainzi Mirika; akanga ari mwanasikana waHarani, baba vaMirika naIsika.
30 Now Sarai was unable to conceive; she had no children. Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana.
31 Terah took his son Abram, his grandson Lot son of Haran, and his daughter-in-law Sarai, Abram's wife, and left Ur of the Chaldeans for Canaan; they reached Haran and settled there. Tera akatora mwanakomana wake Abhurama, muzukuru wake Roti, mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mukadzi womwanakomana wake Abhurama, uye vakaenda kuUri yavaKaradhea pamwe chete kuti vaende kuKenani. Asi vakati vasvika paHarani, vakagara ipapo.
32 Terah lived 205 years, and died in Haran. Tera akararama kwamakore mazana maviri namashanu, uye akafira paHarani.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]