Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Esther 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Later, when King Xerxes' anger cooled, he remembered Vashti, what she had done, and what was decreed against her. Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake.
2 The king's attendants said, "Let beautiful young virgins be sought for the king. Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati,
3 The king should appoint officers in every province of his kingdom to gather every beautiful young virgin to the fortress of Susa, to the harem under Hegai, the king's eunuch guarding the women, and give them beauty treatments. “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa runako ngazvipiwe kwavari.
4 Let the young woman who pleases the king reign in Vashti's place." This pleased the king, and he did so. Zvino musikana uyo anofadza mambo ngaave vahosi pachinzvimbo chaVhashiti.” Zano iri rakafadza mambo, uye akaita saizvozvo.
5 In the fortress of Susa lived a Jew named Mordecai, son of Jair, son of Shimei, son of Kish, a Benjaminite, Zvino munhare yeShushani maiva nomuJudha worudzi rwaBhenjamini, ainzi Modhekai mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi,
6 exiled from Jerusalem among the captives taken with Judah's king Jeconiah, whom Babylon's king Nebuchadnezzar carried away. akanga atapwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ari pakati paavo vakatapwa pamwe chete naJehoyakini mambo weJudha.
7 He was raising Hadassah—Esther—his uncle's daughter, who had no father or mother. The young woman was beautiful in form and lovely to see; when her father and mother died, Mordecai took her as his own daughter. Modhekai aiva nomwanasikana wasekuru vake ainzi Hadhasa, waakanga arera nokuti akanga asina mai kana baba. Musikana uyu ainziwo Esteri, akanga akanaka kwazvo pachimiro napaunhu, uye Modhekai akanga amutora somwanasikana wake pakufa kwakaita mai vake nababa vake.
8 When the king's command and decree were heard and many young women gathered to Susa's fortress under Hegai's care, Esther too was taken to the king's palace, under Hegai's care, keeper of the women. Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai.
9 The young woman pleased him and won his favor, so he quickly gave her beauty treatments and food portions, seven select young women from the king's palace, and moved her and her maids to the best of the harem. Musikana akamufadza akawana nyasha kwaari. Pakarepo akamupa zvinonhuhwira zvinowedzera runako uye nezvokudya zvakatsaurwa. Akamupa vasikana vanomwe vakanga vasarudzwa kubva munhare yamambo ndokumuendesa iye navasikana vake kunzvimbo yakanga yakanakisisa muimba yavakadzi.
10 Esther had not revealed her people or family, because Mordecai told her not to. Esteri akanga asina kutaura rudzi rwake nemhuri yake, kana kwaaibva, nokuti Modhekai akanga amurambidza kuita izvozvo.
11 Every day Mordecai walked back and forth in front of the harem courtyard to learn how Esther was and what happened to her. Zuva rimwe nerimwe aitenderera ari pedyo noruvazhe rwenzvimbo yaigariswa vanhukadzi achida kuona kuti Esteri akadini uye kuti chii chaiitika kwaari.
12 Each young woman's turn to go to King Xerxes came after twelve months of required beauty treatment: six months with oil of myrrh, six with perfumes and cosmetics. Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuhwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuhwira nezvizoro.
13 Each young woman went to the king this way: whatever she asked was given her to take from the harem to the king's palace. Zvino aya ndiwo aiva maendero ake kuna mambo: Aipiwa chinhu chipi nechipi chaaida kutora kuti aende nacho kumuzinda wamambo paainge achibva kwaigara vanhukadzi.
14 She went in at evening; at morning she returned to a second harem under Shaashgaz, the king's eunuch keeping the concubines. She would not return to the king unless he delighted in her and called her by name. Ava manheru aipota achiendako uye mangwanani achidzokera kune rimwe kamuri raigara vanhukadzi kwaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo aiva muchengeti wavarongo. Aisadzokerazve kuna mambo kunze kwokunge mambo afadzwa naye akamudaidza nezita.
15 When Esther's turn came—daughter of Abihail, Mordecai's uncle, who had adopted her as his own—to go to the king, she requested nothing except what Hegai, the king's eunuch guarding the women, advised. Esther won favor with all who saw her. Dzoro raEsteri rakati rasvika (musikana akanga atorwa kuti ave mwana naModhekai, mwanasikana wasekuru vake Abhihairi) rokuenda kuna Mambo, haana chaakakumbira kunze kwezvaakaudzwa naHegai, muranda wamambo aiva mutariri wenzvimbo yaigarwa navanhukadzi. Zvino Esteri akawana nyasha kuna vose vakamuona.
16 Esther was taken to King Xerxes in his royal palace in the tenth month, Tebeth, in the seventh year of his reign. Akaendeswa kuna Mambo Zekisesi muimba youmambo mumwedzi wegumi, mwedzi waTibheti, mugore rechinomwe rokutonga kwake.
17 The king loved Esther more than all the women; she won his favor and approval above all the virgins. So he set the royal crown on her head and made her queen instead of Vashti. Zvino mambo akayevedzwa naEsteri kupfuura ani naani zvake wavamwe vakadzi, uye akawana nyasha kwaari akagamuchirwa kupfuura ani zvake pakati pedzimwe mhandara. Saka akagadza korona youmambo pamusoro wake akamuita vahosi panzvimbo yaVhashiti.
18 The king held a great banquet for all his officials and servants—Esther's banquet. He proclaimed a holiday in the provinces and gave gifts with royal generosity. Zvino mambo akaita mabiko makuru, mabiko aEsteri, achiitira makurukota ake ose navabati. Akadaidzira zuva rezororo munyika dzose akagovera zvipo, zvakawanda sezvakakodzera mambo.
19 Now when the virgins were gathered a second time, Mordecai was sitting at the king's gate. Mhandara dzakati dzaungana kechipiri, Modhekai akanga akagara pasuo ramambo.
20 Esther had not revealed her people or family, as Mordecai directed; she obeyed him just as when he raised her. Asi Esteri akanga avanza nhoroondo yemhuri yake norudzi rwake sezvaakanga audzwa naModhekai, nokuti akaramba achitevera kurayira kwaModhekai nezvaaisiita acharerwa naye.
21 In those days, as Mordecai sat at the king's gate, Bigthan and Teresh, two royal eunuchs guarding the doorway, grew angry and plotted to kill King Xerxes. Panguva iyo Modhekai akanga akagara pasuo ramambo, Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vairinda mukova vakatsamwa ndokubva varangana kuuraya Mambo Zekisesi.
22 But Mordecai learned of the plot and told Queen Esther, who reported it to the king in Mordecai's name. Asi Modhekai akazviziva ndokubva audza Esteri nezverangano iyi, iye ndokuzvizivisa kuna mambo, achiti akanga anzwa naModhekai.
23 The matter was investigated, confirmed true, and both men were impaled on a pole. It was recorded in the book of chronicles before the king. Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]