Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Esther 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 This happened in the days of Xerxes—the Xerxes who reigned from India to Cush over 127 provinces, Izvi ndizvo zvakaitika panguva yaZekisesi, uya Zekisesi akatonga nyika zana namakumi maviri nenomwe kubva kuIndia kusvika kuEtiopia:
2 in those days, when King Xerxes sat on his royal throne in the citadel of Susa, Panguva iyo mambo Zekisesi akatonga ari pachigaro chake choumambo munhare yeShushani
3 in his third year as king he gave a feast for all his officials and servants. The army of Persia and Media, the nobles, and provincial officials were assembled before him, uye mugore rake rechitatu akaitira makurukota ake ose navabati vake mabiko. Vakuru vehondo yePezhia neMedhia, machinda namakurukota enyika aivapo.
4 for 180 days he displayed his kingdom's rich glory and his greatness's splendid honor. Akaratidza kuwanda kwepfuma youmambo hwake uye nokuyevedza nokubwinya kwoumambo hwake kwamazuva zana namakumi masere akazara.
5 When these days ended, the king gave a seven-day feast for everyone in the Susa fortress, great and small, in the courtyard of the palace garden. Mazuva aya akati apera, mambo akaita mabiko akapedza mazuva manomwe, mumunhanga webindu romuzinda wamambo achiitira vanhu vose kubva kuvadiki kusvikira kuvakuru, vaigara munhare yeShushani.
6 White cotton and blue hangings held with fine linen and purple cords to silver rings on marble pillars; gold and silver couches on a mosaic of porphyry, marble, mother-of-pearl, and colored stone. Bindu raiva nezvakarembedzwa zvichena nezvebhuruu zvomucheka, zvakanga zvakasungirirwa nezvisungo zvomucheka muchena nowepepuru, kuzvikochekedzo zvesirivha pamusoro pembiru dzamatombo akanga akavezwa. Paiva nezvigaro zvegoridhe nezvesirivha pamusoro penzira yamatombo mashava, machena namamwewo anokosha.
7 Drinks were served in gold goblets, each different, and royal wine flowed freely by the king's generosity. Waini yaipiwa vanhu mumidziyo yegoridhe, yakasiyana-siyana, uye waini yamambo yakanga yakawanda, samambo, asingavanyimi napaduku.
8 Drinking followed a rule: no compulsion—the king had ordered every household official to grant each man his own wish. Vakakokwa vakabvumirwa kunwa pamadiro, nokuti mambo akarayira vatariri vewaini vose kuti vagovere mumwe nomumwe sezvaaida.
9 Queen Vashti also gave a banquet for the women in the royal palace of King Xerxes. VaHosi Vhashiti vakaitawo mabiko amadzimai mumuzinda waMambo Zekisesi.
10 On the seventh day, when wine had made the king merry, he ordered Mehuman, Biztha, Harbona, Bigtha, Abagtha, Zethar, and Carkas, King Xerxes's seven eunuchs, Pazuva rechinomwe, Mambo Zekisesi afara kwazvo mumwoyo make nokuda kwewaini, akarayira varanda vanomwe vaimushumira, Mehumani, Bhizita, Habhona, Bhigita, Abhagita, Zeta naKakasi,
11 to bring Queen Vashti before the king in the royal crown, to show the peoples and officials her beauty, for she was beautiful. kuti vauye navaHosi Vhashiti, vakapfeka korona youmambo, kuti aratidze runako rwavo kuvanhu nokumakurukota, nokuti vakanga vakanaka pakuonekwa.
12 But Queen Vashti refused to come at the king's command through the eunuchs; he grew furious, anger blazing in him. Asi pakasvika shoko rakanga rarayirwa namambo, vaHosi Vhashiti vakaramba kuuya. Ipapo mambo akashatirwa zvikuru uye akatsva nehasha.
13 The king then spoke to the wise men who knew the times—for it was the king's custom to bring any matter before all skilled in law and judgment. Ipapo mambo akabvunza vachenjeri vaiziva murayiro uye vainzwisisa zvenguva sezvo yaiva tsika yamadzimambo kubvunza nyanzvi dzezvomurayiro nokururamisira,
14 Next to him: Carshena, Shethar, Admatha, Tarshish, Meres, Marsena, Memucan—Persia and Media's seven officials who saw the king's face, ranking highest in the kingdom. uye vaiva pedyo kwazvo namambo vaiti: Kashena, Sheta, Adhumata, Tashishi, Meresi, Masena naMemukani, makurukota manomwe ePezhia neMedhia avo vaiva nekodzero yokupinda kuna mambo uye vaikudzwa muumambo.
15 "By law, what's due Queen Vashti for disobeying King Xerxes's command, sent through the eunuchs?" Akabvunza achiti, “Pamurayiro chii chinofanira kuitwa kuna vaHosi Vhashiti? Havana kuteerera kurayira kwaMambo Zekisesi sokuudzwa kwavaitwa navaranda.”
16 Memucan told the king and officials, "Queen Vashti wronged not only the king, but all officials, all peoples, in all provinces of King Xerxes. Ipapo Memukani akapindura pamberi pamambo namakurukota akati, “VaHosi Vhashiti vaita zvakaipa, kwete kuna mambo chete asi nokumakurukota ose nokuvanhu vose venyika dzose dzamambo Zekisesi.
17 The queen's act will reach all women, making them despise their husbands in their eyes: 'King Xerxes summoned Queen Vashti, and she did not come.' Nokuti zvaitwa navahosi zvichazivikanwa navakadzi vose, nokudaro vachazvidza varume vavo vachiti, ‘Inga wani Mambo Zekisesi vakarayira vaHosi Vhashiti kuti vauye vamire pamberi pavo, asi vakaramba kuuya.’
18 Today the noblewomen of Persia and Media who heard the queen's conduct will say the same to all the king's officials—no end of contempt and rage. Iye nhasi uno vakadzi vamakurukota ePezhia neveMedhia vanzwa zvaitwa navahosi vachaitawo saizvozvo kumakurukota amambo. Kusakudzana nenyonganyonga hazvimbozoperi.
19 If it pleases the king, let him issue a royal decree, written into the laws of Persia and Media, beyond repeal, that Vashti never again come before King Xerxes, and let the king give her royal position to another woman better than she. “Naizvozvo, kana mambo achifara nazvo, ngaateme chirevo chamambo uye ngachinyorwe mumirayiro yavaPezhia navaMedhia, isingagoni kushandurwa kuti Vhashiti haachazosvikizve pamberi paMambo Zekisesi. Uyezve mambo ngaape chinzvimbo chake muumambo kuno mumwe ari nani kupinda iye.
20 When the king's decree spreads through his vast kingdom, all wives will honor their husbands, great and small." Ipapo kana chirevo chamambo chaziviswa muumambo hwake hwose, vakadzi vose vachakudza varume vavo, kubva kumudiki kusvikira kumukuru.”
21 This advice pleased the king and the officials, and the king did just as Memucan proposed. Mambo namakurukota ake vakafadzwa nezano iri, saka mambo akaita sezvakanga zvarehwa naMemukani.
22 He sent letters to all the royal provinces, to every province in its own script, every people in its own language: each man is to rule his household and speak his own people's language. Akatumira matsamba kumativi ose oumambo hwake, kunyika imwe neimwe norunyoro rwayo nokumunhu mumwe nomumwe nomutauro wake achizivisa norurimi rwavanhu kuti murume mumwe nomumwe ave nesimba pamusoro peimba yake.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]