Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Esther 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After this King Xerxes promoted Haman son of Hammedatha the Agagite, elevating him and raising his seat above all the officials with him. Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusoro-soro kupfuura zvamamwe makurukota ose.
2 All the king's servants at the king's gate knelt and bowed to Haman, as the king ordered. But Mordecai would not kneel or bow. Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza.
3 So the king's servants at the king's gate asked Mordecai, "Why do you disobey the king's command?" Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo vakabvunza Modhekai vakati, “Sei usingateereri murayiro wamambo?”
4 Day after day they urged him, but he refused; so they told Haman, to see if Mordecai's stand would hold, since he had told them he was a Jew. Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha.
5 When Haman saw that Mordecai would not kneel or bow to him, he was filled with rage. Hamani akati aona kuti Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumuremekedza, akatsamwa kwazvo.
6 Killing only Mordecai seemed beneath him, since they had told him who Mordecai's people were; so Haman sought to destroy all Mordecai's people, the Jews, throughout Xerxes's kingdom. Asi paakanzwa kuti vanhu vaModhekai vaiva vapi akafunga zvokusauraya Modhekai chete. Panzvimbo yokuita izvi, Hamani akatsvaka nzira yokuuraya vanhu vose vaModhekai, vaJudha vose vaiva muumambo hwaZekisesi.
7 In the first month, Nisan, in King Xerxes's twelfth year, they cast Pur (the lot) before Haman for each day and each month; and the lot fell on the twelfth month, Adar. Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha.
8 Haman told King Xerxes, "A certain people is scattered and dispersed among the peoples throughout your kingdom's provinces. Their laws differ from everyone's, and they ignore the king's laws; it profits the king nothing to tolerate them. Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere.
9 If it pleases the king, let it be written to destroy them; I'll weigh 375 tons of silver to his officials for the royal treasury." Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.”
10 The king took off his signet ring and gave it to Haman son of Hammedatha the Agagite, enemy of the Jews. Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha.
11 "The silver is yours," the king told Haman, "and the people too—do with them as you please." Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.”
12 On the first month's thirteenth day the king's scribes were summoned, and Haman's order was written to the king's satraps, the governors over each province, and the officials of every people—each province in its own script, each people its own language. Written in King Xerxes's name, sealed with his signet ring. Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake.
13 Couriers carried letters to all the king's provinces: destroy, kill, and eliminate all Jews—young and old, women and children—in one day, thirteenth of the twelfth month, Adar, and seize their goods. Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha.
14 A copy was to be issued as law in every province, shown to all peoples, so they would be ready for that day. Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro.
15 At the king's command couriers rushed out, and the decree went out in the fortress of Susa. The king and Haman sat drinking, but the city of Susa was bewildered. Vatakuri vamatsamba vakabuda nokukasika sokurayira kwamambo, vakandozivisa chirevo panhare yeShushani. Mambo naHamani vakagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani rakanyonganiswa.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]