Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Colossians 3 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then, since you were raised with Christ, seek what is above, where Christ is seated at the right hand of our Father. Sezvo, zvino, makamutswa pamwe chete naKristu, isai mwoyo yenyu pazvinhu zviri kumusoro, uko kugere Kristu kuruoko rworudyi rwaMwari.
2 Set your minds on the things above, not on the things of the earth. Isai pfungwa dzenyu pazvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zvenyika.
3 For you have died, and your life is hidden with Christ in our Father. Nokuti makafa, uye upenyu hwenyu hwakavigwa zvino naKristu muna Mwari.
4 When Christ, who is your life, appears, then you also will appear with him in glory. Panoonekwa Kristu, iye upenyu hwenyu, ipapo nemiwo muchaonekwa pamwe chete naye mukubwinya.
5 So kill what is earthly in you: sexual sin, impurity, lust, evil desire, and greed—which is idolatry. Naizvozvo, urayai zvose zvenyu zvenyika zvinoti: upombwe, netsvina, nokusachena, nokuchiva, nokuda zvakaipa uye kukara, ndiko kunamata zvifananidzo.
6 Because of these things the wrath of our Father is coming on those who disobey him. Nokuda kwaizvozvi, kutsamwa kwaMwari kuri kuuya.
7 You too once lived this way—that was your life. Imi maimbofamba mazviri, muupenyu hwamaimborarama.
8 Now get rid of all these: anger, rage, malice, slander, obscene talk from your mouth. Asi zvino munofanira kuzvidzora pane zvose zvakadai sezvizvi zvinoti: kutsamwa, hasha, ruvengo, makuhwa, nokutaura zvakaora zvichibva pamiromo yenyu.
9 Do not lie to one another, since you have stripped off the old self with its practices, Musareverana nhema, sezvo makabvisa munhu wenyu wekare namabasa ake
10 and put on the new self, being renewed in knowledge after the image of its Creator. mukafuka munhu mutsva, ari kuvandudzwa mukuziva, mumufananidzo woMusiki wake.
11 No Greek or Jew here, circumcised or uncircumcised, barbarian, Scythian, slave or free—but Christ is all, in all. Apa hapachina muGiriki kana muJudha, kudzingiswa kana kusadzingiswa, mutorwa kana muSitia, nhapwa kana akasununguka, asi Kristu ndiye zvose, uye ari mune zvose.
12 So, as our Father's chosen, holy and dearly loved, put on heartfelt compassion, kindness, humility, gentleness, and patience. Naizvozvo savasanangurwa vaMwari, vatsvene uye vanodikanwa kwazvo, zvifukidzei netsitsi, nounyoro, nokuzvininipisa, nokupfava uye nomwoyo murefu.
13 Put up with one another, forgiving whatever complaints you have against each other. Forgive as the Lord forgave you. Munzwirane tsitsi uye mukanganwirane pamhosva ipi zvayo yamunenge matadzirana. Mukanganwire sezvamakakanganwirwa naShe.
14 And over all these virtues put on love, which binds them all together in perfect unity. Uye pazvinhu zvose izvi fukai rudo, runokusunganidzai pamwe chete muhumwe hwakakwana.
15 Let Christ's peace rule your hearts—you were called to it as one body. Be thankful. Rugare rwaKristu ngarutonge mumwoyo yenyu, sezvo senhengo dzomuviri mumwe makadanirwa kurugare. Uye munofanira kuvonga.
16 Let the word of Christ dwell in you richly, teaching and correcting each other with all wisdom, singing psalms, hymns, and songs from the Spirit, with gratitude in your hearts to our Father. Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
17 Whatever you do, in word or deed, do it all in the name of the Lord Jesus, thanking our Father through him. Uye zvose zvamunoita, mushoko kana mumabasa, itai zvose muzita raIshe Jesu, muchivonga Mwari ivo Baba kubudikidza naye.
18 Wives, submit yourselves to your husbands, as is fitting in the Lord. Vakadzi, zviisei pasi pavarume venyu, sezvazvakafanira muna She.
19 Husbands, love your wives and do not be harsh with them. Varume, idai vakadzi venyu musingavabati nehasha.
20 Children, obey your parents in everything, for this pleases the Lord. Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.
21 Fathers, don't provoke your children, so they won't lose heart. Madzibaba, musanetsa vana venyu, nokuti vanozoora mwoyo.
22 Slaves, obey your earthly masters in everything—not just while watched, to gain favor, but with a sincere heart, fearing the Lord. Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika muzvinhu zvose; uye muzviite, kwete kuti vakuonei chete uye kuti mudikanwe navo, asi nokutendeka kwomwoyo uye nokutya Ishe.
23 Whatever you do, work at it wholeheartedly, as for the Lord, not for people, Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,
24 since you know you will receive the inheritance as reward from the Lord; you serve the Lord Christ. sezvo muchiziva kuti muchagamuchira nhaka kubva kuna She somubayiro. NdiIshe Kristu wamunoshumira.
25 Anyone who does wrong will be repaid for their wrong, and there is no favoritism. Ani naani anoita zvakaipa achatsiviwa nokuda kwezvakaipa zvake, uye hapana kutsaura vanhu.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]