Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

Colossians 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 I want you to know how hard I'm struggling for you, those in Laodicea, and all who haven't met me in person, Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.
2 that their hearts may be encouraged, knit together in love, and come into all the riches of full assurance and understanding—into the knowledge of our Father's mystery, which is Christ, Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,
3 in whom are hidden all the treasures of wisdom and knowledge. maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.
4 I say this so that no one may deceive you with persuasive arguments. Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.
5 Though absent in body, I'm with you in spirit, glad to see your good order and the firmness of your faith in Christ. Nokuti kunyange ndisipo pamuri panyama, mumweya ndinemi uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.
6 Therefore, as you received Christ Jesus the Lord, walk in him, Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,
7 rooted and built up in him, firm in the faith as taught, overflowing with thanks. mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.
8 Watch that no one captures you through philosophy and empty deceit, according to human tradition, according to the world's elemental spirits, not according to Christ. Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.
9 For in him the whole fullness of deity lives in bodily form, Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,
10 and in him you have been made complete, who is the head over all rule and authority. nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.
11 In him you were also circumcised—a circumcision not made by hands, stripping off the body of flesh—the circumcision of Christ. Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,
12 Buried with him in baptism, in which you were also raised with him through faith in our Father's power, who raised him from the dead. makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa.
13 You were dead in your sins and uncircumcised flesh, but our Father made you alive with him, forgiving us all our sins, Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,
14 erasing the record of debt, with its regulations, that stood against us. He set this aside, nailing it to the cross. akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.
15 He disarmed the rulers and authorities and publicly shamed them, triumphing over them in him. Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.
16 So let no one judge you over food, drink, festival, new moon, or Sabbath. Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.
17 These are a shadow of the things that were to come, but the reality belongs to Christ. Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.
18 Let no one disqualify you by delighting in false humility and worship of angels, focusing on visions he has seen, puffed up without cause by his fleshly mind, Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.
19 and not holding on to the Head, from whom the whole body, fed and joined by joints and ligaments, grows with growth from our Father. Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari.
20 If you died with Christ to the world's elemental spirits, why, as if still part of the world, do you submit to its rules? Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti:
21 "Do not handle, do not taste, do not touch"? “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”?
22 These all perish with use, because they are based on human commands and teachings. Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu.
23 These rules seem wise—invented worship, false humility, harsh treatment of the body—but hold no value against indulging the flesh. Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]