Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 1 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 After the death of Saul, David returned from defeating the Amalekites and stayed in Ziklag two days. Mushure mokufa kwaSauro, Dhavhidhi akadzoka kubva kuhondo yaakakunda vaAmareki uye akagara paZikiragi kwamazuva maviri.
2 On the third day a man came from Saul's camp, clothes torn, dirt on his head. Reaching David, he fell to the ground and bowed. Pazuva rechitatu mumwe murume akasvika achibva kumusasa waSauro, zvipfeko zvake zvakabvaruka uye musoro wake uzere guruva. Paakasvika paiva naDhavhidhi, akazviwisira pasi achiratidza rukudzo.
3 David asked him, "Where have you come from?" "I escaped from the camp of Israel," he replied. Dhavhidhi akabvunza akati, “Wabvepiko?” Iye akapindura akati, “Ndapunyuka kumisasa yavaIsraeri.”
4 "What happened?" David asked. "Tell me." He said, "The people fled the battle. Many fell and died. Saul and his son Jonathan are dead too." Dhavhidhi akabvunza akati, “Chii chaitika ikoko? Ndiudze.” Iye akati, “Vanhu vatiza kubva pavanga vachirwira. Vazhinji vavo vafa. Sauro nomwanakomana wake Jonatani vafa.”
5 David asked the young man who brought the news, "How do you know Saul and his son Jonathan are dead?" Ipapo Dhavhidhi akabvunza jaya rakanga rauya neshoko iri akati, “Unoziva sei kuti Sauro nemwanakomana wake Jonatani vafa?”
6 The young man said, "I happened onto Mount Gilboa, and there was Saul, leaning on his spear, the chariots and horsemen bearing down on him. Jaya riya rakati, “Ini ndakanga ndiri pamusoro peGomo reGiribhoa, uye ndikaona Sauro akasendamira papfumo rake, ipapo ngoro dzavarwi navatasvi zvichivirima zvotosvika paari.
7 He turned around, saw me, and called to me. I said, 'Here I am.' Zvino iye akati acheuka akandiona, akandidana, ini ndikati, ‘Ndiri pano?’
8 He asked me, 'Who are you?' I told him, 'I am an Amalekite.' “Akandibvunza akati, ‘Ndiwe aniko?’ “Ndakamupindura ndikati, ‘Ndiri muAmareki.’
9 He said to me, 'Stand over me and kill me; anguish has seized me, but I'm still alive.' “Ipapo iye akati kwandiri, ‘Uya umire pandiri undiuraye! Ndiri mukurwadziwa kukuru asi ndichiri mupenyu.’
10 So I stood over him and killed him, since I knew he wouldn't survive his fall. Then I took the crown from his head and the band on his arm, and brought them here to my lord." “Naizvozvo ndakamira paari ndikamuuraya, nokuti ndaiziva kuti mushure mokunge awira pasi haaizorarama. Uye ndakatora korona yakanga iri mumusoro make norundarira rwaiva muruoko rwake, uye ndauya nazvo kuno kuna ishe wangu.”
11 Then David grabbed his own clothes and tore them, and so did all the men with him. Ipapo Dhavhidhi navarume vose vaakanga anavo vakabata nguo dzavo vakadzibvarura.
12 They mourned, wept, and fasted until evening for Saul, his son Jonathan, our Father's people, and the house of Israel, because they had fallen by the sword. Vakachema nokuungudza vakazvinyima zvokudya kusvikira manheru nokuda kwaSauro nomwanakomana wake Jonatani, uye nokuda kwehondo yaJehovha neimba yaIsraeri, nokuti vakanga vaurayiwa nomunondo.
13 David asked the young man who brought the news, "Where are you from?" He said, "I'm the son of a foreigner, an Amalekite." Dhavhidhi akati kujaya rakanga rauya neshoko kwaari, “Iwe unobvepiko?” Akapindura akati, “Ndiri mwanakomana womutorwa, muAmareki.”
14 David said, "How were you not afraid to raise your hand to kill our Father's anointed?" Dhavhidhi akamubvunza akati, “Sei iwe usina kutya kusimudza ruoko rwako uchiparadza muzodziwa waJehovha?”
15 David called one of his young men and said, "Go, strike him down." He struck him, and he died. Ipapo Dhavhidhi akadana mumwe wavarume vaaiva navo akati, “Enda, umuuraye!” Naizvozvo akamubaya, akafa.
16 David had said to him, "Your blood is on your own head, for your own mouth testified against you when you said, 'I killed our Father's anointed.'" Nokuti Dhavhidhi akanga ati kwaari, “Ropa rako ngarive pamusoro pako. Muromo wako ndiwo wazvipupurira pawati, ‘Ndauraya muzodziwa waJehovha.’ ”
17 Then David sang this lament over Saul and his son Jonathan, Dhavhidhi akaimba rwiyo urwu rwokuchema Sauro nomwanakomana wake Jonatani,
18 and ordered the people of Judah taught this lament, called The Bow; it is written in the Book of Jashar: uye akarayira kuti vanhu veJudha vadzidziswe rwiyo urwu rwokuchema rwouta (rwakanyorwa mubhuku raJashari):
19 "Your glory, Israel, lies slain on your heights. How the mighty have fallen! “Haiwa Israeri, kubwinya kwako kwaparadzwa pamitunhu yako yakakwirira. Haiwa, vane simba wawira pasi sei!
20 Don't tell it in Gath, don't proclaim it in the streets of Ashkelon, or the daughters of the Philistines will rejoice, the daughters of the uncircumcised will exult. “Musazvireva muGati, musazviparidza mumigwagwa yeAshikeroni, kuti vanasikana vavaFiristia vasazofara, kuti vanasikana vevasina kudzingiswa varege kupembera.
21 Mountains of Gilboa, may you have no dew or rain, no fields yielding offerings. For there the shield of the mighty was defiled, the shield of Saul, no longer rubbed with oil. “Haiwa imi makomo eGiribhoa, ngakurege kuva nedova kana mvura pamusoro penyu, kana minda inobereka zviyo zvakawanda. Nokuti ipapo ndipo pakasvibiswa nhoo yemhare, iyo nhoo yaSauro, isisina kuzorwa mafuta.
22 From the blood of the slain, from the flesh of the mighty, the bow of Jonathan did not turn back, the sword of Saul did not return unsatisfied. Kubva muropa ravakaurayiwa, kubva munyama yemhare, uta hwaJonatani hahuna kudzoka, munondo waSauro hauna kudzoka usina kugutswa.
23 Saul and Jonathan, beloved and cherished in life, in death they were not parted. They were swifter than eagles, stronger than lions. “Sauro naJonatani, muupenyu vaidikanwa uye vakanaka, nomurufu havana kuparadzaniswa. Vaimhanya kupfuura makondo, vaiva vakasimba kupfuura shumba.
24 Daughters of Israel, weep for Saul, who clothed you in scarlet and finery, who adorned your garments with ornaments of gold. “Haiwa vanasikana veIsraeri, chemai nokuda kwaSauro, iye aikupfekedzai zvishongo zvitsvuku uye zvakaisvonaka, aishongedza nguo dzenyu nezvishongo zvegoridhe.
25 How the mighty have fallen in the thick of battle! Jonathan lies slain on your heights. “Haiwa vane simba vawira pasi sei muhondo! Jonatani avete, aurayiwa pamitunhu yenyu yakakwirira.
26 I grieve for you, my brother Jonathan; you were very dear to me. Your love for me was wonderful, surpassing the love of women. Ndiri kutambudzika kwazvo pamusoro pako, Jonatani mununʼuna wangu; wakanga uchikosha kwazvo kwandiri. Rudo rwako kwandiri rwaishamisa, rwaishamisa kudarika rwavakadzi.
27 How the mighty have fallen! The weapons of war have perished." “Haiwa vane simba vakawira pasi sei! Zvombo zvehondo zvaparadzwa!”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]