Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Samuel 2 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Later, David inquired of our Father, "Should I go up to one of the cities of Judah?" Our Father said, "Go up." David said, "Where?" "Hebron," he said. Nokufamba kwenguva, Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ko, ndoenda zvangu kune rimwe ramaguta eJudha here?” Jehovha akapindura akati, “Enda hako.” Dhavhidhi akabvunza akati, “Ndoenda kupi?” Jehovha akapindura akati, “KuHebhuroni.”
2 David went up there with his two wives, Ahinoam of Jezreel and Abigail, Nabal the Carmelite's widow. Naizvozvo Dhavhidhi akaendako navakadzi vake vaviri, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.
3 David brought up his men who were with him, each with his household, and they settled in Hebron's towns. Dhavhidhi akatorawo varume vose vaaiva navo, mumwe nomumwe nemhuri yake, akandogara muHebhuroni nomumaguta omo.
4 Then Judah's men came and anointed David king over Judah's house there. They told David that Jabesh-gilead's men had buried Saul. Ipapo varume veJudha vakauya paHebhuroni vakazodzapo Dhavhidhi kuti ave mambo weimba yaJudha. Zvino Dhavhidhi paakanzwa kuti varume veJabheshi Gireadhi ndivo vakanga vaviga Sauro,
5 He sent messengers to the men of Jabesh-gilead: "May our Father bless you for this kindness to your lord Saul, burying him. akatuma nhume kuvarume veJabheshi Gireadhi kuti dzinoti kwavari, “Jehovha ngaakuropafadzei nokuti makaratidza tsitsi pana Sauro tenzi wenyu pakumuviga kwamakamuita.
6 Now may our Father show you kindness and faithfulness; I too will treat you well for doing this. Zvino Jehovha ngaachikuitirai tsitsi nokutendeka, uye neniwo ndichakuitirai zvimwe chetezvo nokuti imi makaita izvozvi.
7 Be strong and take courage, for your master Saul is dead, and Judah's house has also anointed me king over them." Naizvozvo ivai nesimba nokutsunga, nokuti Sauro tenzi wenyu afa, uye imba yaJudha yandizodza kuti ndive mambo wavo.”
8 But Abner son of Ner, Saul's army commander, took Ish-bosheth son of Saul and brought him across to Mahanaim. Zvichakadaro, Abhineri mwanakomana waNeri, mukuru wehondo yaSauro, akanga atora Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro, akandomuisa kuMahanaimi.
9 He made him king over Gilead, over the Ashurites, over Jezreel, over Ephraim, over Benjamin—over all Israel. Akamugadza kuti ave mambo weGireadhi, Ashuri neJezireeri, uyewo pamusoro peEfuremu, Bhenjamini neIsraeri yose.
10 Ish-bosheth son of Saul was forty when he became king over Israel; he reigned two years. But Judah's house followed David. Ishi-Bhosheti mwanakomana waSauro akanga ava namakore makumi mana paakava mambo weIsraeri, uye akatonga kwamakore maviri. Kunyange zvakadaro, imba yaJudha yakatevera Dhavhidhi.
11 David was king in Hebron over the house of Judah for seven years and six months. Nguva yakabata Dhavhidhi ushe hweimba yaJudha paHebhuroni yaisvika makore manomwe nemwedzi mitanhatu.
12 Abner son of Ner, with Ish-bosheth son of Saul's servants, left Mahanaim for Gibeon. Abhineri mwanakomana waNeri, pamwe chete navaranda vaIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, vakabva paMahanaimi vakaenda kuGibheoni.
13 Joab son of Zeruiah and David's servants also went out and met them together at Gibeon's pool—one side sitting on one bank, the other on the opposite bank. Joabhu mwanakomana waZeruya navaranda vaDhavhidhi vakandosangana navo padziva reGibheoni. Vakagara pasi mhiri kwedziva, rimwe boka ndokugara kuno rumwe rutivi.
14 Abner said to Joab, "Let the young men get up and compete before us." Joab said, "Let them get up." Ipapo Abhineri akati kuna Joabhu, “Ngatiitei kuti mamwe majaya edu asimuke arwe namaoko pamberi pedu.” Joabhu akati, “Zvakanaka, ngavaite izvozvo.”
15 So they got up and crossed over by count, twelve for Benjamin and Ish-bosheth son of Saul, twelve from David's servants. Naizvozvo vakasimuka vakaverengwa varume gumi navaviri kurutivi rwaBhenjamini naIshi-Bhosheti mwanakomana waSauro, uye gumi navaviri kurutivi rwaDhavhidhi.
16 Each man gripped his opponent's head and drove his sword into his side, and they fell together. So the place in Gibeon was named Helkath-hazzurim. Ipapo mumwe nomumwe akabata musoro wewaairwa naye ndokumubaya nebakatwa parutivi pake, vose ndokuwira pasi. Naizvozvo nzvimbo iyoyo iri muGibheoni yakatumidzwa kuti Herikati Hazurimi.
17 The fighting that day was very fierce; Abner and Israel's men fell before David's servants. Kurwa kwezuva iroro kwakatyisa kwazvo, uye Abhineri navarume veIsraeri vakakundwa navaranda vaDhavhidhi.
18 Zeruiah's three sons were there: Joab, Abishai, and Asahel—Asahel as fast-footed as a wild gazelle. Vanakomana vatatu vaZeruya vakanga varipo vaiti: Joabhu, Abhishai naAsaheri. Zvino Asaheri aimhanya zvikuru kwazvo sechengu.
19 He chased Abner, turning neither to the right nor to the left as he pursued him. Akadzinganisa Abhineri, asingambotsaukiri kurudyi kana kuruboshwe paaimudzingirira.
20 Abner looked back and said, "Is that you, Asahel?" "It is," he answered. Abhineri akacheuka akabvunza akati, “Ndiwe here, Asaheri?” Iye akapindura akati, “Ndini.”
21 Abner told him, "Turn right or left, seize one of the young men, take his gear." But Asahel refused to stop chasing him. Ipapo Abhineri akati kwaari, “Enda kurudyi kana kuruboshwe; ubate rimwe ramajaya uritorere zvombo zvaro.” Asi Asaheri haana kurega kumudzinganisa.
22 Abner told Asahel again, "Turn back. Why force me to strike you down? How could I face your brother Joab?" Abhineri akayambira Asaheri zvakare akati, “Chirega zvokundidzinganisa! Unodirei kuti ndikuuraye? Ndingazotarisana sei nomukoma wako Joabhu?”
23 He refused to turn aside, so Abner struck him in the stomach with the butt of his spear; it came out through his back. He fell there and died on the spot. Everyone who came to where Asahel had fallen and died stood still. Asi Asaheri akaramba achingomudzinganisa. Naizvozvo Abhineri akabaya Asaheri padumbu neshure kwepfumo rake, pfumo rikabuda nokumusana. Akawira ipapo ndokubva afa. Uye munhu wose aimira kana angosvika chete panzvimbo pakanga pawira Asaheri akafa.
24 Joab and Abishai pursued Abner; at sunset they reached the hill of Ammah, near Giah on the way to the wilderness of Gibeon. Asi Joabhu naAbhishai vakatevera Abhineri, uye zuva rakati ronovira, vakasvika pachikomo cheAma, pedyo neGiya munzira inoenda kurenje reGibheoni.
25 Benjamin's men gathered behind Abner, formed one band, and stood atop a hill. Ipapo varume veBhenjamini vakaungana vachitungamirirwa naAbhineri. Vakaumba boka rimwe vakamira pamusoro pechikomo.
26 Abner called to Joab: "Must the sword devour forever? Don't you know this will end bitterly? How long until you tell the people to turn back from chasing their brothers?" Abhineri akadanidzira kuna Joabhu achiti, “Ko, munondo ucharamba uchingoparadza nokusingaperi here? Hauoni kuti izvi zvichavava pakupedzisira here? Uchasvika kupiko usati warayira vanhu vako kuti varege kudzinganisana nehama dzavo?”
27 Joab said, "As surely as our Father lives, if you had not spoken, the people would have kept pursuing their brothers until morning." Naizvozvo akapindura akati, “Ndinopika naMwari mupenyu, dai wanga usina kuzvitaura, varume ava vangadai varamba vachidzinganisa hama dzavo kusvikira mangwana mangwanani.”
28 Joab blew the trumpet; all the troops stopped, no longer pursuing Israel or fighting. Naizvozvo Joabhu akaridza hwamanda, vanhu vose vakamira; vakarega kudzinganisa vaIsraeri, vakasazorwazve.
29 Abner and his men marched through the Arabah all that night, crossed the Jordan, went through all Bithron, and reached Mahanaim. Abhineri navanhu vake vakafamba nousiku hwose vakagura nomuArabha. Vakayambuka Jorodhani, ndokuramba vachienda nomuBhitironi rose vachibva vasvika paMahanaimi.
30 Joab turned back from chasing Abner, gathered all the troops, and found nineteen of David's men missing, besides Asahel. Ipapo Joabhu akadzoka kubva mukudzinganisa Abhuneri ndokuunganidza vanhu vake vose. Pasingaverengerwi Asaheri, kwakashayikwa varume gumi navapfumbamwe vedivi raDhavhidhi.
31 But David's servants struck down 360 of the men of Benjamin who were with Abner. Asi varanda vaDhavhidhi vakanga vauraya vaBhenjamini mazana matatu ana makumi matanhatu vaiva naAbhuneri.
32 They carried Asahel, buried him in his father's tomb in Bethlehem; Joab and his men walked all night, reaching Hebron by dawn. Vakatora Asaheri vakandomuviga muguva rababa vake paBheterehema. Ipapo Joabhu navanhu vake vakafamba usiku hwose vakandosvika paHebhuroni mambakwedza.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]