Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 6 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Then Solomon said, "Our Father has said that he would dwell in thick darkness. Ipapo Soromoni akati, “Jehovha akati achagara mugore dema.
2 But I have built you an exalted house, a place for you to dwell in forever." Ndakuvakirai temberi yakanaka kwazvo, nzvimbo yokuti mugare nokusingaperi.”
3 Then the king turned and blessed the whole assembly of Israel as they all stood. Ungano yose yaIsraeri ichakamirapo, mambo akatendeukira kwavari akavaropafadza.
4 He said, "Praise our Father, the God of Israel, whose hand has fulfilled what his mouth promised my father David, saying, Ipapo akati: “Ngaarumbidzwe Jehovha, Mwari waIsraeri iye azadzisa namaoko ake zvaakavimbisa nomuromo wake kuna baba vangu Dhavhidhi. Nokuti akati,
5 'Since the day I brought my people out of Egypt, I chose no city from all the tribes of Israel to build a house for my name to be there, nor any man to rule my people Israel. ‘Kubva pazuva randakaburitsa vanhu vangu muIjipiti, handina kumbosarudza guta murudzi rupi norupi rwaIsraeri kuti Zita rangu rivakirwe temberi kuti rivepo, uye handina kumbosarudza mumwe munhu kuti ave mutungamiri wavanhu vangu vaIsraeri.
6 But I chose Jerusalem for my name to be there, and I chose David to lead my people Israel.' Asi zvino ndasarudza Jerusarema nokuda kweZita rangu kuti rivepo uye ndasarudza Dhavhidhi kuti atonge vanhu vangu vaIsraeri.’
7 David my father had it in his heart to build a house for the name of our Father, the God of Israel. “Baba vangu Dhavhidhi vaiva nazvo mumwoyo mavo kuti vavakire Zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi.
8 But our Father told David my father, 'Because building a house for my name was in your heart, you did well to intend this. Asi Jehovha akati kuna baba vangu Dhavhidhi, ‘nokuti zvaiva mumwoyo mako kuti uvakire Zita rangu temberi wakaita zvakanaka ukava nazvo mumwoyo mako.
9 But you will not build the house; your son, from your own body—he will build the house for my name.' Asi kunyange zvakadaro, hausi iwe uchavaka temberi asi mwanakomana wako, anova nyama yako neropa rako, ndiye achavakira Zita rangu temberi.’
10 Now our Father has fulfilled the word he spoke: I have succeeded David my father and sit on Israel's throne, as he promised, and I have built the house for the name of our Father, the God of Israel. “Jehovha akachengeta chivimbiso chavakaita. Ini ndakatevera Dhavhidhi baba vangu uye zvino ndava kugara pachigaro choushe chaIsraeri sokuvimbisa kwakaita Jehovha, uye ndakavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri temberi.
11 There I placed the ark, holding the covenant our Father made with the people of Israel." Imomo ndakaisa areka ine sungano yaJehovha yaakaita navanhu veIsraeri.”
12 Then Solomon stood before our Father's altar in the presence of the whole assembly of Israel and spread out his hands. Ipapo Soromoni akamira pamberi pearitari yaJehovha pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudza maoko ake.
13 Solomon had made a bronze platform about seven and a half feet long, seven and a half feet wide, four and a half feet high, and set it in the middle of the court. He stood on it, knelt before the whole assembly of Israel, and spread his hands toward heaven. Zvino akanga agadzira pokumira pakakwirira nendarira, pakanga pakareba makubhiti mashanu, pane upamhi hwamakubhiti mashanu uye pakakwirira makubhiti matatu, uye akanga apaisa pakati pechivanze chokunze. Akamira pokumira paya akapfugama pamberi peungano yose yaIsraeri akatambanudzira maoko ake kudenga.
14 He said, O my Father, God of Israel, no Father is like you in heaven or on earth, keeping covenant and showing loyal love to your servants who walk before you wholeheartedly. Akati: “Haiwa Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna mumwe Mwari akaita semi kudenga kana panyika. Imi munochengeta sungano yorudo navaranda venyu vanoramba vachifamba munzira yenyu nomwoyo wose.
15 You kept your promise to your servant David my father; what you spoke with your mouth you fulfilled with your hand today. Makachengeta chivimbiso chenyu kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu; nomuromo wenyu makavimbisa uye noruoko rwenyu makazadzisa sezvazvakaita nhasi.
16 So now, my Father, God of Israel, keep for your servant David my father what you promised: "You will never lack a man before me on Israel's throne, if only your sons watch their way to walk in my law, as you have walked before me." “Zvino Jehovha, Mwari waIsraeri, chengeterai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvivimbiso zvamakaita kwaari pamakati, ‘Haungatongokundikani kuti uve nomunhu achagara pamberi pangu pachigaro choushe chaIsraeri, kana chete vanakomana vako vakachenjerera mune zvose zvavanoita kuti vafambe pamberi pangu maererano nomurayiro, sezvawakaita iwe.’
17 And now, my Father, God of Israel, let the word you spoke to your servant David be confirmed. Uye zvino, haiwa Jehovha Mwari waIsraeri, itai kuti shoko renyu ramakavambisa muranda wenyu Dhavhidhi rizadziswe.
18 But will our Father really live with people on earth? The heavens and highest heavens can't hold you—how much less this house I built. “Asi zvechokwadi, Mwari angagare panyika navanhu here? Hamungakwani mumatenga kunyange matenga okumusoro-soro, ko, kuzoti temberi yandavaka!
19 Yet hear the prayer of your servant and his plea, O my Father, and hear the cry and prayer your servant prays before you. Kunyange zvakadaro teererai munyengetero womuranda wenyu nokukumbira kwake kuti anzwirwe tsitsi, imi Jehovha Mwari wangu. Inzwai kuchema nomunyengetero uri kunyengeterwa nomuranda wenyu pamberi penyu.
20 May your eyes be open toward this house day and night, toward the place where you said you'd put your name, to hear the prayer your servant prays toward this place. Meso enyu ngaatarire kutemberi iyi masikati nousiku, nzvimbo iyi yamakati muchaisa Zita renyumo. Inzwai munyengetero womuranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.
21 Hear your servant's and your people Israel's pleas when they pray toward this place. Hear from heaven, your dwelling; and when you hear, forgive. Inzwai mikumbiro yomuranda wenyu neyavanhu venyu Israeri pavanenge vachinyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai kubva kudenga kwamunogara uye kana manzwa muregerere.
22 If a man sins against his neighbor and must swear an oath, and he comes and swears his oath before your altar in this house, “Kana munhu akatadzira muvakidzani wake uye kana akanzi aite mhiko uye kana akauya akazopika mhiko pamberi pearitari yenyu mutemberi ino,
23 then hear from heaven and act. Judge your servants: pay back the guilty for their deeds, and clear the righteous, rewarding them by their righteousness. ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita chimwe chinhu. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake.
24 If your people Israel, defeated by enemies for sinning against you, turn back to praise your name, pray, and plead with you in this house, “Kana vanhu venyu Israeri vakakundwa nomuvengi nokuti vakakutadzirai uye kana vakatendeuka vakapupura zita renyu, vachinyengetera uye vachikumbira pamberi penyu mutemberi muno,
25 then hear from heaven, forgive the sin of your people Israel, and bring them back to the land you gave to them and their ancestors. ipapo inzwai kubva kudenga uye muregerere chivi chavanhu venyu Israeri uye mugovadzosera kunyika yamakavapa ivo namadzibaba avo.
26 When the sky is shut with no rain because they sinned against you, if they pray toward this place, praise your name, and turn from their sin when you make them suffer, “Kana matenga akazarirwa uye kukasanaya mvura nokuti vanhu venyu vakutadzirai uye kana vakanyengetera vakatarira kunzvimbo ino vakapupura zita renyu uye vakatendeuka kubva muchivi chavo nokuti imi mavarwadzisa,
27 then hear from heaven, forgive your servants' sin, your people Israel, when you teach them the good path to walk, and send rain on your land, which you gave your people as their inheritance. ipapo inzwai kubva kudenga muregerere chivi chavaranda venyu, vanhu venyu Israeri. Vadzidzisei nzira kwayo yokururama, uye tumirai mvura inaye panyika yamakapa vanhu venyu senhaka.
28 If famine, plague, blight, mildew, locust, or caterpillar strikes the land; if enemies besiege them in their towns—whatever plague or sickness comes, “Kana nzara kana denda zvikauya panyika, kana nyunje, kana kuvhuvha kana mhashu kana magutaguta kana kuti vavengi vakavakomba mumaguta avo, ringava dambudziko ripi zvaro kana chirwere chorudzi rupi chingauya,
29 whatever prayer or plea anyone or all your people Israel makes, each knowing his own suffering and pain and spreading his hands toward this house, uye kana munyengetero kana chikumbiro chikaitwa noupi zvake wavanhu venyu Israeri, mumwe nomumwe achinyatsonzwisisa matambudziko namarwadzo ake, uye kana akatambanudzira maoko ake kunzvimbo ino,
30 then hear from heaven, your home, and forgive, and repay each according to all his ways, since you know his heart—for you alone know every human heart, ipapo inzwai kubva kudenga kwamunogara. Regererai uye muitire mumwe nomumwe sezvaanoita, sezvo muchiziva mwoyo wake (nokuti imi moga ndimi munoziva mwoyo yavanhu),
31 so they may fear you and walk in your ways as long as they live on the land you gave our ancestors. kuitira kuti vagokutyai uye vagofamba munzira dzenyu panguva dzose dzavachararama munyika yamakapa kumadzibaba edu.
32 Also, when a foreigner not of your people Israel comes from a distant land for your great name, your mighty hand, and your outstretched arm—when they come and pray toward this house, “Kana ari mutorwa asati ari mumwe wavanhu venyu Israeri asi akabva kunyika iri kure nokuda kwezita renyu guru noruoko rwenyu rune simba noruoko rwenyu rwakatambanudzwa kana akauya akanyengetera akatarisa kutemberi ino,
33 then hear from heaven where you live, and do all the foreigner asks, so all the earth's peoples may know your name and fear you, as your people Israel do, and know this house I built bears your name. ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.
34 If your people go to war against their enemies wherever you send them, and pray to you toward this city you have chosen and the house I built for your name, “Kana vanhu venyu vakaenda kundorwisana navavengi vavo, kwose kwose kwamunenge mavatuma, uye kana vakanyengetera kwamuri vakatarira kuguta rino ramakasarudza nokutemberi yandavakira Zita renyu,
35 then hear from heaven their prayer and their plea, and uphold their cause. ipapo inzwai ikoko kudenga munamato wavo nechikumbiro chavo, mutsigire mhaka yavo.
36 If they sin against you—for no one is without sin—and you are angry with them and hand them to an enemy who takes them captive to a land far or near, “Kana vakakutadzirai, nokuti hapana munhu asingatadzi, uye kana mukavatsamwira mukavapa kumuvengi, anovatapa achivaendesa kunyika iri kure kana pedyo;
37 yet if in the land of their captivity they take it to heart, and turn back and plead with you there, saying, "We have sinned, we did wrong, we acted evilly," uye kana vakashandura mwoyo vari kunyika yavanenge vari nhapwa, vakatendeuka vakakumbira kwamuri vari munyika youtapwa vakati, ‘Takatadza, takakanganisa uye takaita zvakaipa,’
38 if they turn back to you with all their heart and soul in the land of their captivity where they were taken, and pray toward their land you gave their ancestors, the city you chose, and the house I built for your name, uye kana vakadzokerazve kwamuri nomwoyo wavo wose, nomweya wose munyika youtapwa kwavakaendeswa, uye vakanyengetera vakatarisa kunyika yamakapa madzibaba avo, vakatarisa kuguta ramakasarudza uye vakatarisa kutemberi yandakavakira Zita renyu;
39 then hear from heaven, your dwelling place, their prayer and pleas, uphold their cause, and forgive your people who sinned against you. ipapo kubva kudenga, kwamunogara, inzwai munyengetero wavo nemikumbiro yavo uye muvatsigire muvakundise pamhaka yavo. Uye muregerere vanhu venyu vanenge vakutadzirai.
40 Now, my Father, let your eyes be open and your ears attentive to the prayer of this place. “Zvino Mwari wangu, dai meso enyu aona uye nzeve dzenyu dzateerera minyengetero ichanyengeterwa panzvimbo iyi.
41 And now arise, my Father, and come to your resting place, you and the ark of your might. Let your priests, my Father, be clothed with salvation, and let your faithful ones rejoice in your goodness. “Zvino simukai imi Jehovha Mwari, muuye panzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu. Dai vaprista venyu imi Jehovha Mwari vashongedzwa noruponeso. Vatsvene venyu ngavafare mukunaka kwenyu.
42 My Father, do not reject your anointed one. Remember your covenant love for David your servant. Haiwa Jehovha Mwari, musaramba muzodziwa wenyu. Rangarirai rudo rukuru rwakavimbiswa kuna Dhavhidhi muranda wenyu.”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]