Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 7 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 When Solomon finished praying, fire fell from heaven and consumed the burnt offering and sacrifices, and our Father's glory filled the house. Soromoni paakapedza kunyengetera, moto wakaburuka kubva kudenga ukapisa chipiriso chinopiswa nezvibayiro uye kubwinya kwaJehovha kwakazadza temberi.
2 The priests couldn't enter our Father's house, because our Father's glory filled it. Vaprista vakatadza kupinda mutemberi yaJehovha nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwakaizadza.
3 When all the Israelites saw the fire fall and our Father's glory on the house, they knelt, faces to the ground on the pavement, worshiping and thanking our Father: "He is good; his faithful love endures forever." VaIsraeri vose pavakaona moto uchiburuka uye kubwinya kwaJehovha kuri pamusoro petemberi, vakapfugama pachivara zviso zvavo zvakatarisa pasi, uye vakanamata vakavonga Jehovha vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.”
4 Then the king and all the people offered sacrifices before our Father. Ipapo mambo navanhu vose vakapa zvibayiro pamberi paJehovha.
5 King Solomon sacrificed 22,000 oxen and 120,000 sheep; the king and all the people dedicated the house of our Father. Uye Mambo Soromoni akapa chibayiro chemombe zviuru makumi maviri nezviviri namakwai nembudzi zviuru zana namakumi maviri. Saka mambo navanhu vose vakakumikidza temberi yaMwari.
6 The priests stood at their posts; the Levites stood with the musical instruments for our Father that King David made for giving thanks to our Father—"for his faithful love endures forever"—whenever David praised through the instruments. Opposite them the priests blew the trumpets, and all Israel stood. Vaprista vakaenda panzvimbo dzavo sezvakaitwawo navaRevhi vane zviridzwa zvaJehovha zvakanga zvagadzirwa naMambo Dhavhidhi kuti zvishandiswe pakurumbidza Jehovha uye ndizvo zvakashandiswa pavakavonga vachiti, “Rudo rwake runogara nokusingaperi.” Kune rumwe rutivi rwakatarisana navaRevhi, vaprista vakaridza hwamanda dzavo uye vaIsraeri vose vakanga vakamira.
7 Solomon dedicated the courtyard's middle, in front of our Father's house, for there he offered the burnt offerings and fat of the peace offerings, since the bronze altar he had made could not hold the burnt offering, grain offering, and fat. Soromoni akatsaura nzvimbo yapakati pechivanze chapamberi petemberi yaJehovha uye ipapo akapa zvipiriso zvinopiswa namafuta ezvipiriso zvokuwadzana, nokuti aritari yendarira yaakanga agadzira yaisakwana zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvoupfu namafuta.
8 At that time Solomon kept the feast seven days, and all Israel with him—a vast assembly—from Lebo-hamath to the Brook of Egypt. Saka Soromoni akatamba mutambo panguva iyoyo kwamazuva manomwe, uye Israeri yose yakanga inaye, ungano huru kwazvo, vanhu vaibva kuRebho Hamati kusvika kuRwizi rweIjipiti.
9 On the eighth day they held a closing assembly, having kept the altar's dedication seven days and the feast seven days. Pazuva rorusere vakaungana pamwe chete nokuti vakanga vapemberera kutsaurwa kwearitari kwamazuva manomwe uye mutambo uyu kwamamwezve mazuva manomwe.
10 On the twenty-third day of the seventh month, he sent the people home, joyful and glad at heart for the goodness our Father showed to David, to Solomon, and to Israel his people. Pazuva ramakumi maviri namatatu romwedzi wechinomwe akaendesa vanhu kudzimba dzavo, vachifara uye mwoyo yavo ichifara nokuda kwezvinhu zvakanaka zvakanga zvaitwa naJehovha kuna Dhavhidhi naSoromoni nokuvanhu vake Israeri.
11 Solomon finished the house of our Father and the royal palace. Everything Solomon set his heart to do in the house of our Father and his own house, he did successfully. Soromoni paakapedza temberi yaJehovha nomuzinda wake, uye abudirira mukuita zvose zvaaiva nazvo mupfungwa dzake kuita mutemberi yaJehovha nomumuzinda wake,
12 Then our Father appeared to Solomon at night and said to him: "I have heard your prayer and chosen this place for myself as a house of sacrifice. Jehovha akazviratidza kwaari usiku akati: “Ndanzwa munyengetero wako uye ndazvisarudzira nzvimbo ino setemberi yezvibayiro.
13 "If I shut the skies so no rain falls, or command locusts to devour the land, or send a plague among my children, “Kana ndikapfiga matenga kukasava nemvura inonaya, kana kuti ndikarayira mhashu kuti dziparadze nyika kana kuti ndikatuma denda pakati pavanhu vangu,
14 if my children—who bear my name—humble themselves, pray, seek my face, and turn from their evil ways, I will hear from heaven, forgive their sin, and heal their land. kana vanhu vangu vanodaidzwa nezita rangu, vakazvininipisa, vakanyengetera vakatsvaga chiso changu, vakatendeuka kubva panzira dzavo dzakaipa, ipapo ndichavanzwa kubva kudenga uye ndicharegerera chivi chavo uye ndichaporesa nyika yavo.
15 Now my eyes will be open and my ears attentive to the prayer offered in this place. Zvino meso angu achaona uye nzeve dzangu dzichanzwa minyengetero ichapirwa munzvimbo ino.
16 Now I have chosen and dedicated this house, so my name remains there forever; my eyes and heart will be there always. Ndasarudza ndikatsaura temberi ino kuti Zita rangu rivepo nokusingaperi. Meso angu nomwoyo wangu zvicharamba zviripo.
17 As for you—if you walk before me as David your father walked, doing all I commanded you and keeping my statutes and judgments, “Kana uriwe, kana ukafamba pamberi pangu sezvakaitwa naDhavhidhi baba vako, uye ukaita zvose zvandichakurayira uye ukachengeta mitemo yangu nemirayiro yangu,
18 then I will confirm your kingdom's throne, as I covenanted with David your father: "A man of yours will always rule over Israel." ndichasimbisa chigaro chako choushe, sezvandakavimbisa Dhavhidhi baba vako pandakati, ‘Hauchazongokundikani kuva nomunhu achatonga Israeri.’
19 But if you turn away, abandon my statutes and commands I set before you, and go serve other gods and worship them, “Asi kana mukatsauka mukasiya mitemo nezvandakakurayirai, mukaenda kundoshumira vamwe vaMwari mukavanamata,
20 then I will uproot Israel from my land I gave them, cast from my sight this temple I set apart for my name, and make it an example and taunt among all peoples. ipapo ndichadzura Israeri kubva kunyika yangu, yandakavapa, uye ndicharasira kure temberi iyi yandakazvitsaurira Zita rangu. Ndichaiita tsumo nechiseko pakati pamarudzi ose.
21 This house, once so exalted, will leave everyone who passes by appalled, saying, "Why did the LORD do this to this land and this house? Uye kunyange temberi ino ichishamisa zvakadai, vose vachapfuura napairi vachakanuka vagoti, ‘Seiko Jehovha akaita chinhu chakadai kunyika ino nokutemberi iyi?’
22 They will answer, "Because they abandoned the LORD, God of their ancestors, who brought them out of the land of Egypt, and clung to other gods, bowing and serving them—that's why he brought all this disaster on them." Vanhu vachapindura vachiti, ‘Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wamadzibaba avo, akavabudisa kubva muIjipiti uye vakanamatira kuna vamwe vamwari uye vachivanamata nokuvashumira, ndokusaka akauyisa njodzi iyi pavari.’ ”
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]