Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 5 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 Solomon completed all the work for the house of our Father. He then brought in his father David's dedicated things—silver, gold, all the vessels—and put them in the storerooms of the house of our Father. Basa rose rakaitwa naSoromoni patemberi yaJehovha rakati rapera, akauyisa zvinhu zvakanga zvakakumikidzwa nababa vake Dhavhidhi, zvesirivha negoridhe nemidziyo yose akazviisa mudzimba dzokuchengetera dzetemberi yaMwari.
2 Solomon then gathered Israel's elders, all tribal heads, and leaders of Israel's ancestral families in Jerusalem, to bring up the ark of the covenant of our Father from the City of David, also called Zion. Ipapo Soromoni akadana vakuru veIsraeri kuJerusarema, vose vakuru vamarudzi navakuru vemhuri dzeIsraeri, kuti vauyise areka yesungano yaJehovha kubva kuZioni Guta raDhavhidhi.
3 So all the men of Israel gathered before the king at the feast in the seventh month. Uye varume vose veIsraeri vakauya pamwe chete kuna mambo panguva yomutambo mumwedzi wechinomwe.
4 When all the elders of Israel had come, the Levites took up the ark. Vakuru vose vaIsraeri pavakasvika, vaRevhi vakasimudza areka,
5 The priests and Levites brought up the ark, the tent of meeting, and all the holy vessels in it. uye vakauyisa areka neTende Rokusangana nemidziyo inoyera yaivamo. Vaprista ava vaiva vaRevhi vakazvitakura vakakwira nazvo;
6 King Solomon and all Israel's assembly who had gathered before him stood before the ark, sacrificing sheep and cattle too many to count or number. uye Mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakanga yaungana paari vakanga vari pamberi peareka vachibayira makwai mazhinji kwazvo nemombe zhinji zvokuti zvaisagona kunyorwa kana kuverengeka.
7 The priests brought our Father's covenant ark to its place, the house's inner sanctuary, the Most Holy Place, beneath the cherubim's wings. Ipapo vaprista vakauya neareka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo munzira tsvene yomukati metemberi, muNzvimbo Tsvene-tsvene vakaiisa pasi pemapapiro emakerubhi.
8 For the cherubim spread their wings over the ark's place, covering it and its poles from above. Makerubhi akanga akatambanudza mapapiro awo pamusoro penzvimbo yeareka uye akanga akafukidza areka namatanda ayo okutakurisa.
9 The poles were long enough that their ends showed from the ark before the inner sanctuary, but not outside; they remain there to this day. Matanda aya akanga akareba zvokuti miromo yawo, kubva paareka, aigona kuonekwa kubva nechemberi kwomukati menzvimbo tsvene, asi kwete uri kunze kweNzvimbo Tsvene. Uye achiripo nanhasi.
10 The ark held nothing but the two tablets Moses placed there at Horeb, where our Father made a covenant with the Israelites when they left Egypt. Muareka makanga musina chinhu kunze kwamahwendefa maviri akanga aiswamo naMozisi paHorebhi, Jehovha pavakaita sungano neIsraeri mushure mokunge vabuda muIjipiti.
11 Then the priests left the holy place. (All priests present had made themselves holy, regardless of their divisions, Ipapo vaprista vakabuda kubva muNzvimbo Tsvene. Vaprista vose vakanga varipo vakanga vazvinatsa zvisinei kuti vaiva vamapoka api.
12 and all the Levite singers—Asaph, Heman, Jeduthun, their sons and relatives—stood east of the altar in fine linen, playing cymbals, harps, and lyres, with 120 priests blowing trumpets.). VaRevhi vose vaiva vaimbi vaiti Asafi, Hemani, Jedhutuni navanakomana vavo nehama dzavo, vakamira kumabvazuva kwearitari vakapfeka micheka yakaisvonaka vachiridza makandira, mitengeranwa nembira. Vakanga vachiteverwa navaprista zana namakumi maviri vairidza hwamanda.
13 The trumpeters and singers, united, praised and thanked our Father with one voice—raising their voices with the trumpets, cymbals, and instruments, they praised him: "He is good; his covenant love endures forever." Then a cloud filled our Father's house, Varidzi vehwamanda navaimbi vakabatana pamwe chete sevane inzwi rimwe chete, vachirumbidza uye vachivonga Jehovha. Zvichibatana nehwamanda makandira nezvimwe zviridzwa vakasimudzira manzwi avo vachirumbidza Jehovha vakaimba vachiti: “Iye akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.” Ipapo temberi yaJehovha yakafukidzwa negore,
14 so the priests couldn't stand to serve because of the cloud, for the glory of our Father filled the house of our Father. uye vaprista vakatadza kuita basa ravo nokuda kwegore iroro, nokuti kubwinya kwaJehovha kwakanga kwazadza temberi yaMwari.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]