Skip to content
The Believer's Library

Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017

2 Chronicles 4 OSCB

Show OSCB only
Verse × ×
1 He made a bronze altar thirty feet long, thirty feet wide, and fifteen feet high. Akavaka aritari yendarira yakanga yakareba makubhiti makumi maviri, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi maviri uye yakareba makubhiti gumi kuenda mudenga.
2 He made the cast-metal Sea, round: fifteen feet across, seven and a half high, forty-five around. Akaita Gungwa resimbi, rakatenderera pakuvakwa kwaro, rakareba makubhiti gumi pamuromo waro kubva kune rumwe rutivi kusvika kune rumwe rutivi uye makubhiti mashanu kuenda mudenga. Zvaida tambo yakareba makubhiti makumi matatu kuti ikwanise kupoteredza gungwa iri.
3 Below the rim, figures of oxen encircled it, about seven to every foot around the Sea, cast in two rows as one piece with it. Pazasi pomuromo, zvifananidzo zvehando zvairipoteredza, zviri gumi pakubhiti rimwe chete. Hando idzi dzakanga dzakaiswa mumitsara miviri dziri chinhu chimwe chete neGungwa.
4 The Sea stood on twelve oxen, three facing north, three west, three south, three east, resting on them, their hindquarters all inward. Gungwa rakanga rakamira pamusoro pehando gumi nembiri, nhatu dzakatarisa kumusoro, nhatu dzakatarisa kumavirira, nhatu dzakatarisa zasi, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva. Gungwa rakanga rakagara pamusoro padzo uye shure kwadzo kwakanga kwakatarisa pakati.
5 About three inches thick, its rim like a cup's, like a lily's flower, holding about 17,000 gallons. Ukobvu hwaro hwakanga hwakaita sokufara kwechanza uye muromo waro wakanga wakaita somuromo womukombe, seruva rehapa. Raizara namabhati zviuru zvitatu.
6 He made ten washing basins, five south, five north, to rinse what was used for the burnt offerings; the Sea was for the priests to wash in. Akagadzirazve madhishi okusukira gumi akaisa mashanu kudivi rezasi, uye mashanu kudivi rokumusoro. Zvinhu zvose zvaizoshandiswa pazvipiriso zvinopiswa zvaisukirwamo, asi Gungwa raizoshandiswa navaprista pakushamba.
7 He made ten gold lampstands as specified, five for the temple's south side, five for the north. Akagadzira zvigadziko zvemwenje gumi zvegoridhe, sokurayirwa kwazvakanga zvaitwa akazviisa mutemberi, zvishanu akaisa zasi zvishanu kumusoro.
8 He made ten tables, placed them in the temple—five south, five north—and one hundred gold basins. Akagadzira tafura gumi akadziisa mutemberi, shanu zasi uye shanu kumusoro. Akagadzirawo mbiya dzegoridhe zana dzokusasa.
9 He made the priests' court, the great court, its doors, and plated their doors with bronze. Akagadzira chivanze chavaprista, nechivanze chikuru nemikova yechivanze uye akafukidza mikova nendarira.
10 He placed the Sea on the south side, at the southeast corner. Akaisa Gungwa kudivi rezasi, pakona yezasi yakadziva kumabvazuva.
11 Huram made the pots, shovels, and basins. So Huram finished the work he did for King Solomon in the house of our Father: Akagadzirazve hari nefoshoro nembiya dzokusasa. Saka Hurami akapedza basa raakaitira mambo Soromoni mutemberi yaMwari sezvinotevera:
12 the two pillars; the two bowl-shaped capitals atop the pillars; the two networks covering those capitals; mbiru mbiri; misoro miviri yakanga yakaumbwa sembiya pamusoro pembiru; mimbure miviri yakanga yakashongedza misoro miviri yakanga yakaumbwa pamusoro pembiru;
13 400 pomegranates for the two networks, two rows each, covering the two capital bowls on the pillars; Matamba mazana mana emimbure miviri nemimwe yakanga yakashongedza misoro yakanga yakaumbwa sembiya pamisoro yembiru;
14 the stands and the basins on the stands; zvigadziko namadhishi azvo;
15 the one Sea and the twelve oxen beneath it. Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;
16 Pots, shovels, meat forks, and all their utensils—Huram-abi made these for King Solomon, for our Father's house, of polished bronze. hari, foshoro, forogo dzenyama, nemimwe midziyo yose. Zvinhu zvose zvakagadzirwa naHurami-Abhi zvamambo Soromoni zvetemberi yaJehovha zvaiva zvendarira inobwinya.
17 The king had them cast in clay molds in the Jordan plain between Succoth and Zeredah. Mambo akaita kuti zviumbwe nevhu mubani reJorodhani pakati peSukoti neZaretani.
18 Solomon made all these items in such quantity that the bronze weight could not be determined. Zvinhu izvi zvose zvakagadzirwa naSoromoni zvakanga zvakawanda kwazvo zvokuti uremu hwendarira yakashandiswa hwakanga husingaverengeki.
19 Solomon made all the furnishings for our Father's house: the golden altar and tables with the bread of the Presence. Soromoni akagadzirazve midziyo yose yakanga iri mutemberi yaMwari yaiti: aritari yegoridhe; tafura dzaiva nechingwa choKuratidza;
20 The pure gold lampstands with their lamps, to burn before the inner sanctuary as prescribed; zvigadziko zvemwenje zvegoridhe nemwenje yazvo kuti ipfute pamberi penzvimbo tsvene yomukati sezvakarayirwa;
21 the gold flowers, lamps, and tongs (these were of the purest gold). maruva egoridhe nemwenje nembato (dzaiva dzegoridhe chairo);
22 Pure gold: the wick trimmers, sprinkling bowls, dishes, censers, and the temple's doorways—inner doors to the Most Holy Place, and the main hall's doors. zvidzimiso zvemwenje, mbiya dzokusasa, madhishi nezvaenga zvomoto zvegoridhe yakaisvonaka namakonhi egoridhe, etemberi: makonhi omukati yapaNzvimbo Tsvene-tsvene namakonhi eimba huru.
FHB

Scripture from Father’s Heart Bible™. © 2026 Spirit Media Publishing, the imprint of Spirit Media Inc. All rights reserved. In Divine Voice™ Color, the words spoken by our Father show in blue, the words of the Son in red, and the words of the Spirit in purple.

OSCB

Biblica® Bhaibheri Dzvene Rakasununguka MuChiShona Chanhasi™ Kopakodzero © 2005, 2018 ne Biblica, Inc. Biblica® Open Shona Contemporary Bible™ Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.
Biblica® Open Shona Contemporary Bible 2017 · Creative Commons - Attribution-ShareAlike [CC BY-SA]